Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Mufaro Wechokwadi Unobva Pai?

Mufaro Wechokwadi Unobva Pai?

PAZVINHU zvinorwadza muupenyu, chimwe chazvo ndechokuti wakafirira kuita chimwe chinhu pakupedzisira unozoona kuti uri kushandira mahara. Paunozoti pepu nguva inenge yaenda.

Izvi ndizvo zvaitaurwa naJesu Kristu paakati: ‘Zvichabatsirei kana munhu akawana nyika yose asi ozorasikirwa noupenyu hwake?’ (Mateu 16:26) Izvi ndizvo zvinoitika kune vaya vanoti sika-sika nokutsvaka mari kana kuti zvinhu vachifunga kuti ndizvo zvichaita kuti vabudirire. Murume anonzi Tom Denham, anopa mazano panyaya yokusarudza mabasa akanyora kuti, “Kugara uchifunga nezvokupromotwa pabasa, kuita mari yakawanda uye kuunganidza zvinhu hakuna chakunobatsira. Unogona hako kuva nemari asi unopedzisira wava kunzwa kuti pane chinhu chinokosha chausiri kuwana.”

KuUnited States vanhu vakambobvunzwa kuti pazvinhu 22 zvinoita kuti munhu afare muupenyu mari inoenda panhamba ani? Vakawanda vakati 20. Nechokwokutanga vakaisa utano hwakanaka, kugarisana nevamwe zvakanaka, uye kushanda basa raunofarira.

Ongororo iyi inoratidza kuti vanhu vanozonyatsoona chinhu chinokosha muupenyu kana vachinge vabvunzwa. Asi mararamiro avanoita zuva nezuva anoratidza kuti havazivi kuti chinokosha ndechipi.