Enda pane zvauri kuda

Kubatsira Vapoteri muCentral Europe

Kubatsira Vapoteri muCentral Europe

Makore achangobva kupfuura, muEurope makauya vapoteri vakawanda vaibva kuAfrica, kuMiddle East, nekuSouth Asia. Kuti vavabatsire, vamiririri vehurumende nevanhu veko vanozvipira, vanoshanda pakuvapa zvekudya, pekugara nemishonga.

Asi vapoteri havangodi kubatsirwa nezvinhu izvozvo chete. Vakawanda vavo vanenge vachishungurudzika mumwoyo nemupfungwa, saka vanodawo kunyaradzwa uye kubatsirwa kuti vave netariro. Zvapupu zvaJehovha muCentral Europe zviri kuedza chaizvo kuti zvibatsire vapoteri panyaya iyi, saka zvinovateerera pavanenge vachitaura uye zvinokurukura navo mashoko emuBhaibheri anonyaradza.

Nyaradzo Inobva muBhaibheri

Kubva muna August 2015, Zvapupu zvemuungano dzinopfuura 300 dzemuAustria neGermany zvakashanda nesimba kuti zvinyaradze vapoteri. Vakaona kuti vapoteri vanofarira kunzwa mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo yakaita seiyi:

Kubva muna August kusvika muna October 2015, Zvapupu zveko zvakakumbira mabhuku anotsanangura Bhaibheri aipfuura matani 4 kuhofisi yebazi yemuCentral Europe, uye zvakapa vapoteri vacho mabhuku acho zvisingavabhadharisi.

Kukunda Dambudziko Rekusiyana Kwemitauro

Vapoteri vakawanda vanongotaura rurimi rwaamai vavo chete. Saka Zvapupu zvinoshandisa website yejw.org, iyo inobudisa nyaya nemavhidhiyo mumazana emitauro. Matthias naPetra, avo vanozvipira kushanda muErfurt, Germany, vanoti: “Pamwe pacho tinototaura tichishandisa masaini, mapikicha, kana kuita zvekudhirowa.” Kuti Zvapupu izvi zvikwanise kuparidzira vapoteri mururimi rwaamai vavo, zvinoshandisa app inobatsira pakudzidza mutauro inonzi JW Language. Pakuverenga magwaro nepakuratidza mavhidhiyo, vamwe vanoshandisa JW Library app iyo iri mumitauro yakawanda.

Vakawanda Vakafarira Chaizvo

Mumwe murume nemudzimai vekuSchweinfurt, Germany, vanoti: “Tainge takapoteredzwa negumi nefararira revanhu. Mumaawa maviri nehafu chete, vapoteri vakanga vapiwa mabhuku 360. Vakati wandei vaikotamisa misoro yavo zvishoma vachitenda.” Wolfgang, uyo akazvipirawo kunoparidza kutaundi reDiez, kuGermany, anoti: “Vapoteri vacho vanofara kuziva kuti panewo anovafarira. Dzimwe nguva vanokumbira mabhuku emitauro 5 kana kuti 6.”

Vakawanda vanobva vatotanga kuverenga zvatinenge tavapa ipapo, uye vamwe vanozodzoka vachitenda. “Vamwe varume vaviri vakatora mabhuku,” anodaro Ilonca, chimwe Chapupu chekuBerlin, Germany. “Papera hafu yeawa vakadzoka vaine chingwa chavaida kutipa sechipo. Vakati vaiva neurombo kuti vakanga vasina chimwe chinhu chavaiva nacho chekutipa.”

“Tinokutendai! Tinokutendai Chaizvo!”

Vamwe vakuru vakuru vepanzvimbo inochengetwa vapoteri, vashandi vepo nevavakidzani vanotenda chaizvo basa rekuzvipira riri kuitwa neZvapupu. Mumwe mushandi uyo anochengeta vapoteri vanenge 300 akati, “Tinokutendai! Tinokutendai chaizvo nekuva nehanya zvakadaro kuvanhu vanobva kune dzimwe nyika!” Mumwewo anoshanda pamusasa wevapoteri akaudza Zvapupu kuti zviri kuita zvakanaka chaizvo nekupa vapoteri mabhuku ane mashoko anobatsira kuti vaverenge mumutauro wavo, “nekuti iye zvino havana chimwe chinhu chavanoita muupenyu kunze kwekudya.”

Marion nemurume wake, Stefan, avo vanogara kuAustria, akatsanangurira mamwe mapurisa maviri aiva pabasa chinangwa chekuzvipira kwavo. Mapurisa acho akavatenda, ndokubva akumbira mabhuku maviri. Marion anoti: “Mapurisa acho anogara achititenda nebasa ratiri kuita.”

Mumwe mukadzi wekuAustria uyo anogara achiyamura vapoteri nekuvapa zvinhu, akaona kuti Zvapupu zvinoramba zvichiuya kuzobatsira vapoteri pasinei nekuti mamiriro ekunze akaita sei. Rimwe zuva mukadzi wacho akavaudza kuti: “Kutaura chokwadi vapoteri vanoda kubatsirwa nezvekurarama nazvo. Asi vanonyanya kuda kuudzwa mashoko anoita kuti vave netariro. Imimi ndizvo chaizvo zvamuri kuita.”