Enda pane zvauri kuda

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Rurimi Rwekatsi

Rurimi Rwekatsi

 Katsi dzinozivikanwa nekugara dzichizvichenesa. Dzinokwanisa kuzvichenesa kudaro nemhaka yezvakaita rurimi rwadzo.

 Funga izvi: Rurimi rwekatsi rune tunenge tuminzwa 290 twakatarisa kumashure uye twakasimba kunge nzara. Nechekumuromo kwekamunzwa kamwe nekamwe kwakaita kunge kune riji zvekuti katsi painodzorera rurimi mumukanwa, riji racho rinobva razara nemate. Katsi painozvinanzva, tuminzwa utwu tunopinda mumvere dzayo zvekusvika paganda, twobva twasiya mate ipapo.

Tuminzwa twerurimi rwekatsi

 Rurimi rwekatsi runokwanisa kuisa mate angasvika mamiririta 48 pamuviri wayo zuva nezuva. Mate aya ane zvinhu zviri maari zvinobvisa tsvina. Uyewo mate acho paanenge achioma zvishoma nezvishoma, anobatsira kuti katsi itonhorerwe. Izvi zvinokosha nekuti katsi haina maburi akawanda paganda rayo anobudisa dikita.

 Kana kamunzwa kakahakira pamvere dzakasungana, kanobva kawedzera kupinda mukati kuti kakwanise kusunungura pakasungana. Miromo yetuminzwa twacho inogonawo kunyerekedza ganda rekatsi painenge ichizvichenesa. Dzimwe nyanzvi dzesainzi dzakatevedzera zvakaita rurimi rwekatsi pakugadzira bhurasho rebvudzi. Bhurasho iri rinokama bvudzi usingashandisi simba rakawanda uye unogona kubvisa zviri nyore bvudzi rinenge ranamira ipapo. Rinogonawo kusunungura bvudzi rakasungana. Nyanzvi idzi dzinotiwo rurimi kwekatsi runogona kuvabatsira kuti vazowana nzira dziri nani dzekuchenesa nadzo zvinhu zvine bvudzi kana kuti mvere dzakareba. Runogonawo kushandiswa kuvandudza nzira dzinoshandiswa kuzora mafuta kana mishonga paganda rine mvere kana kuti remumusoro.

 Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti pave nerurimi runoshamisa rwekatsi?