Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakaita dzimba dzavo muTash Rabat Valley

NYIKA DZAKASIYANA-SIYANA

Kushanya kuKyrgyzstan

Kushanya kuKyrgyzstan

KYRGYZSTAN inyika yekuCentral Asia ine makomo marefu-refu anenge akaita kufukidzwa nechando uye yakavakidzana nenyika dzinoti Kazakhstan, Uzbekistan, Tajikistan, neChina. Inenge 90 muzana yenyika iyi makomo ega ega. Pane makomo anonzi Tian Shan uye nhongonya yemakomo iwayo iri muKyrgyzstan. Kuti munhu asvike pamusoro-soro paro pakareba mamita 7 439. Inenge 4 muzana yenyika iyi masango. Asi chinoshamisa ndechekuti inotoverengwawo panyika dzine nzungu dzakawanda dzemusango.

Zvapupu zvaJehovha zviri kudzidzisa vanhu vakawanda Bhaibheri muKyrgyzstan

Vanhu vekuKyrgyzstan vanozivikanwa nekugamuchira vaeni zvakanaka uye nekuremekedza vamwe. Kana vachitaura nemunhu mukuru, vanoshandisa mashoko ekuremekedza akadai seekuti “imi” uye kana vari mubhazi vanosimukirawo vanhu vakuru, kana yava nguva yekudya vanhu vakuru vanopiwa pekugara pakanaka.

Mhuri inowanzoita vana vatatu kana kupfuura. Mukomana wekupedzisira anowanzoramba achigara nevabereki kunyange aroora, achivachengeta kusvika vafa.

Vasikana vanodzidziswa mabasa epamba kubva vachiri vadiki. Pavanozosvika makore ekuma16 vanenge vava kutogona mabasa epamba. Kana vava kunoroorwa mhuri yavo inovapa zvinhu zvekunoshandisa. Zvimwe zvacho zvinosanganisira magumbezi, hembe, uye kapeti yakagadzirwa nemaoko. Mukomana ndiye anobhadhara mari yeroora uye nezvipfuwo pamusoro.

Pavanoita mabiko kana kuti pavanenge vari parufu, vanouraya gwai kana kuti bhiza. Pakupakura pane nyama inonzi inopiwa vana vadiki kana kuti vanhu vakuru uye vaenzi vanoremekedzwa. Chikafu chavanonyanya kudya chinonzi beshbarmak uye ndicho chavanodyisa nenyama. Vanochidya nemaoko.

Komuz ndicho chiridzwa chinoshandiswa nevakawanda