Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaHebheru 11:1—“Kutenda Ndiko Kuva Nechokwadi Nezvinhu Zvatinotarisira”

VaHebheru 11:1—“Kutenda Ndiko Kuva Nechokwadi Nezvinhu Zvatinotarisira”

 “Kutenda kuva nechivimbo chekuti zvinhu zvinenge zvichitarisirwa zvichatoti zviitike, kuratidzwa kweuchapupu hwezvinhu zvisiri kuoneka.”—VaHebheru 11:1, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Zvino, kutenda ndiko kuva nechokwadi nezvinhu zvatinotarisira nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.”—VaHebheru 11:1, Bhaibheri Dzvene Muchishona Chanhasi.

Zvinorehwa naVaHebheru 11:1

 MuBhaibheri, vhesi iyi ndiyo inonyatsotsanangura chinonzi kutenda uye inoratidzawo kuti kutenda hazvirevi kungobvuma chimwe chinhu.

 “Kutenda kuva nechivimbo chekuti zvinhu zvinenge zvichitarisirwa zvichatoti zviitike.” MuchiGiriki shoko rekuti “kutenda” riri pana VaHebheru 11:1, rinopa pfungwa yekuvimba kana kuti yekunyatsova nechokwadi. Kutenda kwacho hakuna kuvakirwa pazvinhu zvatinongoshuvira asi pazvinhu zvatiine chivimbo chekuti zvichatoitika. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kuva nechivimbo,” a rinogonawo kushandurwa richinzi gwaro reuridzi, kureva gwaro rinoita kuti munhu ave nechokwadi chizere chekuti chinhu chaainacho ndechake.

 “Kutenda . . . kuratidzwa kweuchapupu [kana kuti “uchapupu hunogutsa,” mashoko emuzasi] hwezvinhu zvisiri kuoneka.” Kutenda kwakavakirwa pauchapupu hwakasimba. Uchapupu hwacho hwakasimba zvekuti hunoita kuti munhu abvume kuti kunyange zvinhu zvaasingaoni, zviriko.

Zvinotaurwa nemamwe mavhesi anotevera VaHebheru 11:1

 Muapostora Pauro ndiye akanyora bhuku raVaHebheru. Akarinyorera vaKristu vaigara muJerusarema nemunzvimbo dzaive dzakapoteredza Jerusarema. Muchitsauko 11, Pauro aitaura kuti nei zvichikosha kuti munhu ave nekutenda. Semuenzaniso akanyora kuti: “Pasina kutenda hazviiti kunyatsofadza Mwari, nekuti munhu wese anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaga nemwoyo wese.” (VaHebheru 11:6) Pashure pekunge atsanangura zvinoreva kutenda pana VaHebheru 11:1, Pauro akazotaura nezvevarume nevakadzi vanotaurwa muBhaibheri vaiva neunhu uhwu. Akataura kuti vakaratidza sei kutenda nekuita kuda kwaMwari.—VaHebheru 11:4-38.

a Shoko rechiGiriki rakashandurwa pano kuti kuva nechivimbo ndihy·poʹsta·sis, uye rinogona kushandurwawo richinzi “chinhu chinotsigira faundesheni.”