Muparidzi 4:1-16

  • Vakafa vari nani pane vanodzvinyirirwa (1-3)

  • Kushanda nesimba zvine mwero (4-6)

  • Kukosha kweshamwari (7-12)

    • Vaviri vari nani pane mumwe chete (9)

  • Upenyu hwemutongi hunogona kusava nezvahunobatsira (13-16)

4  Ndakatangazve kufunga mabasa ese eudzvinyiriri anoitwa pasi pezuva. Ndakaona misodzi yevanhu vaidzvinyirirwa, uye pakanga pasina aivanyaradza.+ Uye vaya vaivadzvinyirira vaiva nesimba, uye pakanga pasina aivanyaradza.  Uye ndakaona kuti vakafa vaiva nani pane vapenyu vachiri kurarama.+  Uye ari nani kupfuura vese ndeuya asati aberekwa,+ uyo asati aona zvinhu zvinotambudza zviri kuitwa pasi pezuva.+  Uye ndakaona kushanda nesimba* uye basa reunyanzvi zvinobva pakukwikwidzana kunenge kuchiita vanhu;+ izviwo hazvina zvazvinobatsira, kudzingana nemhepo.  Benzi rinopeta maoko aro nyama yaro ichiparara.*+  Zviri nani kumboti zororei pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri uchidzingana nemhepo.+  Ndakaisa pfungwa dzangu pachimwezve chinhu chisina zvachinobatsira pasi pezuva:  Kune munhu ari ega asina waanogara naye; haana mwanakomana kana hama, asi anongoramba ari pabasa rake rakaoma. Maziso ake haambofi akagutswa nepfuma.+ Asi anombozvibvunza here kuti, ‘Ndiani wandiri kushandira zvakaoma ndichizvinyima* zvinhu zvakanaka’?+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira uye ibasa rinonzwisa tsitsi.+  Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete+ nekuti vane mubayiro wakanaka pakushanda kwavo nesimba. 10  Nekuti kana mumwe akawa, mumwe wacho anobatsira mumwe wake kusimuka. Asi chii chichaitika kune uya anowa kana asina mumwe angamubatsira kusimuka? 11  Uyezve, kana vaviri vakarara pamwe chete, vachadziyirwa, asi mumwe chete angadziyirwa sei? 12  Uye munhu anogona kukurirwa nemumwe munhu kana ari ega, asi kana vava vaviri, vanogona kumirisana naye. Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka.* 13  Mwana murombo asi iye akachenjera ari nani pana mambo akwegura asi asisina njere+ dzekuti ateerere kana achinyeverwa.+ 14  Nekuti akabuda* mujeri kuti ave mambo,+ kunyange zvazvo akaberekwa ari murombo muumambo hweuyu.+ 15  Ndakafunga nezvevapenyu vese vanofamba-famba pasi pezuva, uye kuti chii chinoitika kune wechidiki anotora nzvimbo yanga iine mumwe. 16  Kunyange zvazvo vatsigiri vake vasingaperi, vaya vanozotevera vanenge vasingamufariri.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira, kudzingana nemhepo.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “basa rakaoma.”
ChiHeb., “uye rinodya nyama yaro.”
Kana kuti “ndichinyima mweya wangu.”
Kana kuti “haidambuki nyore nyore.”
Zvimwe pari kutaurwa mwana akachenjera.