Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Mari

Mari

Mari ndiyo mudzi wezvakaipa zvose here?

“Kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose.”—1 Timoti 6:10.

ZVINOTAURWA NEVANHU

Mari ndiyo mudzi wezvakaipa zvose.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

‘Kuda mari ndiko kunokonzera zvinhu zvinokuvadza’ asi iyo pachayo haina kuipa. MuBhaibheri, Mambo Soromoni aiva akapfuma akataura zvinhu zvitatu zvinokuvadza zvinowanzoitika kune vaya vanoda mari. Kusagadzikana: “Zvinhu zvizhinji zvomupfumi hazvimubvumiri kurara.” (Muparidzi 5:12) Kusagutsikana: “Anoda sirivha haazogutswi nesirivha, uyewo munhu anoda pfuma haazogutswi nemari inowanikwa.” (Muparidzi 5:10) Muedzo wokutyora mutemo: “Anoda kuchimbidza kuwana pfuma haazorambi asina mhosva.”—Zvirevo 28:20.

Mari inoita basa rei?

“Mari inodzivirira.”—Muparidzi 7:12.

ZVINOTAURWA NEVANHU

Mari inokuchengetedza uye inoita kuti ufare.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Pfungwa yokuti mari ndiyo inoita kuti munhu afare uye anzwe akachengeteka ndeyenhema uye itori “simba rinonyengera repfuma.” (Mako 4:19) “Asi mari inodiwa pazvinhu zvose.” (Muparidzi 10:19) Somuenzaniso mari inogona kutenga zvinhu zvatinoda kuti tirarame zvakadai sezvokudya pamwe nemishonga.—2 VaTesaronika 3:12.

Mari inokubatsirawo pakutarisira mhuri yako. Bhaibheri rinototaura kuti: “Kana munhu asingagoveri vokwake, kunyanya nhengo dzeimba yake, iye aramba kutenda uye akaipa kwazvo kupfuura munhu asingatendi.”—1 Timoti 5:8.

Ungashandisa sei mari nokuchenjera?

‘Tanga wagara pasi, woverenga zvinodiwa.’—Ruka 14:28.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Shandisa mari nenzira inotenderwa naMwari. (Ruka 16:9) Haufaniri kuipambadza kana kuita zvechitsotsi. (VaHebheru 13:18) Kuti usararame uri muzvikwereti, ‘mararamiro ako ngaave okusada mari.’—VaHebheru 13:5.

Bhaibheri harirambidzi kukwereta, asi rinonyevera kuti: “Uya anokwereta anova muranda womunhu anomukweretesa.” (Zvirevo 22:7) Dzivisa kutenga zvinhu zvausina kuronga nokuti ‘munhu ane chimbichimbi achava murombo.’ (Zvirevo 21:5) Saka, ‘chengeta maererano nemawaniro aunoita’ woisa mari parutivi yokuzotenga zvaunoda.—1 VaKorinde 16:2.

Bhaibheri rinotikurudzira kuti, ‘tigare tichipa.’ (Ruka 6:38) Vaya vanoda kufadza Mwari vane chikonzero chakanaka chokuti vape, “nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.” (2 VaKorinde 9:7) Saka “usakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe, nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.”—VaHebheru 13:16.