Enda pane zvauri kuda

Kuratidzwa Zvinoitwa paBheteri

Tinokukoka kuti uzoona zvinoitwa pamahofisi edu ayo atinoti Bheteri. Unogona kuona zvinoitwa pane mamwe mahofisi edu usina anokutungamirira.

Kutangazve Kushanyira Bheteri: Munyika dzakawanda, kubva musi wa1 June 2023, vanhu vachange vava kubvumidzwa kushanyira Bheteri. Kuti munzwe zvakawanda, taurai nehofisi yebazi yamuri kuda kushanyira. Musashanya kuBheteri kana makabatwa COVID-19,  muine zviratidzo zvedzihwa kana kuti flu, kana kuti makambova nemunhu akabatwa  COVID-19 munguva pfupi yadarika.

Cuba

Kubhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu

Munofanira kutanga mabhuka musati mauya kuzoshanyira mahofisi here? Ehe. Kuti pasazove nevanhu vakawandisa, tinokukumbirai kuti pamunouya kuzoshanyira mahofisi edu, mutange mabhuka pasinei nekuti muri kushanya makawanda sei. Munofanira kubhuka pachiine vhiki kana kudarika. Kana muri kuzoda kushanya panguva yemazororo, tinokukurudzirai kuti mubhuke pachiine nguva yakareba.

Kana musina kubhuka, zvinoita here kuti muzoratidzwa mahofisi edu? Kana musina kubhuka, tinogona kuzotadza kukuratidzai mahofisi. Nzvimbo iripo haitibvumiri kuti tive nevashanyi vakawandisa pazuva rimwe chete.

Munofanira kusvika nguvai? Kuti vanhu vasazowandisa panguva imwe chete, tinokukumbirai kuti musakurumidzisa kusvika, asi munogona kuuya henyu pasara maminitsi 15 kuti nguva dzamakabhuka dzikwane.

Munobhuka sei? Kana muine vanhu vasingapfuuri 11 muboka renyu, bayai pakanzi “Make a Reservation—Fewer Than 11 People.” Asi kana muchipfuura tumirai e-mail InboxLOBBY.CU@bethel.dan124.com kana kuti fonai panhamba dziri pasi apo kuti mukumbire kuzoratidzwa makawanda.

Munogona kukanzura zvamakabhuka here? Ehe. Bayai pakanzi “View or Change Reservations.”

Ko kana musi wamuri kuda kubhuka wakazara? Garai muchitarisa website ino. Vamwe vanogona kukanzura kana kuchinja musi wavakabhuka

Make a Reservation—Fewer Than 11

Dhaunirodha kabhuku kanoratidza zvinoitwa pahofisi

Kero Uye Nhamba Dzefoni

Avenida15 #4608

Between Calle 46 and Calle 48

PLAYA, LA HABANA

CUBA

+53 7-204-7598

+53 7-204-1026

Mafambiro