Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rubatsiro Kune Vaya Vari Kushungurudzwa Mudzimba

Rubatsiro Kune Vaya Vari Kushungurudzwa Mudzimba

 “Pasi rese vanhu vakawanda vari kurova vakadzi. Idambudziko rakaita sechirwere chinopararira nekukurumidza. Uye zvinokosha kuti patorwe matanho ekumisa dambudziko iri,” rinodaro sangano reWorld Health Organization. Sangano iroro rinofungidzira kuti zvinenge zvikamu 30 kubva muzana “zvevakadzi vese vakambodanana nemumwe munhu vakamborohwa kana kuti vakamanikidzwa kuita zvebonde,” nemumwe wavo. Uye UN yakati mune rimwe remakore achangobva kupfuura, vakadzi vanenge 137 vaiurayiwa zuva rega rega nevanhu vavaidanana navo kana kuti nemunhu wemumhuri. a

 Manhamba angaratidza kukura kwakaita dambudziko rekushungurudzwa mudzimba, asi haagoni kutitsanangurira kurwadziwa kwevaya vanenge vachishungurudzwa.

 Wakamboshungurudzwa mumba here? Kana kuti une waunoziva ari kusangana nedambudziko iri here? Kana aripo, ona zvinhu zvinotevera zvinobva muBhaibheri zvinogona kumubatsira.

  Kana mumwe wako achikushungurudza haisi mhosva yako

  Unogona kuwana rubatsiro

  Mwari ane hanya newe

  Kushungurudzwa mudzimba kuchapera

  Ungabatsira sei munhu anenge achishungurudzwa mumba?

 Kana mumwe wako achikushungurudza haisi mhosva yako

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mumwe nemumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.”—VaRoma 14:12.

 Yeuka izvi: Munhu ari kukushungurudza achazvidavirira kuna Mwari.

 Kana mumwe wako achikupa mhosva yekukushungurudza kwaari kuita, akarasika. Madzimai anofanira kudiwa kwete kushungurudzwa.—VaKorose 3:19.

 Dzimwe nguva zvinoitwa nemunhu anokushungurudza zvinogona kukonzerwa nekukanganisika pfungwa, kukurira mumhuri yaiitwa zvemhirizhonga kana kuti nekunyanya kunwisa doro. Kunyange zvakadaro anozvidavirira kuna Mwari nemabatiro aanokuita. Uye ndiye anofanira kuita zvinenge zvichidiwa kuti achinje maitiro ake.

 Unogona kuwana rubatsiro

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kana vanhu vanopa mazano vakawanda zvinhu zvinobudirira.”—Zvirevo 15:22.

 Yeuka izvi: Kana uchinzwa usina kuchengeteka kana kuti usiri kuziva kuti woita sei, vamwe vanogona kukubatsira.

 Chii chingaita kuti ude kubatsirwa nevamwe? Kana uchishungurudzwa, unogona kuva nepfungwa dzakawanda. Zvingakuomera kusarudza zvekuita nekuti unenge usiri kuziva kuti ndezvipi zvinonyanya kukosha pazvinhu zvinotevera:

  •   Upenyu hwako

  •   Zvakanakira vana vako

  •   Nyaya dzemari

  •   Kuda kwaunoita mumwe wako

  •   Chido chekuramba muri mese kana mumwe wako akachinja maitiro ake

 Saka unogona kuvhiringidzika zvekushaya kuti woita sei. Ungawana kupi rubatsiro?

 Shamwari yaunovimba nayo kana mumwe wemumhuri anogona kukubatsira uye kukunyaradza. Kutaura nemumwe munhu ane hanya newe kunogona kukubatsira chaizvo.

 Kufona panhamba dzehotline dzemasangano anobatsira vanenge vachishungurudzwa mudzimba kunogona kuita kuti ukurumidze kuwana rubatsiro. Vaya vanenge vari pamahotline aya vanogona kukubatsira kuti uzive zvekuita kuti uzvichengetedze. Kana mumwe wako akabvuma kuti ane dambudziko uye achida kuchinja, vaya vanenge vari pamahotline vanogona kumubatsira kuziva matanho ekutanga aanofanira kutora.

 Pane vamwe vanogona kukubatsira kana uchida rubatsiro nekukurumidza. Vanogona kuva vanachiremba, manesi kana vamwewo vakadzidziswa kubatsira.

 Mwari ane hanya newe

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Jehovha b ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakasuruvara.”—Pisarema 34:18.

 Yeuka izvi: Mwari anovimbisa kukubatsira.

 Jehovha ane hanya newe zvikuru. (1 Petro 5:7) Anonzwisisa mafungiro ako uye manzwiro aunenge uchiita. Anogona kukunyaradza achishandisa Shoko Rake Bhaibheri. Uye anoda kuti unyengetere kwaari. Paunonyengetera kwaari unogona kumukumbira kuti akupe uchenjeri nesimba kuti ukunde dambudziko rako.—Isaya 41:10.

 Kushungurudzwa mudzimba kuchapera

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mumwe nemumwe achagara pasi pemuzambiringa wake nepasi pemuonde wake, uye hapana achaita kuti vatye.”—Mika 4:4.

 Yeuka izvi: Bhaibheri rinovimbisa kuti munguva pfupi iri kuuya munhu wese achagara pamba pake pasina chiri kumunetsa.

 Jehovha Mwari ndiye chete anogona kugadzirisa zvachose matambudziko edu ese. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.” (Zvakazarurwa 21:4) Panguva iyoyo kunyange zvinhu zvakaipa zvinenge zviri mupfungwa zvichapera pazvinenge zvichitsiviwa nezvinhu zvakanaka. (Isaya 65:17) Iri ndiro ramangwana rakanaka raunovimbiswa neBhaibheri.

a Nyaya ino iri kutaura nezvevanhukadzi vanenge vachishungurudzwa mudzimba, asi pfungwa dzakawanda dzirimo dzinoshandawo kuvanhurume vanenge vachishungurudzwa.

b Jehovha ndiro zita raMwari sezvinotaurwa neBhaibheri.