Enda pane zvauri kuda

Chikamu 2 Chemapikicha ekuBritain (September 2015 - August 2016)

Chikamu 2 Chemapikicha ekuBritain (September 2015 - August 2016)

Zvapupu zvaJehovha zvekuBritain, zviri kutama kubva kuMill Hill, muLondon, zvichienda pedyo neguta reChelmsford, muEssex, riri makiromita anenge 70 nechekumabvazuva. Mapikicha ari pano anoratidza basa rakaitwa pakuvaka mahofisi avo kubva muna September 2015 kusvika muna August 2016.

29 October 2015​—Pachavakirwa Mahofisi Anoona Nezvebasa

Varume vachidira kongiri pamberi pegaraji iro richazoshandiswa pakugadzira michina inoshandisa pabasa rekuvaka.

9 December 2015​—Pachavakirwa Mahofisi Anoona Nezvebasa

Vashandi vari kuisa denga paimba yekudyira uye mahofisi anenge achizoshandiswa panguva inenge ichivakwa nzvimbo iyi.

18 January 2016​—Pachavakirwa Mahofisi Anoona Nezvebasa

Mushandi ari kushandisa excavator pakucheka mimwe miti iri pedyo negedhi rinenge richizopinda nevanhu. Muchina uyu unobata muti, woucheka, wozoutakura. Nzvimbo iyi isati yatanga kushandiswa, pachadyarwa zviuru zvemiti kuti itsive inenge yatemwa.

31 March 2016​—Pachavakirwa bazi

Vashandi vari kubvisa marara ese ari muvhu akasiyiwa nevaimboshandisa nzvimbo iyi. Ivhu iri rinogona kuzocheneswa roshandiswa zvakare.

14 April 2016​—Pachavakirwa bazi

Vashandi vari kugadzirira kushandisa crane kuti vasimudze macabin vachiaendesa paanofanira kugara. Vanhu vachashanda pakuvaka vachashandisa macabin aya semahofisi uye pakuita mamwe mabasa.

5 May 2016​—Pachavakirwa bazi

Vashandi vari kusarudza zvinhu zvinogona kuzoshandiswazve vachizviisa padivi. Komiti yebasa rekuvaka yakaronga kuti 95% yezvinhu zvese zvinenge zvisingakuvadzi ibviswe muvhu. Uyewo 89% yezvinhu zvese zvaida kuzoraswa zvakadai sezvidhinha, kongiri, uye matanda zvakanzi zvizoshandiswa pane rimwe basa richada kuitwa ipapo.

23 May 2016​—Pachavakirwa Mahofisi Anoona Nezvebasa

Mushandi ari kuvhara gomba richange richizofamba nepombi dzinenge dzichienda kumacabin achange achizogara vashandi vekuvaka.

26 May 2016​—Pachavakirwa bazi

Mumwe mushandi achiongorora ivhu kuti aone kuti rinokodzera here kushandiswa pakugadzira migwagwa panzvimbo iyi.

31 May 2016​—Zvichange zvakaita bazi

Musi wa31 May 2016, Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha rakapa mvumo yekuti purani iyi ishandiswe. Basa rekuvaka rava kuda kutanga, sezvo mamwewo mahofisi emunharaunda iyi akatobvumira kuti basa rienderere mberi.

16 June 2016​—Pachavakirwa bazi

Vashandi vari kubvisa marara muvhu ratorwa panzvimbo iyi. Ivhu iri rinogona kuzoshandiswa zvekare. Izvi zvinochengetedza mari nekuti panenge pasisina chikonzero chekunorasa ivhu iri uye chekutsvaga chimwe chinhu chekuisa paimbova nevhu racho.

20 June 2016​—Pachavakirwa bazi

Vashandi vachigadzira nzvimbo ichazoiswa mugwagwa unopinda nevanhu. Vashandi vanoenderera mberi nekuvaka pasinei nekuti mumwedzi uyu mvura iri kunaya chaizvo, uye pasi pazere nematope.

18 July 2016​—Pachavakirwa Mahofisi Anoona Nezvebasa

Migwagwa iri kudirwa mvura kuti guruva risapfumbuka. Kuchengetedza nzvimbo inenge ichivakwa yakachena kunoenderana nemitemo yeConsiderate Constructors Scheme. Komiti yekuvaka yakabvuma kuita zvinotaurwa nesangano iri panyaya dzekuvaka munharaunda iyi. Mutemo wesangano iri unoenderana nezvinotaurwawo neBhaibheri nekuti unokurudzira kuti tiremekedze vamwe.

18 July 2016​—Pachavakirwa Mahofisi Anoona Nezvebasa

Mushandi achicheka simbi dzichada kuzoturikwa pombi dzeair-conditioning.

22 July 2016​—Pachavakirwa bazi

Vashandi vari kubvisa matombo kubva muivhu. Sezviri kuratidzwa pamufananidzo uyu, ivhu riri kuiswa mumuchina unosefa ivhu. Muchina uyu une sefa dzakakura zvakasiyana siyana, zvekuti unoparadzanisa ivhu nematombo akakura nemadiki, uye ivhu rakatsetseka ndiro rinozopedzisira rava pasi pawo. Zvadaro ivhu iroro rinozobuda nenzira nhatu, richidirwa muturori tunenge turipo.

22 July 2016​—Pachavakirwa bazi

Vashandi vari kubvisa rimwe ivhu kuitira kuti zvivako zvizobuda sezviri papurani.

18 August 2016​—Pachavakirwa bazi

Nechekuruboshwe kwemufananidzo uri pano, vashandi vari kupedzisa kuita kuti nzvimbo yacho inyatsoti sandara kuitira kuti faundesheni yedzimba dzekugara itange kucherwa. Nechekumashure kuruboshwe, ndiko kuchazovakwa dzimba dzichange dzichigara vashandi 118.