Enda pane zvauri kuda

Ndingawanepi Tariro?

Ndingawanepi Tariro?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinoti Mwari anoda kutipa “ramangwana rakanaka netariro.” a (Jeremiya 29:11) Chimwe chikonzero chakaita kuti Mwari atipe Bhaibheri ndechekuti “tive netariro inobva . . . pakunyaradza kunobva muMagwaro.” (VaRoma 15:4) Sezvatichaona, mazano anobva muBhaibheri anogona kuita kuti tirarame zuva nezuva tiine tariro, uye zvarinotivimbisa zvinoita kuti tive netariro yakanaka yeramangwana.

Papeji ino

 Bhaibheri rinotibatsira sei kuti tive netariro?

 Bhaibheri rinogona kutipa tariro nekutiudza mazano anoshanda ezvatinogona kuita kuti tivandudze upenyu. Ona mienzaniso yemazano acho.

  •   Tsvaga mazano anoshanda muBhaibheri. Pisarema 119:105 inoti: “Shoko renyu irambi retsoka dzangu, uye chiedza panzira yangu.” Chiedza chine simba chinogona kuita zvinhu zviviri. Chinogona kutivhenekera zvinhu zviri pamberi pedu, uye chinogona kuvheneka zvinhu zviri kure. Ndizvowo zvakaita mazano ari muBhaibheri, anogona kutibatsira kuti tikunde matambudziko atinenge takatarisana nawo, zvoita kuti tirarame zuva rimwe nerimwe tiine tariro. Zvinodzidziswa neBhaibheri zvinotipazve simba zvoita kuti “mwoyo ufare.” (Pisarema 19:7, 8) Panguva imwe chete, Bhaibheri rinotivhenekera kuti tione chinangwa chaMwari chinofadza nezveramangwana uye nyika ino. Tariro iyoyo inotipa mufaro usingaperi uye inoita kuti tigutsikane.

  •   Kumbira kubatsirwa nevamwe. Patinonzwa tagumirwa, tinogona kunzwa tisingadi zvekutaura nehama kana shamwari. Bhaibheri rinotiudza kuti hatifaniri kudaro nekuti tinogona kupedzisira taita zvinhu zvisina musoro. (Zvirevo 18:1) Hama neshamwari dzinogona kutibatsira kuti tive nemafungiro akanaka. Vanogonawo kutipa mazano ekuti toita sei mumamiriro ezvinhu akaoma. (Zvirevo 11:14) Kupfuura zvese, vanogona kutinyaradza nekutizorodza zvotipa simba rekutsungirira kusvika zvinhu zvava nani.—Zvirevo 12:25.

  •   Nyengetera kuna Mwari. Bhaibheri rinoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti adonhe.” b (Pisarema 55:22) Ndochikonzero nei Jehovha achinzi ‘ndiMwari anopa tariro.’ (VaRoma 15:13) Unogona kunyengetera uchimuudza “zvese zvinokunetsa,” uine chivimbo chekuti ane hanya newe. (1 Petro 5:7, mashoko emuzasi) Bhaibheri rinototi: “Achakutsigisai, achakusimbisai, uye achaita kuti mumire makasimba.”—1 Petro 5:10.

  •   Ita kuti miedzo isimbise tariro yako. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Munhu [anoteerera Mwari] achagara akachengeteka uye haazonetseki achitya dambudziko.” (Zvirevo 1:33) Mumwe mukadzi anonzi Margaret wekuAustralia akaparadzirwa imba yake nemafashamo uye akarasikirwa nezvinhu zvakawanda. Asi pane kuti abve apererwa, akadzidza chidzidzo chinokosha. Akadzidza kuti zvinhu zvinogona kungoparara nyore nyore. Akatsidza kuti aizoisa pfungwa pazvinhu zvinokosha, mhuri yake uye shamwari dzake, ushamwari hwake naMwari, uye tariro yake inobva muBhaibheri.—Pisarema 37:34; Jakobho 4:8.

 Bhaibheri rinopa vanhu vese tariro ipi?

 Bhaibheri rinovimbisa ramangwana rakajeka. Nguva iyoyo yava kutosvika. Tingatoti, matambudziko ari kushungurudza vanhu parizvino anoratidza kuti tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira” enyika ino. (2 Timoti 3:1-5) Munguva pfupi iri kutevera, Mwari ndiye achange ava kutonga panyika uye achabvisa zvinhu zvakaipa nekutambura. Achazviita achishandisa hurumende yake inonzi Umambo hwaMwari. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 11:15) Ndiyo hurumende yakataurwa naJesu paaiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika.”—Mateu 6:9, 10.

 Zvinodiwa naMwari zvinonyatsotaurwa zvakajeka muBhaibheri. Ona mamwe matambudziko achabviswa neUmambo hwaMwari:

  •   Kuchange kusisina nzara. “Nyika ichabereka zvibereko zvayo.”—Pisarema 67:6.

  •   Kuchange kusisina zvirwere. “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24.

  •   Kuchange kusisina kufa. Mwari “achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa. Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

a Tinova netariro nechimwe chinhu kana tichichishuva uye tichitenda kuti tinogona kuchiwana. Tariro inogonawo kuva yechinhu chatinotarisira kuva nacho.

b Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.—Pisarema 83:18.