Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaFiripi 4:6, 7—“Musazvidya Mwoyo Nezvechinhu Chero Chipi Zvacho”

VaFiripi 4:6, 7—“Musazvidya Mwoyo Nezvechinhu Chero Chipi Zvacho”

 “Musazvidya mwoyo nezvechinhu chero chipi zvacho, asi panyaya dzese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera uye muchiteterera pamwe chete nekuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese ruchachengetedza mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu kuburikidza naKristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7, BhaibheriShanduro yeNyika Itsva.

 “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, nomunyengetero uye nomukumbiro, uye nokuvonga, isai zvikumbiro kuna Mwari. Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7, Bhaibheri Dzvene muchiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naVaFiripi 4:6, 7

 Vanamati vaMwari pavanonetseka kana kuzvidya mwoyo vanogona kunyengetera kuna Mwari vachikumbira kubatsirwa. Anovimbisa kuti achavapa rugare mumwoyo mavo ruchaita kuti vasanyanyonetseka, vanzwe vakachengeteka uye vagadzikane mupfungwa. Muvhesi 6 munoratidza nzira dzakasiyana-siyana dzavanogona kunyengetera vachikumbira rugare irworwo.

 Kuteterera kunyengetera uchikumbira nemwoyo wese. Munhu anogona kuteterera kuna Mwari paanenge aine zviri kumunetsa kana kuti upenyu hwake paunenge huri panjodzi sezvakaitwa naJesu. (VaHebheru 5:7) Minyengetero iyoyo inowanzoitwa kakawanda.

 Kukumbira, kuudza Mwari chimwe chinhu chaunenge uchida. Vanamati vake vanogona kumukumbira “panyaya dzese,” kana kuti “muzvinhu zvese.” Asi zvatinonyengeterera zvinofanira kuenderana nezvaanoda sezvinotaurwa neBhaibheri.—1 Johani 5:14.

 Minyengetero yekuonga ndeyekutenda Mwari nezvezvinhu zvese zvaakatiitira nezvaachatiitira. Patichaisa pfungwa dzedu pazvikonzero zvatiinazvo zvekutenda Mwari, tichagara tichifara.—1 VaTesaronika 5:16-18.

 Mwari anopindura minyengetero yakadaro yevanamati vake nekuvapa rugare. “Rugare rwaMwari” runobva pakuzorodzwa kwatinoitwa nekuti tinenge tiine neushamwari hwakanaka naMwari. (VaRoma 15:13; VaFiripi 4:9) Rugare urwu “runopfuura kunzwisisa kwese” nekuti runobva kuna Mwari uye runogona kutibatsira kupfuura zvatingafunga.

 Vhesi iyi yati rugare rwaMwari runochengetedza mwoyo yedu. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kuchengetedza” rakada kufanana neshoko raishandiswa muhondo kutsanangura zvaiitwa nemasoja pakudzivirira guta rakavakirirwa. Rugare rwaMwari runoitawo saizvozvo pakuti runoita kuti munhu anzwe akachengeteka uye akagadzikana mupfungwa. Runomubatsira kuti asanyanye kunetseka nezvematambudziko ake.

 Rugare rwatinopiwa naMwari runotichengetedza “kuburikidza naKristu Jesu,” sezvo tichingokwanisa kuva shamwari dzaMwari kuburikidza naJesu. Jesu akapa upenyu hwake sechibayiro kuti atidzikinure pazvivi zvedu. Kana tichitenda muna Jesu, tinokomborerwa naMwari. (VaHebheru 11:6) Tinokwanisa kutaura naye kuburikidza naJesu. Jesu akati: “Hapana anouya kuna Baba asina kusvika nekwandiri.”—Johani 14:6; 16:23.

Mashoko akapoteredza VaFiripi 4:6, 7

 Bhuku raVaFiripi itsamba yakanyorwa nemuapostora Pauro achinyorera vaKristu vaigara muguta reFiripi. a Muchitsauko 4 chebhuku racho, Pauro anokurudzira ungano yacho kuti ifare, uye anotenda zvinhu zvavakamupa zvakaita kuti afare. (VaFiripi 4:4, 10, 18) Anotaura kuti munyengetero unoita kuti tiwane rugare rwaMwari, uye anoti kana tichida kuti “Mwari werugare” atibatsire tine zvatinofanira kuita uye kufunga nezvazvo.—VaFiripi 4:8, 9.

a Raiva munyika yatava kuti Greece.