Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Nei Zvichikosha Kuti Vana Vagare Vachiverenga?—Chikamu 2: Chii Chiri Nani: Bhuku Repafoni Kana Kuti Rakaprindwa?

Nei Zvichikosha Kuti Vana Vagare Vachiverenga?—Chikamu 2: Chii Chiri Nani: Bhuku Repafoni Kana Kuti Rakaprindwa?

 Mwana wenyu anofarira kuverenga bhuku rakaprindwa here kana kuti repafoni?

 Vechidiki vakawanda vanofarira bhuku repafoni. Dr. Jean M. Twenge vakanyora kuti: “Kuverenga bhuku rakaprindwa kunogona kuomera vechidiki vakawanda mazuva ano nekuti vakajaira repafoni vachiita zvekubaya malink.” a

 Kuverengera patablet kana pafoni kune zvakwakanakirawo. Mumwe mukomana ane makore 20 anonzi John anoti: “Pachikoro chandaidzidza taiverenga tichishandisa mafoni kana kuti makombiyuta. Saka zvaindiitira nyore kuwana zvandinenge ndichitsvaga nekukurumidza nekuti unongonyora zvauri kuda zvobva zvabuda.”

 Vanhu vanoverenga vachishandisa mafoni vanewo zvimwe zvakawanda zvavanogona kuita pavanenge vachiverenga. Semuenzaniso, ukangobaya kamwe chete, unogona kuratidzwa zvinorehwa nerimwe shoko, kuteerera nyaya yacho ichiverengwa, kuona vhidhiyo inoenderana nenyaya iyoyo uyewo kuwana mamwe mashoko kana ukangobaya malink ari munyaya yacho. Saka zvinoreva here kuti kuverenga uchishandisa bhuku rakaprindwa hakunyanyi kubatsira?

 Vamwe vanofarira kuverenga vachishandisa bhuku rakaprindwa kana vachida kunyatsodzamisa pfungwa pane zvavari kudzidza. Nemhaka yei?

  •   Kuisa pfungwa pane zvaunenge uchiverenga. Mumwe mukomana anonzi Nathan anoti, “Pandinenge ndichiverengera pafoni, zvinhu zvinoshambadzirwa kana kuti mameseji anongoerekana abuda uye izvi zvinonditadzisa kuisa pfungwa pane zvandinenge ndichiverenga.”

     Karen, ane makore 20, ndirowo dambudziko raanaro. Anoti: “Pandinoverenga ndichishandisa foni zviri nyore kuti nditsauswe nemamwe maapplication ari pafoni pangu kana kuti ndinogona kutotanga kuda kutamba magemhu.”

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Shandisai nguva yenyu nekuchenjera.’—VaKorose 4:5.

     Zvekufunga nezvazvo: Mwana wenyu anokwanisa kuzvidzora here kuti asatsauswa paanenge achiverenga kana kuti achidzidza achishandisa foni? Kana asingakwanisi, mungamubatsira sei kuti adzidze kuisa pfungwa pane zvaanenge achiita?

     Zano: Batsirai mwana wenyu kuti anzwisise kuti kana akatsauswa nezvinhu zviri pafoni achaita nguva yakareba achiita homuweki uye achasara aine nguva shoma yekuita zvimwe zvinhu zvaanoda kuita.

  •   Kunzwisisa zvauri kuverenga. Bhuku rinonzi Be the Parent, Please rinoti: “Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vanhu pavanoverenga vachishandisa bhuku repafoni havanyatsonzwisisi zvavari kuverenga sezvavanoita kana vachiverenga vachishandisa bhuku rakaprindwa.”

     Chimwe chikonzero ndechekuti vanhu vanoverenga vachishandisa foni vanowanzomhanya pakuverenga vasingadzamisi pfungwa. “Patinenge tichiverenga chimwe chinhu paindaneti, tinenge tiine shungu dzekuda kudzidza zvakawanda munguva pfupi,” anodaro mumwe munyori anonzi Nicholas Carr. b

     Dzimwe nguva, kuverenga uchimhanya kune zvakwakanakira. Asi dambudziko riri pakuti ndiyo “yatova tsika yedu yekuverenga tichimhanya tisingadzamisi pfungwa,” anodaro Nicholas Carr. Izvi zvinogona kuita kuti mwana wenyu ave netsika yekungoverenga achimhanya asiri kunyatsonzwisisa zvaari kuverenga.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Pazvese zvaunowana, wana mwoyo unonzwisisa.”—Zvirevo 4:7.

     Zvekufunga nezvazvo: Mungabatsira sei mwana wenyu kuti adzidze kutsvakurudza paanenge achiverenga achishandisa bhuku rakaprindwa kana kuti achishandisa foni?

     Zano: Ivai nemaonero akanaka kwete kubva maona sekuti kuverengera pafoni kwakaipa kana kuti kushandisa bhuku rakaprindwa kwakaipa. Uyewo haisi nyaya yekuti mwana ngaangosarudza zvaanoda. Zvese zvine zvazvakanakira. Asi chokwadi ndechekuti, zvimwe zvinhu zviri pamafoni zvinotobatsira kuti munhu anzwisise zvaari kuverenga. Saka, yeukai izvi pamunenge muchikurukura nevana venyu zvakanakira uye zvakaipira kushandisa nzira idzi mbiri. Yeukaiwo kuti vana vanosiyana.

  •   Kuyeuka zvaunenge waverenga. Mune imwe magazini inonzi Scientific American, mumwe murume anonzi Ferris Jabr akati, ‘kuverengera pafoni kunoita kuti pfungwa dzisare dzaneta . . . uye kunogona kuita kuti zviome kuyeuka zvaunenge waverenga.’

     Kuverenga uchishandisa bhuku rakaprindwa kunogona kukubatsira kuyeuka kuti zvawakaverenga zvaiva papeji ripi, rekurudyi here kana kuti rekuruboshwe uye kuti zvanga zvakanyorwa kuti kudii. Izvi zvinoita sekunge waisa maki mupfungwa inozokubatsira kuwana zvauri kuda.

     Vanotsvakurudza vakaona kuti vaya vanoverenga vachishandisa mabhuku akaprindwa, zvinovaitira nyore kuzoyeuka zvavanenge vaverenga kupfuura vanoverengera pafoni. Vanoyeuka mashoko acho nekuti vanenge vanyatsoadzidza.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Chengetedza uchenjeri hunobatsira uye gara uchishandisa pfungwa.”—Zvirevo 3:21.

     Zvekufunga nezvazvo: Mwana wenyu anoomerwa nekunzwisisa kana kuti kuyeuka zvaanenge averenga kana kuti zvaanenge adzidza here? Kana zvakadaro, mungamubatsira sei kuti avandudze madzidziro aanoita? Zvingabatsira here kana akaverenga achishandisa bhuku rakaprindwa?

     Zano: Zvibvunzei kuti mwana wangu ari kunyatsobata here zvaari kudzidza pane kungoti ngaashandise foni kana kuti bhuku rakaprindwa nekuti ndiro raanofarira. Zviri nyore kuti munhu afunge kuti anokwanisa kuverenga achinyatsonzwisisa kana achishandisa foni.

a Mashoko aya akatorwa mubhuku rinonzi iGen.

b Mashoko aya akatorwa mubhuku rinonzi The Shallows.