Muparidzi 5:1-20

  • Chenjerera zvaunoita pamberi paMwari (1-7)

  • Vakaderera vanotariswa nevakakwirira (8, 9)

  • Kusabatsira kwepfuma (10-20)

    • Vanoda mari havambogutswi (10)

    • Hope dzemunhu anoshanda dzinonaka (12)

5  Chenjerera tsoka dzako pese paunoenda kuimba yaMwari wechokwadi;+ zviri nani kuti uende kunoteerera+ pane kunopa chibayiro sezvinoita mapenzi,+ nekuti haazivi kuti zvaari kuita zvakaipa.  Usakurumidza nemuromo wako, kana kurega mwoyo wako uchimhanyirira kutaura pamberi paMwari wechokwadi,+ nekuti Mwari wechokwadi ari kudenga asi iwe uri panyika. Ndokusaka mashoko ako achifanira kuva mashoma.+  Nekuti kurota kunobva pakuwandirwa nezvekuita,+ uye kuwawata kwebenzi kunobva pakuwandirwa nemashoko.+  Pese paunoita mhiko kuna Mwari, usanonoka kuiripa,+ nekuti haafariri mapenzi.+ Ripa zvaunenge wapika.+  Zviri nani kurega kupika pane kupika usingaripi.+  Usabvumira muromo wako kukuitisa* chivi,+ uye usati pamberi pengirozi* kwaiva kukanganisa.+ Ungadirei kuti Mwari wechokwadi atsamwe nezvaunotaura oparadza basa remaoko ako?+  Nekuti sezvo kuwandirwa nezvekuita kuchiita kuti pave nekurota,+ kuwandirwawo nemashoko hakuna zvakunobatsira. Asi itya Mwari wechokwadi.+  Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa, pachitongwa zvisina kururama uye kururama kusiri kutevedzerwa mudunhu rako, usashamiswa nazvo.+ Nekuti gurukota iroro riri kuonekwa neuya ari pamusoro paro, uye kune vamwe vatori pamusoro pavo.  Uyewo, vese vanogovana zvibereko zvenyika; kunyange namambo anodya zvinobva mumunda.+ 10  Munhu anoda sirivha haambofi akagutswa nesirivha, uye munhu anoda pfuma haambogutswi nemari yaanowana.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira.+ 11  Zvinhu zvakanaka pazvinowedzera, vanozvidya vanowedzerawo.+ Uye muridzi wazvo anobatsirwei nazvo, kunze kwekungozvitarisa nemaziso ake?+ 12  Hope dzemunhu anoshanda dzinonaka, angave achidya zvishoma kana zvizhinji, asi zvinhu zvizhinji zvemupfumi zvinomutadzisa kurara. 13  Pane dambudziko guru randakaona pasi pezuva: pfuma yakaunganidzwa nemuridzi wayo ikamukanganisa. 14  Pfuma iyoyo yakaparara nepamusana pezvinhu zvisina* kuzofamba zvakanaka, uye paanozobereka mwanakomana, anenge asisina nhaka yekumusiyira.+ 15  Sekubuda kwakaita munhu mudumbu raamai vake, achaenda asina kupfeka, sekubuda kwaakaita.+ Uye hapana kana chaanogona kutakura pazvese zvaakashandira nesimba.+ 16  Izviwo idambudziko guru: Semauyiro aakaita, ndiwo maendero aachaita; uye munhu anoramba achishanda nesimba achidzingana nemhepo anowanei?+ 17  Uyewo, mazuva ese anodyira murima, achivhiringidzika zvakanyanya, achirwara uye akatsamwa.+ 18  Izvi ndizvo zvandakaona kuti zvakanaka uye zvakakodzera: kuti munhu anofanira kudya nekunwa uye kufadzwa nekushanda nesimba pabasa rake rakaoma+ raanoita pasi pezuva, pamazuva mashoma eupenyu aakapiwa naMwari wechokwadi, nekuti iwoyo ndiwo mubayiro* wake.+ 19  Uyewo, Mwari wechokwadi paanopa munhu pfuma nezvinhu zvekurarama nazvo,+ oita kuti akwanise kunakidzwa nazvo, munhu iyeye anofanira kutora mubayiro* wake uye anofanira kufadzwa nekushanda kwake nesimba. Ichi chipo chaMwari.+ 20  Nekuti haazombooni* kufamba kunoita mazuva muupenyu hwake, nekuti Mwari wechokwadi anoita kuti agare akabatikana achifara mumwoyo.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “kuitisa nyama yako.”
Kana kuti “pemutumwa.”
Kana kuti “pebasa raaiita risina.”
Kana kuti “mugove.”
Kana kuti “mugove.”
Kana kuti “haazoyeuki.”