Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO OKUWEDZERA

Chokwadi Pamusoro paBaba, Mwanakomana, uye Mudzimu Mutsvene

Chokwadi Pamusoro paBaba, Mwanakomana, uye Mudzimu Mutsvene

VANHU vanodavira dzidziso yoUtatu vanoti Mwari vanhu vatatu—Baba, Mwanakomana uye Mudzimu Mutsvene. Mumwe nomumwe wevanhu vatatu ava anonzi akaenzana nevamwe vacho, ane masimba ose uye haana paakatangira. Saka, maererano nedzidziso yoUtatu, Baba ndiMwari, Mwanakomana ndiMwari, uye Mudzimu Mutsvene ndiMwari, asi pachingova naMwari mumwe chete.

Vakawanda vanodavira Utatu vanobvuma kuti havagoni kutsanangura dzidziso iyi. Asi, vangafunga kuti inodzidziswa muBhaibheri. Zvinokosha kuziva kuti shoko rokuti “Utatu” harimbowaniki muBhaibheri. Asi pfungwa yoUtatu inowanika imomo here? Kuti tipindure mubvunzo uyu, ngationei rugwaro runowanzotaurwa nevanhu vanotsigira Utatu.

“SHOKO RAKANGA RIRI MWARI”

Johani 1:1 inoti: “Pakutanga Shoko rakanga riripo, Shoko rakanga riri kuna Mwari, Shoko rakanga riri Mwari.” (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Gare gare muchitsauko ichocho, muapostora Johani anoratidza pachena kuti “Shoko” ndiJesu. (Johani 1:14) Zvisinei, Shoko zvarinonzi Mwari, vamwe vanofunga kuti Mwanakomana naBaba vanofanira kuva chikamu chaMwari mumwe chete.

Yeuka kuti ndima iyi yeBhaibheri pakutanga yakanyorwa nechiGiriki. Gare gare, vashanduri vakashandura rugwaro rwacho rwechiGiriki vachiruisa mune mimwe mitauro. Zvisinei, vashanduri veBhaibheri vanoverengeka havana kushandisa mashoko okuti “Shoko rakanga riri Mwari.” Nei? Vachitorera paruzivo rwavo rwechiGiriki chakashandiswa pakunyora Bhaibheri, vashanduri ivavo vakafunga kuti mashoko okuti “Shoko rakanga riri Mwari” anofanira kushandurwa zvakasiyana. Sei? Heino mienzaniso mishomanana: “Logos [Shoko] raiva nechokuita naMwari.” (A New Translation of the Bible) “Shoko raiva mwari.” (The New Testament in an Improved Version) “Shoko rakanga riina Mwari uye rakaita saiye.” (The Translator’s New Testament) Maererano neshanduro idzi, Shoko harisi Mwari pachake. * Asi, nokuda kwenzvimbo yaro yepamusoro pakati pezvisikwa zvaJehovha, Shoko rinonzi “mwari” (ana “m” muduku). Pano shoko rokuti “mwari” rinoreva “munhu ane simba.”

WANA MAMWE MASHOKO

Vanhu vakawanda havazivi chiGiriki chakashandiswa pakunyora Bhaibheri. Saka ungaziva sei chaizvo zvairehwa nomuapostora Johani? Funga nezvomuenzaniso uyu: Mudzidzisi anotsanangurira vadzidzi vake imwe nyaya. Pashure, vadzidzi vanosiyana manzwisisire avaita tsanangudzo yacho. Vadzidzi vacho vangagadzirisa sei nyaya yacho? Vanogona kubvunza mudzidzisi wacho kuti avape mamwe mashoko. Hapana mubvunzo kuti mamwe mashoko aizovabatsira kunzwisisa nyaya yacho zviri nani. Saizvozvowo, kuti unzwisise zvinorehwa naJohani 1:1, unogona kutarira muEvhangeri yaJohani kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita nenzvimbo yaJesu. Kudzidza nezvemamwe mashoko panyaya iyi kuchakubatsira kunzwisisa nyaya yacho zvakarurama.

Somuenzaniso, funga zvimwe zvakanyorwa naJohani muchitsauko 1, ndima 18, kuti: “Hapana munhu akamboona Mwari [Wemasimbaose] chero panguva ipi zvayo.” Zvisinei, vanhu vakaona Jesu, Mwanakomana, nokuti Johani anoti: “Shoko [Jesu] rakava nyama rikagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake.” (Johani 1:14) Saka, Mwanakomana aigona sei kuva chikamu chaMwari Wemasimbaose? Johani anotaurawo kuti Shoko rakanga “riina Mwari.” Munhu angava sei nomumwe munhu asi panguva imwe chete ari munhu wacho? Uyezve, sezvakanyorwa pana Johani 17:3, Jesu anobudisa pachena kusiyana kwaakaita naBaba vake vokudenga. Anodana Baba vake kuti “Mwari wechokwadi chete.” Uye nechokunoperera Evhangeri yake, Johani anotaura zvinhu nemashoko mashoma achiti: “Izvi zvakanyorwa kuti imi mutende kuti Jesu ndiye Kristu Mwanakomana waMwari.” (Johani 20:31) Ona kuti Jesu anonzi Mwanakomana waMwari, kwete Mwari. Aya mashoko okuwedzera anopiwa muEvhangeri yaJohani anoratidza kunzwisiswa kunofanira kuitwa Johani 1:1. Jesu, Shoko, ndi“mwari” mupfungwa yokuti ane nzvimbo yepamusoro asi haana kuenzana naMwari Wemasimbaose.

NYATSOWANA CHOKWADI

Funga zvakare pamusoro pomuenzaniso womudzidzisi nevadzidzi vake. Fungidzira kuti vamwe havana chokwadi, kunyange pashure pokuteerera tsanangudzo dzokuwedzera dzomudzidzisi. Vangaitei? Vanogona kubvunza mumwe mudzidzisi kuti avape mamwe mashoko panyaya iyoyo. Kana mudzidzisi wechipiri akasimbisa tsanangudzo yewokutanga, kusava nechokwadi kwevadzidzi vakawanda kungapera. Saizvozvowo, kana usina chokwadi nezvainyatsotaurwa nomunyori weBhaibheri, Johani, pamusoro poukama hwaJesu naMwari Wemasimbaose, unogona kuenda kune mumwe munyori weBhaibheri kuti uwane mamwe mashoko. Somuenzaniso, funga zvakanyorwa naMateu. Nezvokuguma kwemamiriro ezvinhu aripo, iye anotaura mashoko aJesu achiti: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateu 24:36) Mashoko aya anosimbisa sei kuti Jesu haasi Mwari Wemasimbaose?

Jesu anotaura kuti Baba vanoziva zvakawanda kupfuura zvinozivikanwa noMwanakomana. Zvisinei, kudai Jesu aiva chikamu chaMwari Wemasimbaose, aizoziva zvinhu zvakafanana nezvinozivikanwa naBaba vake. Saka, Mwanakomana naBaba havangavi vakaenzana. Asi vamwe vangati: ‘Jesu akanga aine masikirwo maviri. Pano anotaura somunhu.’ Asi kunyange kudai zvakanga zvakadaro, zvakadini nomudzimu mutsvene? Kana uri chikamu chaMwari mumwe chete iyeye saBaba, nei Jesu asingatauri kuti unoziva zvinozivikanwa naBaba?

Sezvaunoramba uchidzidza Bhaibheri, uchaziva zvimwe zvikamu zvakawanda zveBhaibheri zvine chokuita nenyaya iyi. Zvinosimbisa chokwadi chine chokuita naBaba, Mwanakomana, uye mudzimu mutsvene.—Pisarema 90:2; Mabasa 7:55; VaKorose 1:15.

^ ndima 3 Kana uchida mamwe mashoko anokurukura nezvaJohani 1:1, ona mapeji 24-25 eNharireyomurindi yaNovember 1, 2008 yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.