Enda pane zvauri kuda

Mushandirapamwe Wakaitwa kuLapland

Mushandirapamwe Wakaitwa kuLapland

Vanhu verudzi rwechiSaami vanogara munzvimbo yakakura inobatanidza nyika dzinoti Finland, Norway, neSweden. Vanhu ava vane tsika dzavo dzavanotevedzera nemitauro yavo. Munguva ichangopfuura Zvapupu zvaJehovha zvakaita zvinhu zviviri kuti vaparidzire vaSaami.

Chekutanga, muna 2015 Zvapupu zvakatanga kushandura mabhuku nemavhidhiyo anotsanangura Bhaibheri mumutauro wechiSaami. a Chechipiri, muna 2016 na2017 zvakaita mishandirapamwe miviri yekuparidza munzvimbo inonzi Lapland. Nzvimbo iyi iri kwayo yega uye vanhu veko vanochengeta mhuka dzinonzi mareindeer dzakakura kunge nhoro.

“Basa rinobatsira nharaunda ino”

Pakaitwa mushandirapamwe muna May 2017, Zvapupu zvinopfuura 200 zvaibva kuFinland, kuNorway, nekuSweden zvakazvipira kuenda kunoparidza kumisha iri kure nakure iri munzvimbo yakakura yeLapland. Zvimwe Zvapupu zvakadzidzira mashoko echiSaami uye vaSaami vakawanda vakazvifarira. Denis akanoparidza munzvimbo inonzi Karigasniemi uye anoti, “Vanhu vacho vaifara chaizvo pavaiona tichiedza kutaura navo nemutauro wavo uye vakanyatsoona kuti taivafarira zvinobva pamwoyo.”

VaSaami vanofarira mhuka nezvimwe zvinhu zvakasikwa zvinoyevedza. Saka pavakanzwa nezvekuti nyika ichava Paradhiso vakazvifarira. (Pisarema 37:11) Semuenzaniso, mumwe mukadzi paakatanga kudzidza Bhaibheri achishandisa bhuku rinonzi Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! akanzwa zvichaitirwa vanhu naMwari, uye akashamisika kuti nei mufundisi wavo asina kumbobvira avaudza nezvekuti nyika ichava paradhiso.

Vakawanda vakatenda chaizvo nekushanya kwakaita Zvapupu. Mumwe murume anotengesa mushopu akaona zvaiitwa nezvimwe Zvapupu zviviri achibva azvitenda achiti, “muri kuita basa rinokosha uye rinobatsira nharaunda ino” uye akavaudza kuti vauye kushopu kwake vatore chero chekudya chavaida. Akavaudza kuti aizovabhadharira.

Pamushandirapamwe uyu vaSaami vakaona mavhidhiyo anenge 180 uye vakatora mabhuku anopfuura 500. Kakawanda vaitora mabhuku ese aiwanikwa mumutauro wavo uye 14 vacho vakatotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.

“Basa iri rakaitwa neunyanzvi”

VaSaami vakawanda vakafarira chaizvo mashandurirwo akaitwa mabhuku neZvapupu mumutauro wavo. Mumwe mudzidzisi anonzi Nilla Tapiola uye ari zvekare nhengo yeparamende yevaSaami akati: “Mabhuku enyu akashandurwa zvakazonaka.” Akati mabhuku acho “ari nyore kuverenga uye akanyorwa zvinonzwisisika.” Mumwe murume wechiSaami anogara nechekumusoro kweFinland akati: “Basa iri rakaitwa neunyanzvi.”

KuKarigasniemi, iri pamuganhu weFinland neNorway, Zvapupu zvakakurukura nemudzidzisi wechiSaami chidzidzo chekutanga chebhuku rinonzi Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! Afarira kunaka kwemashandurirwo arakaitwa, mudzidzisi wacho akabva akumbira Zvapupu mvumo yekuti arishandise pakudzidzisa mutauro wechiSaami pachikoro chake.

Pane mavhidhiyo akawanda nematurakiti uye bhurocha rimwe chete zvakashandurirwa muchiSaami. Kubva musi wa29 February 2016, website yejw.org yakatangawo kuwanikwa muchiSaami. Pamwedzi wega wega vanhu vanotaura chiSaami vanoenda pawebsite iyi kanopfuura ka400 uye vanodhaunirodha zvinhu zvakadai semabhuku nemavhidhiyo zvinosvika 350.

Vese, vaSaami nevaya vakazvipira kuita mushandirapamwe uyu vari kufara chaizvo. Henrick naHilja-Maria, avo vakaenda kuUtsjoki vanoti, ‘vanhu vemunharaunda yacho vainyatsoona kuti Bhaibheri rinovabatsira pane zvakawanda.” Lauri naInga, vaivawo kuUtsjoki, vakati: “Mushandirapamwe uyu watiyeuchidza kuti Mwari haasaruri. Tinofara kuti tiri kukwanisawo kuratidza rudo rwake kuvanhu vanogara munzvimbo idzi dziri kure.”

a Mutauro wevaSaami (vanonziwo vaSami) une mapazi akawanda. Bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica rinoti: “VaSaami vakawanda vanotaura mutauro unonzi North Sami.” Zvapupu zvaJehovha zvinoshandura mabhuku azvo mumutauro uyu weNorth Saami. Kuti zvive nyore, munyaya ino tichashandisa shoko rekuti “Saami” tichireva mutauro unoshandiswa nevaSaami vakawanda.