Enda pane zvauri kuda

Vechidiki Vakabatsirwa Kuziva Zvokuita Pavanodhererwa Kuchikoro

Vechidiki Vakabatsirwa Kuziva Zvokuita Pavanodhererwa Kuchikoro

Hugo, uyo ava nemakore 10, akapiwa mubayiro weDiana Award nesangano rinoyamura vanhu rekuBritain, nemhaka yekubatsira vamwe vanawo vepachikoro pake kuti vazive zvavangaita kana vachidhererwa.

Hugo akati: “Vhidhiyo inonzi Zvaungaita Kuti Vamwe Vasakudherera Asi Usingavarovi ndiyo yakaita kuti ndiwane mubayiro uyu. Ndakashandisa zvandakadzidza muvhidhiyo iyi yepajw.org kubatsira vamwe kuti vazive zvekuita kana vachidhererwa.”

“Nyaya yokudherera vamwe inoitika pasi rose . . . , asi . . . usanetseka hako pane zvaunogona kuita.” (Mashoko akatorwa muvhidhiyo inonzi Zvaungaita Kuti Vamwe Vasakudherera Asi Usingavarovi)

Hugo akatanga aratidza vadzidzisi vake vhidhiyo iyi. Vhidhiyo yacho yakavabaya mwoyo zvekuti vakabva varonga kuti vana vese vepachikoro chacho vakwanise kuenda pajw.org. Vana vakawanda vane makore ari pakati pe8 ne10 pachikoro ichi vava kugara vachienda pajw.org. Vanoti yakavabatsira kuziva zvekuita pavanosangana nematambudziko akadai sekudhererwa, uyewo vava kukwanisa kupindura mibvunzo yakadai sewekuti, Ndingaita sei kuti ndiwane shamwari yechokwadi?

Vhidhiyo Iyi Ine Mazano Ari Kubatsira Vechidiki

Mumwe mukomana wekuBritain anonzi Elijah ane makore 8, aisanganawo nedambudziko rekudhererwa kuchikoro. Saka vakabva vaona vhidhiyo iyi semhuri. Vakadzidzira zvaaigona kuzotaura uye zvaaigona kuzoita kana vamwe vava kumudherera. Izvi zvakaita kuti Elijah asatye uye azive zvokuita paaizosangana nedambudziko racho. Pakazosvika vhiki rekukurudzira vana kuti vasadhererana, mukuru wevadzidzisi vepachikoro chaaidzidza akaita kuti chikoro chese chione vhidhiyo yacho.

Dambudziko rekudhererana harisi rekuBritain chete. Riri kwese kwese munyika, uye vhidhiyo iyi iri kubatsira vechidiki munyika yose.

Mumwe musikana ane makore 10 wekuUnited States anonzi Ivie, aitya mumwe musikana wemukirasi mavo aimudherera. Paakaona vhidhiyo inonzi Zvaungaita Kuti Vamwe Vasakudherera, Ivie akava neushingi hwekutaura nemusikana wacho. Akaudzawo mudzidzisi wake nezvedambudziko racho, uyo akabva amubatsira kurigadzirisa. Musikana wacho akamukumbira ruregerero, uye iye zvino vava kuwirirana.

SeZvapupu zvaJehovha tinoda kuti vechidiki vanakidzwe neupenyu. Saka ticharamba tichibudisa mazano anovabatsira kuziva zvavangaita pavanosangana nematambudziko ezuva nezuva akadai sekudhererwa.