Enda pane zvauri kuda

Tinoraramirei?

Tinoraramirei?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mubvunzo wokuti tinoraramirei unogona kubvunzwa nenzira dzakasiyana-siyana dzakadai sokuti Nei tiri panyika? kana kuti Upenyu hwangu hune chinangwa here? Bhaibheri rinoratidza kuti chinangwa chokurarama ndechokuti tive neukama naMwari. Funga nezvezvinhu zviri pasi apa zvinotaurwa neBhaibheri.

  •   Mwari ndiye Musiki wedu. Bhaibheri rinoti: “[Mwari] ndiye akatisika, kwete isu pachedu.”—Pisarema 100:3; Zvakazarurwa 4:11.

  •   Mwari ane chinangwa pazvinhu zvose zvaakasika kusanganisira isu.​—Isaya 45:18.

  •   Mwari akatisika tiine chido chokunamata, icho chinoita kuti tide kuziva chinangwa cheupenyu. (Mateu 5:3) Anoda kuti tizadzise chido ichocho.​—Pisarema 145:16.

  •   Tinozadzisa chido chedu chekunamata nekuva neukama naMwari. Kunyange zvazvo vamwe vachifunga kuti hazviiti kuti munhu ave shamwari yaMwari, Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8; 2:23.

  •   Kuti tive shamwari yaMwari, tinofanira kurarama zvinoenderana nechinangwa chaakatisikira. Bhaibheri rinotaura chinangwa ichi pana Muparidzi 12:13 richiti: “Itya Mwari uchichengeta mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa guru romunhu raakasikirwa kuita.”​—Bhaibheri Rinoera.

  •   Mune ramangwana, Mwari paachabvisa matambudziko ose uye paachapa upenyu husingaperi kushamwari dzake kureva vaya vanomunamata, ndipo patichanyatsorarama zvinoenderana nechinangwa chatakasikirwa.​—Pisarema 37:10, 11.