Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha vaKristu Here?

Zvapupu zvaJehovha vaKristu Here?

 Hongu. Tiri vaKristu nemhaka yezvikonzero zvinotevera:

  •   Tinoedza kunyatsotevedzera dzidziso uye mararamiro aJesu Kristu.​—1 Petro 2:21.

  •   Tinotenda kuti Jesu ndiye achaita kuti tipone, “nokuti hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.”​—Mabasa 4:12.

  •   Vanhu pavanova Zvapupu zvaJehovha, vanobhabhatidzwa muzita raJesu.​—Mateu 28:​18, 19.

  •   Tinonyengetera nomuzita raJesu Kristu.​—Johani 15:16.

  •   Tinotenda kuti Jesu ndiye Musoro, kana kuti uya akagadzwa kuti ave nesimba pamunhu wose.​—1 VaKorinde 11:3.

 Asi pane zvimwe zvinhu zvatakasiyana nezvimwe zvitendero zvinozviti ndezvechiKristu. Somuenzaniso, tinotenda kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu Mwanakomana waMwari, kwete kuti chikamu chavanamwari vatatu. (Mako 12:​29) Hatitendi kuti mweya unoramba uchirarama kana munhu afa, kuti muBhaibheri mune Magwaro anoti Mwari anotambudza vanhu mumoto nokusingaperi, kana kuti vaya vanotungamirira muzvitendero vanofanira kupiwa mazita anovakwidziridza kudarika vamwe.​—Muparidzi 9:5; Ezekieri 18:4; Mateu 23:​8-10.