Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 17

Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera

Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
  • Nei tichifanira kunyengetera kuna Mwari?

  • Tinofanira kuitei kuti Mwari atinzwe?

  • Mwari anopindura sei minyengetero yedu?

“Muiti wedenga nenyika” anoda kunzwa minyengetero yedu

1, 2. Nei tichifanira kuona munyengetero seropafadzo huru, uye nei tichifanira kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri nezvawo?

NYIKA iduku chaizvo kana ichienzaniswa nezvimwe zvinhu zvose zvakasikwa. Kutaura chokwadi, kuna Jehovha, “Muiti wedenga nenyika,” marudzi evanhu akaita sedonhwe remvura dukuduku rinobva mumugomo. (Pisarema 115:15; Isaya 40:15) Asi Bhaibheri rinoti: “Jehovha ari pedyo navose vaya vanodana kwaari, navose vanodana kwaari zvechokwadi. Achaita zvinodiwa navose vanomutya, achanzwa kuchemera kwavo kubatsirwa.” (Pisarema 145:18, 19) Chimbofungidzira zvinorehwa naizvozvo! Musiki ane masimba ose ari pedyo nesu uye achatinzwa kana tika“dana kwaari zvechokwadi.” Kunyengetera kwatinoita kuna Mwari iropafadzo chaiyo!

2 Zvisinei, kana tichida kuti Jehovha ateerere minyengetero yedu, tinofanira kunyengetera kwaari nenzira yaanofarira. Tingaita sei izvi kana tikasanzwisisa zvinodzidziswa neBhaibheri nezvomunyengetero? Zvinokosha kuti tizive zvinotaura Magwaro panyaya iyi, nokuti munyengetero unotibatsira kuswedera pedyo naJehovha.

NEI TICHIFANIRA KUNYENGETERA KUNA JEHOVHA?

3. Ndechipi chimwe chikonzero chinokosha nei tichifanira kunyengetera kuna Jehovha?

3 Chimwe chikonzero chinokosha nei tichifanira kunyengetera kuna Jehovha ndechokuti anotikumbira kuita kudaro. Shoko rake rinotikurudzira kuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Chokwadi, taisazoda kusava nehanya nourongwa hwomutsa hwakadai, hwatakaitirwa noMutongi Mukuru Zvikuru wezvinhu zvose zvakasikwa!

4. Kugara tichinyengetera kuna Jehovha kunosimbisa sei ukama hwedu naye?

4 Chimwe chikonzero chokuti tinyengetere ndechokuti, kugara tichinyengetera kuna Jehovha inzira yokusimbisa nayo ukama hwedu naye. Shamwari dzechokwadi hadzingokurukurirani padzinenge dzichida chimwe chinhu. Asi shamwari dzakanaka dzinofarirana, uye ushamwari hwadzo hunosimba padzinotaura zvadzinofunga, zvinodzinetsa, uye manzwiro adzo dzakasununguka. Mune dzimwe nzira, mamiriro acho ezvinhu akafanana noukama hwedu naJehovha Mwari. Uchibatsirwa nebhuku rino, wakadzidza zvakawanda zvinodzidziswa neBhaibheri nezvaJehovha, unhu hwake, uye zvinangwa zvake. Wava kumuziva somunhu chaiye. Munyengetero unokupa mukana wokutaura naBaba vako vokudenga zvaunofunga uye manzwiro aunoita mukatikati. Sezvaunoita izvozvo, unoswedera pedyo naJehovha.—Jakobho 4:8.

NDEZVIPI ZVINODIWA ZVATINOFANIRA KUITA?

5. Chii chinoratidza kuti Jehovha haateereri minyengetero yose?

5 Jehovha anoteerera minyengetero yose here? Funga zvaakaudza vaIsraeri vakanga vapanduka mumazuva omuprofita Isaya, zvokuti: “Kunyange mukaita minyengetero mizhinji, handizoteereri; maoko enyu azere neropa.” (Isaya 1:15) Saka, mamwe maitiro angaita kuti Mwari arege kuteerera minyengetero yedu. Naizvozvo, kuti minyengetero yedu inzwiwe naMwari, pane zvinodiwa zvinokosha zvatinofanira kuita.

6. Kuti Mwari ateerere minyengetero yedu, ndechipi chinodiwa chinokosha, uye tingava sei nacho?

6 Chinodiwa chinokosha ndechokuti tive nokutenda. (Mako 11:24) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza [Mwari], nokuti iye anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Kuva nokutenda kwechokwadi hakusi kungozivawo zvako kuti Mwari ariko, kuti anonzwa uye anopindura minyengetero. Kutenda kunoratidzwa nezvatinoita. Tinofanira kupa uchapupu huri pachena hwokuti tine kutenda nemararamiro edu ezuva nezuva.—Jakobho 2:26.

7. (a) Nei tichifanira kuva vanoremekedza patinenge tichitaura naJehovha mumunyengetero? (b) Patinenge tichinyengetera kuna Mwari, tingaratidza sei kuzvininipisa uye kuva vomwoyo wose?

7 Jehovha anodawo kuti vaya vanonyengetera kwaari vaite izvozvo vachizvininipisa uye nomwoyo wose. Hatina here chikonzero chokuzvininipisa patinenge tichitaura naJehovha? Vanhu pavanova nomukana wokutaura namambo kana kuti purezidhendi, vanowanzoita izvozvo vachimuremekedza, vachibvuma nzvimbo yepamusoro yomutongi wacho. Isu tinotofanira kuremekedza Jehovha zvakanyanya patinonyengetera kwaari! (Pisarema 138:6) Chokwadika, iye ndiye “Mwari Wemasimbaose.” (Genesisi 17:1) Patinonyengetera kuna Mwari, maitiro edu anofanira kuratidza kuti tinobvuma nzvimbo yedu pamberi pake tichizvininipisa. Kuzvininipisa kwakadaro kuchaitawo kuti tinyengetere nomwoyo wose, tichidzivisa minyengetero yokungoitawo, yokudzokorora.—Mateu 6:7, 8.

8. Tingaita sei maererano nezvatinonyengeterera?

8 Chimwe chinodiwa kuti Mwari atinzwe ndechokuti tiite maererano neminyengetero yedu. Jehovha anotarisira kuti tiite zvose zvatinokwanisa kuti tishandire zvatinonyengeterera. Somuenzaniso, kana tikanyengetera kuti, “Tipei nhasi zvokudya zvedu zvanhasi,” tinofanira kushanda zvakaoma pabasa chero ripi zvaro rinenge riripo ratinokwanisa kuita. (Mateu 6:11; 2 VaTesaronika 3:10) Kana tikanyengeterera kubatsirwa kuti tikunde kusava nesimba kwenyama, tinofanira kungwarira kuti tidzivise mamiriro ezvinhu angaita kuti tiedzwe. (VaKorose 3:5) Kuwedzera pane zvinodiwa zvinokosha izvi, pane mibvunzo ine chokuita nomunyengetero yatinoda kuti ipindurwe.

KUPINDURA MIBVUNZO INE CHOKUITA NOMUNYENGETERO

9. Tinofanira kunyengetera kuna ani, uye tichienda nokuna ani?

9 Tinofanira kunyengetera kuna ani? Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere kuna “Baba vedu vari kumatenga.” (Mateu 6:9) Saka, minyengetero yedu inofanira kuendeswa kuna Jehovha Mwari chete. Zvisinei, Jehovha anoda kuti tibvume nzvimbo yoMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, Jesu Kristu. Sezvatakadzidza muChitsauko 5, Jesu akatumwa pasi pano kuti atidzikinure muchivi norufu. (Johani 3:16; VaRoma 5:12) Iye ndiye Mupristi Mukuru uye Mutongi akagadzwa. (Johani 5:22; VaHebheru 6:20) Saka, Magwaro anotirayira kuti tinyengetere nokuna Jesu. Iye pachake akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Johani 14:6) Kuti minyengetero yedu inzwiwe, tinofanira kunyengetera kuna Jehovha chete tichienda nokuMwanakomana wake.

10. Nei patinonyengetera tisingafaniri hedu kuva nezvatinenge takanyatsoita muviri?

10 Patinenge tichinyengetera, pane zvatinofanira kunge takanyatsoita muviri wedu here? Kwete. Jehovha haadi hake kuti tive nezvatinenge takanyatsoita muviri, zvichida zvine chokuita nemaoko kana kuti muviri wose. Bhaibheri rinodzidzisa kuti zvinogamuchirika kuti munhu anyengetere akagara, akakotama, akapfugama, uye akamira. (1 Makoronike 17:16; Nehemiya 8:6; Dhanieri 6:10; Mako 11:25) Chinokosha zvechokwadi handi kuti wakaita sei muviri, izvo zvingaonekwa nevamwe, asi kuva nomwoyo wakarurama. Kutaura chokwadi, patinenge tichiita mabasa edu ezuva nezuva kana kuti patinotarisana nezvinoda kukurumidza kuitwa, tinganyengetera chinyararire chero papi zvapo patingava. Jehovha anonzwa minyengetero yakadaro kunyange zvazvo vamwe vanenge varipo vangasatomboona kuti tiri kunyengetera.—Nehemiya 2:1-6.

11. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvedu pachedu zvakakodzera kuti tinyengeterere?

11 Tinganyengeterera chii? Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye [Jehovha] anotinzwa.” (1 Johani 5:14) Naizvozvo tinganyengeterera chero chinhu chipi zvacho chinoenderana nezvinoda Mwari. Anoda here kuti tinyengeterere zvinhu zvinotidya mwoyo? Chokwadi anoda kuti tidaro! Kunyengetera kuna Jehovha kunogona kuva kwakafanana nokutaura neshamwari yepedyo. Tingataura takasununguka, ‘tichidurura mwoyo yedu’ kuna Mwari. (Pisarema 62:8) Zvakakodzera kuti tikumbire mudzimu mutsvene nokuti uchatibatsira kuita zvakarurama. (Ruka 11:13) Tinogona kukumbirawo kutungamirirwa pakuita zvisarudzo zvokuchenjera uye kuti tiwane simba rokutsungirira matambudziko. (Jakobho 1:5) Patinotadza, tinofanira kukumbira kukanganwirwa nokuda kwechibayiro chaKristu. (VaEfeso 1:3, 7) Chokwadika, zvinhu zvedu pachedu hazvifaniri kungova zvinhu zvatinonyengeterera chete. Hatifaniri kungozvinyengeterera isu chete, tinofanira kunyengetererawo vamwe vanhu—nhengo dzemhuri uyewo vatinonamata navo.—Mabasa 12:5; VaKorose 4:12.

12. Tingaisa sei zvinhu zvine chokuita naBaba vedu vokudenga panzvimbo yokutanga patinonyengetera?

12 Zvinhu zvine chokuita naJehovha Mwari zvinofanira kuiswa pokutanga muminyengetero yedu. Chokwadi tine chikonzero chokumurumbidza nomwoyo wose uye kumuonga nokuda kwezvinhu zvake zvose zvakanaka. (1 Makoronike 29:10-13) Jesu akapa munyengetero wokuenzanisira, wakanyorwa pana Mateu 6:9-13, paakatidzidzisa kunyengeterera kuti zita raMwari ritsveneswe, kureva kuti riitwe dzvene. Kuti Umambo hwaMwari huuye uye kuti kuda kwake kuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga ndizvo zvinotaurwa pashure paizvozvo. Jesu akazotaura nezvezvinhu zvinotidya mwoyo pashure pokunge ataura zvinhu izvi zvinokosha zvine chokuita naJehovha. Isu patinoisawo Mwari panzvimbo inokosha zvikuru patinonyengetera, tinoratidza kuti hatingofariri kugara kwedu zvakanaka chete.

13. Magwaro anoratidzei nezvourefu hweminyengetero inogamuchirika?

13 Minyengetero yedu inofanira kuva yakareba sei? Bhaibheri haritauri kuti minyengetero yomunhu oga kana kuti inoitwa paine vamwe inofanira kuva yakareba zvakadini. Ingasiyana kubva pamunyengetero mupfupi vanhu vasati vadya kusvika kumunyengetero murefu unoitwa nomunhu oga patinodurura mwoyo yedu kuna Jehovha. (1 Samueri 1:12, 15) Zvisinei, Jesu akashora vanhu vaizviti vakarurama vaiita minyengetero mirefu, yokushamisira pamberi pevamwe. (Ruka 20:46, 47) Minyengetero yakadaro haimbofadzi Jehovha. Chinokosha ndechokuti tinyengetere kubva mumwoyo medu. Saka, urefu hweminyengetero inogamuchirika hungasiyana maererano nezvinodiwa uye mamiriro ezvinhu.

Munyengetero wako unogona kunzwiwa chero panguva ipi zvayo

14. Bhaibheri rinorevei parinotikurudzira ‘kuramba tichinyengetera,’ uye chii chinonyaradza pamusoro peizvi?

14 Tinofanira kunyengetera kakawanda sei? Bhaibheri rinotikurudzira kuti ‘tirambe tichinyengetera.’ (Mateu 26:41; VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:17) Chokwadika, mashoko aya haarevi kuti tinofanira kugara tichinyengetera kuna Jehovha nguva yose mukati mezuva. Asi, Bhaibheri riri kutikurudzira kugara tichinyengetera, kuramba tichionga Jehovha nokuda kwezvakanaka zvaanotiitira uye kutsvaka kutungamirirwa naye, kunyaradzwa, uye kutipa simba. Hazvinyaradzi here kuziva kuti Jehovha haaisi muganhu paurefu hwenguva yatingataura naye tichinyengetera uye kuti kakawanda sei? Kana zvechokwadi tichikoshesa ropafadzo yokunyengetera, tichawana mikana yakawanda yokunyengetera kuna Baba vedu vokudenga.

15. Nei tichifanira kuti “Ameni” panopera minyengetero yomunhu oga uye inoitwa paine vamwe vanhu?

15 Nei tichifanira kuti “Ameni” panopera munyengetero? Shoko rokuti “ameni” rinoreva kuti “zvechokwadi,” kana kuti “ngazvive saizvozvo.” Mienzaniso yomuMagwaro inoratidza kuti zvakakodzera kuti “Ameni” panopera munyengetero womunhu oga uye inoitwa paine vamwe vanhu. (1 Makoronike 16:36; Pisarema 41:13) Nokuti “Ameni” panopera munyengetero wedu, tinosimbisa kuti zvatataura ndezvomwoyo wose. Patinoti “Ameni”—zvichida chinyararire kana kuti zvinonzwika—panopera munyengetero waitwa nomumwe munhu paine vamwe, tinoratidza kuti tinobvumirana nepfungwa dzacho dzataurwa.—1 VaKorinde 14:16.

KUPINDURA KUNOITA MWARI MINYENGETERO YEDU

16. Tingava nechivimbo chipi pamusoro pomunyengetero?

16 Chaizvoizvo Jehovha anopindura minyengetero here? Chokwadi, anodaro! Tine chikonzero chakasimba chokuti tive nechivimbo chokuti “Munzwi womunyengetero” anopindura minyengetero yomwoyo wose inopiwa nemamiriyoni evanhu. (Pisarema 65:2) Jehovha angapindura minyengetero yedu nenzira dzakasiyana-siyana.

17. Nei zvinganzi Mwari anoshandisa ngirozi dzake uye vashumiri vake vari pasi pano kupindura minyengetero yedu?

17 Jehovha anoshandisa ngirozi dzake uye vashumiri vake vari pasi pano kupindura minyengetero. (VaHebheru 1:13, 14) Pane zvakaitika zvakawanda zvevanhu vakanyengetera kuna Mwari kuti vabatsirwe kunzwisisa Bhaibheri, vakabva vashanyirwa nomumwe wevashumiri vaJehovha izvozvo zvichangobva kuitika. Zvakaitika zvakadaro zvinopa uchapupu hwokutungamirira kwengirozi basa rokuparidza Umambo. (Zvakazarurwa 14:6) Kuti apindure minyengetero yedu yatinonyengetera munguva yatinenge tiine zvatiri kuda chaizvo, Jehovha angaita kuti mumwe muKristu atibatsire.—Zvirevo 12:25; Jakobho 2:16.

Kuti apindure minyengetero yedu, Jehovha angaita kuti mumwe muKristu atibatsire

18. Jehovha anoshandisa sei mudzimu mutsvene wake uye Shoko rake kupindura minyengetero yevashumiri vake?

18 Jehovha Mwari anoshandisawo mudzimu mutsvene wake uye Shoko rake, Bhaibheri, kupindura minyengetero yevashumiri vake. Angapindura minyengetero yedu yokuti tibatsirwe kutsungirira miedzo nokutitungamirira uye kutipa simba achishandisa mudzimu mutsvene wake. (2 VaKorinde 4:7) Kakawanda mhinduro dzeminyengetero yedu yokuti titungamirirwe dzinobva muBhaibheri, umo Jehovha anotipa rubatsiro rwokuita zvisarudzo zvokuchenjera. Magwaro anobatsira angawanikwa patinenge tichidzidza Bhaibheri somunhu oga uye sezvatinoverenga mabhuku echiKristu, akaita sebhuku rino. Tingaudzwa pfungwa dzinobva muMagwaro dzatinoda kufunga nezvadzo nezvinotaurwa pamusangano wechiKristu kana kuti pane zvinotaurwa nomukuru ane hanya ari muungano.—VaGaratiya 6:1.

19. Chii chatinofanira kufunga nezvacho kana minyengetero yedu dzimwe nguva ichiita seisingapindurwi?

19 Kana Jehovha achiita seari kunonoka kupindura minyengetero yedu, izvi hazvimborevi kuti haakwanisi kuipindura. Asi, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha anopindura minyengetero maererano nezvaanoda uye panguva yake yakakodzera. Anoziva zvatinoda uye kuti zvingatarisirwa sei zviri nani kupfuura zvatinoita. Kakawanda anotibvumira kuti ‘tirambe tichikumbira, tichitsvaka, uye tichigogodza.’ (Ruka 11:5-10) Kutsungirira kwakadaro kunoratidza Mwari kuti chido chedu chikuru kwazvo uye kuti kutenda kwedu ndokwechokwadi. Uyezve, Jehovha angapindura minyengetero yedu nenzira isiri pachena kwatiri. Somuenzaniso, angapindura munyengetero wedu une chokuita nomuedzo wakati, kwete nokubvisa dambudziko racho, asi nokutipa simba rokuti tiritsungirire.—VaFiripi 4:13.

20. Nei tichifanira kushandisa zvizere ropafadzo inokosha yomunyengetero?

20 Tinoonga zvikuru kuti Musiki wezvinhu zvose zvakasikwa ari pedyo navose vanodana kwaari zvakakodzera vachinyengetera! (Pisarema 145:18) Ngatishandisei zvizere ropafadzo inokosha yomunyengetero. Kana tikadaro, tichava netarisiro inofadza yokuramba tichiswedera pedyo naJehovha, Munzwi womunyengetero.