Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | NEI TICHIFANIRA KUVA VANHU VAKATENDESEKA?

Kusatendeseka Kunokukanganisa Sei?

Kusatendeseka Kunokukanganisa Sei?

“Zvinhu zvinombooma zvekuti panenge pachidiwa kachitsotsi kuti zvigadzirisike.”—Samantha, South Africa.

Unobvumirana nemashoko ari pamusoro apa here? Kungofanana naSamantha, tose zvedu tine patakamboomerwa nezvinhu. Zvatinosarudza patinosangana nemuedzo wekusatendeseka zvicharatidza kuti ndezvipi zvatinokoshesa. Semuenzaniso, kana tichinyanya kukoshesa kuti vamwe vanhu vanotiona sei, tingangoita zvinhu zvekusatendeseka tichiitira kuti tisanyadziswa. Zvisinei, kusatendeseka kunowanzokonzera matambudziko panozobuda chokwadi. Chimboona zvinotevera.

KUSATENDESEKA KUNOPARADZA USHAMWARI

Kuti vanhu vave neushamwari vanofanira kunge vachivimbana. Kana vaviri vachivimbana vanenge vasina chavanotyira hapana mumwe wavo anenge achityira kuti achazorasiswa. Asi zvinotora nguva kuti vanhu vasvike pakuvimbana. Vanhu vanopedzisira vava kuvimbana kana vakaita nguva vari vose, vachitaurirana chokwadi uye vachiita zvinhu zvakanakira mumwe nemumwe. Asi kuvimbana kunogona kuparara mumwe paanongoita chinhu chimwe chete chinoratidza kusatendeseka. Uye kana izvozvo zvikaitika, zvinogona kuoma chaizvo kuti vanhu vatange kuvimbana zvakare.

Wakamborasiswa here nemumwe munhu wawaifunga kuti ishamwari yako yepedyo? Kana zvakamboitika, wakanzwa sei? Unofanira kunge wakarwadziwa, kunyange kunzwa sekuti wabatiswa dombo. Izvozvo ndizvo zvinowanzoitika. Zviri pachena kuti kusatendeseka kunoparadza ushamwari.

KUSATENDESEKA KUNOTAPUKIRA

Ongororo yakaitwa naRobert Innes, mumwe muzvinafundo wepaUniversity of California, yakaratidza kuti “kusatendeseka kunotapukira.” Saka, kusatendeseka kwakafanana neutachiona, kana ukatamba nemunhu asina kutendeseka, unogona kuguma wavawo munhu asina kutendeseka.

Ungaita sei kuti usasvika pakuva munhu asina kutendeseka? Bhaibheri rinogona kukubatsira. Tapota ona mavhesi mashomanana emuBhaibheri.