Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupedza Mhirizhonga Mudzimba

Kupedza Mhirizhonga Mudzimba

Muenzaniso wokutanga: Isabel * anoshanyirwa nevabereki vake. Vanonakidzwa nekutandara manheru acho nemwanasikana wavo nemurume wake, vachikurukurirana zvakanaka. Ndiani mubereki asingadadi nekuona mukwasha achigarisana zvakanaka nemwanasikana wake? Mukwasha wacho anoda chaizvo mudzimai wake.

Muenzaniso wechipiri: Frank ari kupupa nehasha. Semagariro ake anopedza hasha dzake nokurova mudzimai wake kumeso, kumubhutsura, kudhonza vhudzi rake, kana kurovera musoro wake kumadziro.

MUKWASHA ataurwa mumuenzaniso wokutanga ndiye Frank.

Kufanana nevanhu vakawanda vanokonzera mhirizhonga, Frank anonyepedzera kuva munhu kwaye kana pane vanhu kana kuti pamberi patezvara naambuya vake. Asi paanenge ari ega nemudzimai wake, Frank imhuka chaiyo.

Varume vakawanda kufanana naFrank vakakurira mumhuri dzine vabereki vairwisana, saka kana vavawo nedzimba dzavo havaoni pane chakaipa nokurova madzimai avo. Asi hapana pazvingambonzi kuita mhirizhonga mumba kwakanaka. Ndosaka vanhu vakawanda vachinetseka pavanonzwa kuti murume arova mudzimai wake.

Asi chinosuwisa ndechokuti mhirizhonga iri kuitika mudzimba dzakawanda. Somuenzaniso imwe ongororo yakaitwa kuUnited States yakaratidza kuti pazuva rimwe nerimwe vanhu 16 vanofona paminiti yega yega kumasangano anobatsira vanhu vanoitirwa mhirizhonga munzvimbo dzakasiyana-siyana dziri munyika yacho. Mhirizhonga mudzimba idambudziko riri kuwanika pasi rose, hazvinei kuti uri wedzinza ripi, une mari yakawanda sei, une chinzvimbo chakadini munharaunda. Sezvo vasiri vanhu vose vanomhan’ara nezvokurohwa mudzimba, chokwadi chiripo ndechokuti nhamba yevanhu ava yakatowanda kudarika nhamba yevanomhan’ara. *

Nyaya dzemhirizhonga mudzimba dzinoita kuti pave nemibvunzo yakadai sokuti: Zvinofamba sei kuti murume aitire vamwe utsinye kunyanya mudzimai wake? Varume vanorova madzimai avo vanogona kubatsirwa here?

Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa magazini ino, zvinotenda kuti mazano ari muBhaibheri anogona kubatsira varume vanorova madzimai avo kuti vasiye tsika yavo. Zviri nyore here kuchinja unhu hwemunhu? Kwete. Asi zvinoita here? Hongu! Kudzidza Bhaibheri kwabatsira vanhu vakawanda kuti vasiye tsika yavo yokuda kurwa vova vanhu vane mutsa uye vanoremekedza vamwe. (VaKorose 3:8-10) Imboona zvakaitika kuna Troy naValerie.

Ukama hwenyu hwakanga hwakamira sei pakutanga?

Valerie: Manheru omusi watakapanana nduma, Troy akandikwatura mbama yakasimba zvokuti vhiki rose rakapera zvichioneka kuti ndakarohwa. Akandikumbira andikumbirazve ruregerero, akandivimbisa kuti akanga asingazozvipamhi. Asi aingogara achindirova, odzoka zvakare kuzokumbira ruregerero.

Troy: Ndaigona kungotsamwiswa kunyange nezvinhu zviduku, zvakadai sokunonoka kupiwa zvokudya. Rimwe zuva ndakarova Valerie nepfuti. Rimwewo zuva, ndakamurova zvakaipisisa zvokuti ndakafunga kuti afa. Zvadaro, ndakabata banga ndichiita sokunge ndiri kuda kugura mwana wedu mukomana pahuro ndiine chinangwa chokuda kutyisidzira Valerie.

Valerie: Ndaigara ndichitya. Dzimwe nguva ndaitofanira kutiza pamba ndozodzoka kana Troy adzikama. Pane zvose zvaiitika, chainyanya kundirwadza mashoko aaitaura kupfuura kundirova kwaaiita.

Troy, ndizvo here zvawaigara uchiita?

Troy: Hongu, ndakazvitanga ndichiri muduku. Ndakakurira mumhuri yaiitwa mhirizhonga. Baba vangu vaigara vachirova amai isu vana tichiona. Baba pavakasiyana naamai, amai vakabva vatanga kugara nemumwe murume, uyewo murume wacho aivarova. Murume uyu akabatawo chibharo hanzvadzi yangu uyewo neni. Akasungwa akavharirwa mujeri. Asi ndinoziva kuti izvozvo hazvisi zvikonzero zvingaita kuti ndibate mudzimai wangu neutsinye.

Valerie, nei wakaramba uchigara naTroy?

Valerie: Ndaitya. Ndaifunga kuti, ‘Ko akanditevera akandiuraya kana kuti akauraya vabereki vangu? Ko zvinhu zvikabva zvatowedzera kuoma nekuti ndinenge ndamumhan’arira?’

Zvinhu zvakazotanga kuchinja riini?

Troy: Mudzimai wangu akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Pakutanga ndaiva negodo nemhaka yeshamwari dzake itsva dzaakanga ava nadzo saka ndakafunga zvokumurambidza kuwadzana nevanhu vechechi iyi. Ndakabva ndawedzera kumuitira hasha uye kuitirawo Zvapupu. Panguva iyoyo mwanakomana wedu Daniel aiva nemakore mana uye aiva nechirwere chepfari. Saka rimwe zuva chirwere ichi chakamubata achibva apiwa mubhedha muchipatara kwevhiki dzinoda kusvika nhatu. Zvapupu zvakatibatsira chaizvo zvokutosvika pakutarisira mwanasikana wedu Desiree aiva nemakore matanhatu. Chimwe Chapupu chakauya kuzoswera naDaniel kuitira kuti Valerie agone kurara, kunyange zvazvo Chapupu ichi chakanga chapedza usiku hwose chichishanda. Mutsa wevanhu ava wakandibaya mwoyo kunyange zvazvo ndaivabata neseri kweruoko. Ndakaona kuti vanhu ava vaiva vaKristu vechokwadi, saka ndakavakumbira kuti vandidzidzise Bhaibheri. Pandaidzidza Bhaibheri, ndakaona zvinofanira kuitwa nemurume uye zvaasingafaniri kuitira mudzimai wake. Ndakarega zvachose tsika yangu yokuda kurwa uye yokushungurudza vamwe. Ndakazova mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Magwaro api ari muBhaibheri akakubatsira kuchinja?

Troy: Akawanda. Pana 1 Petro 3:7, Bhaibheri rinotaura kuti ndinofanira ‘kukudza’ mudzimai wangu. VaGaratiya 5:23 inokurudzira “unyoro” uye “kuzvidzora.” VaEfeso 4:31 inorambidza “kutuka.” VaHebheru 4:13 inoti “zvinhu zvose . . . zviri pachena” kuna Mwari. Saka Mwari anoona zvandinoita, kunyange kana vavakidzani vangu vasingazvioni. Ndakadzidzawo kuti ndaifanira kutsvaka shamwari dzakanaka sezvo ‘ushamwari hwakaipa huchishatisa tsika dzinobatsira.’ (1 VaKorinde 15:33) Shamwari dzandaiva nadzo dzaindikurudzira kuva munhu anoda zvehondo. Vaiti kurova mukadzi hakuna kuipa ndokuti azive kuti murume ndiye baba pamba.

Imba yenyu yakamira sei mazuva ano?

Valerie: Patova nemakore 25 Troy ava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kwemakore ose aya ari kundiratidza rudo rwechokwadi, mutsa, uye ane hanya neni.

Troy: Kurwadzisa kwandakaita mhuri yangu handikwanisi kukubvisa, uye ndakanga ndisingambofaniri kuitira mudzimai wangu zvakaipa zvandakamuitira. Ndiri kutarisira kuzadziswa kwaIsaya 65:17, apo pfungwa dzedu dzichange dzisisina ndangariro dzezvinhu zvakaipa zvakaitika kare mumhuri yedu.

Muri vaviri mungada kupa zano ripi kumhuri dziri kuita mhirizhonga?

Troy: Kana uchirova mhuri yako kana kuti uchiishungurudza, bvuma kuti unoda rubatsiro uye tsvaka rubatsiro rwacho. Aripo mazano akawanda anogona kukubatsira. Kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye kuwadzana nazvo kwakandibatsira kuti ndirege tsika yekuda zvehondo yakanga yadzika midzi mandiri.

Valerie: Usamhanyira kuenzanisa upenyu hwako nehwevamwe kana kuti kushandisa mazano evanhu vanenge vachizviti vanoziva zvakakunakira. Kunyange zvazvo zvisarudzo zvinoitwa nevanhu zvichiva nemhedziso dzakasiyana, ini ndinofara kuti handina kusiya imba yangu, nokuti iye zvino takakomborerwa nokuva nemhuri inofara tiri kufara chaizvo.

KUPEDZA MHIRIZHONGA MUDZIMBA

Kudzidza Bhaibheri kwabatsira varume vakawanda kuti vachinje unhu hwavo

Bhaibheri rinoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.” (2 Timoti 3:16) Kufanana naTroy, ataurwa munyaya ino, varume vakawanda vaimborova nokushungurudza madzimai avo vakashandisa mazano ari muBhaibheri uye vakachinja mafungiro avo nemaitiro avo.

Ungada here kudzidza zvakawanda nezvekuti Bhaibheri ringabatsira sei imba yako? Kana uchida taura neZvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara, kana kuenda paIndaneti pawww.dan124.com.

^ ndima 2 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

^ ndima 7 Ichokwadi kuti varikowo varume vanorohwa nemadzimai avo. Asi panyaya dzemhirizhonga dzinomhan’arwa zhinji dzacho dzinenge dzakonzerwa nevanhurume.