Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | NEI TICHIFANIRA KUVA VANHU VAKATENDESEKA?

Kutendeseka Kwakanakirei?

Kutendeseka Kwakanakirei?

“Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka, zvatinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”—VaHebheru 13:18.

MuBhaibheri, shoko rechiGiriki rinomboshandurwa kuti “kutendeseka,” rinoreva “chinhu chakanaka chaizvo.” Rinogona kurevawo maitiro akanaka anoyemurika.

VaKristu vanokoshesa mashoko aPauro akafemerwa ekuti: “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.” Vanozviita sei?

KURWISANA NEZVIDO ZVEMWOYO

Vanhu vakawanda vanozvitarisa mugirazi mangwanani ega ega vasati vabuda mumba. Vanozviitirei? Nekuti vanoda kutaridzika zvakanaka. Asi pane chimwe chinhu chinonyanya kukosha kupfuura kuva nehembe dziri mufashoni kana kuti kugerwa bvudzi zvakanaka. Zvatakaita mumwoyo zvinogona kuita kuti vanhu vawedzere kuyemura kutaridzika kwatinenge tichiita kana kuti zvinogona kuita kuti vanhu vasayemura kutaridzika kwatinenge takaita.

Shoko raMwari rinobudisa pachena kuti mwoyo yedu inongoda kuita zvakaipa. Genesisi 8:21 inoti, “Zvinodiwa nomwoyo womunhu zvakaipa kubvira achiri muduku.” Saka kuti tive vanhu vakatendeseka, tinofanira kurwisa zvido zvakaipa zvatinoberekwa tiinazvo. Muapostora Pauro akatsanangura kurwisa kwaaiita chivi nemashoko aya: “Ndinofarira mutemo waMwari maererano nomunhu wandiri nechomukati, asi ndinoona munhengo dzangu mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi uri munhengo dzangu.”—VaRoma 7:22, 23.

Semuenzaniso, mwoyo wedu paunenge uchitiudza kuti tiite zvakaipa uye uchitifurira kuti tiite zvinhu zvekusatendeseka, tinogona kusarudza tega kuti ndezvipi zvatinoda. Zviri kwatiri kurega kana kuti kuita zvacho zviri kudiwa nemwoyo. Kana tikasarudza kurasa pfungwa yakaipa, tinogona kuramba takatendeseka pasinei nekuti vakawanda havana kutendeseka.

KUKUNDA DAMBUDZIKO RACHO

Kuti tive vakatendeseka, tinotofanira kuva nechinotitungamirira pane zvatinoita. Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vanoita nguva zhinji vachisarudza hembe dzavanofarira kupfeka kupfuura nguva yavanoita vachifunga nezvekuti chii chingavabatsira kuita zvakanaka. Izvi zvinoita kuti vaone sekuti hapana chakaipa nekusatendeseka kana kuchiita kuti zvinhu zvikufambire. Panyaya iyi, bhuku rinonzi The (Honest) Truth About Dishonesty rinoti: “Tinowanzobiridzira zvekuti vanhu vanongoramba vachitiona sevanhu vakatendeseka.” Asi pane here chinogona kutibatsira kuziva kuti pane kusatendeseka kunobvumirwa kana kuti hakutobvumirwe zvachose? Hongu chiripo.

Vanhu vakawanda pasi rose vakaona kuti Bhaibheri ndiro rinonyatsobatsira pakusiyanisa zvakarurama nezvisina kururama. Hakuna kumwe kwatingawana mazano akafanana neari muBhaibheri. (Pisarema 19:7) Rinotipa mazano atinogona kuvimba nawo panyaya dzakadai sedzekunamata, dzemhuri, dzekusarudza basa uye dzetsika. Rava nemakore akawanda richibatsira vanhu. Zvarinodzidzisa zvinoshanda kuvanhu vose, pasinei nekuti ndeverudzi rwupi kana kuti ndevenyika ipi. Patinoongorora Bhaibheri, tofungisisa zvarinotaura, uye toshandisa mazano aro, tinenge tichitodzidzisa mwoyo wedu kuti uve wakatendeseka uye wakarurama.

Asi kuti tikunde dambudziko rekusatendeseka, pane zvatinofanira kuita kunze kwekungova nezivo yakarurama yeBhaibheri. Tiri kurarama munyika inotikurudzira kuita zvinhu zvakaora. Ndosaka tichifanira kunyengetera kuti Mwari atibatsire. (VaFiripi 4:6, 7, 13) Izvi zvichaita kuti tive neushingi hwekutsigira zvakarurama uye hwekuva vakatendeseka muzvinhu zvose.

ZVAKANAKIRA KUTENDESEKA

Hitoshi ambotaurwa munyaya yekutanga akaona zvakanakira kuva mushandi akatendeseka. Iye zvino ava kushandira munhu anoyemura kutendeseka kwake. Hitoshi anoti: “Ndinofara kuti ndakazowana basa rinoita kuti ndirambe ndiine hana yakachena.”

Izvi hazvina kungoitika kuna Hitoshi chete. Chimboona vamwe vakabatsirwa nekutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri zvekuti tinofanira “kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”

  • Hana Yakachena

    “Ndakasiya chikoro ndiine makore 13 kuti ndishande nembavha. Saka mari yangu inosvika zvikamu 95 muzana ndaiiwana nechitsotsi. Ndakazoroorwa uye ini nemurume wangu takatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Takadzidza kuti Jehovha * Mwari anovenga kusatendeseka, saka takachinja mararamiro ataiita. Muna 1990 takanyengetera tichiudza Jehovha kuti taida kumushumira tikabva tazobhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha.”—Zvirevo 6:16-19.

    “Kare imba yangu yaigara yakazara nezvinhu zvekuba, asi iye zvino haisisina kana zvinhu zvakadaro; uye zvinoita kuti ndive nehana yakachena. Ndakaita makore akawanda ndichiita zvinhu zvekusatendeseka, asi ndinotenda Jehovha nengoni dzake huru dzaakandiratidza. Kuziva kuti Jehovha ava kufadzwa nezvandinoita kunoita kuti ndinzwe kudekara pandinoenda kunorara usiku hwega hwega.”—Cheryl, Ireland.

    “Bhosi wangu paakaziva kuti ndakanga ndaramba chiokomuhomwe chandaida kupiwa nemumwe munhu aigona kuzova kasitoma yedu, akandiudza kuti: ‘Mwari wako anoita kuti uve munhu akavimbika! Takakomborerwa kuva newe mukambani yedu.’ Kuva munhu akatendeseka muzvinhu zvose kunoita kuti ndive nehana yakachena pamberi paJehovha Mwari. Kunoitawo kuti ndikwanise kubatsira vemumhuri mangu uye vamwe vanhu kuti vave vakatendeseka.”—Sonny, Hong Kong.

  • Rugare Rwepfungwa

    “Ndinoshanda nemukuru werimwe bhengi rinowanika munyika dzakawanda. Vanhu vanoita basa iri vanombosiya kutendeseka kuitira kuti vaite mari. Vakawanda vanoti, ‘Ko kuita kachitsotsi kwakaipei kana kuchiita kuti upfumi huwedzere uye kuchibatsira pakubudirira kwenyika?’ Asi kuva munhu akatendeseka kuri kuita kuti ndive nerugare rwepfungwa. Ndakatsunga kuramba ndakatendeseka kunyange zvodii. Vandinoshandira vanoziva kuti handivanyeperi kana kunyepa ndichivamiririra.”—Tom, United States.

  • Kuzviremekedza

    “Pane zvinhu zvakanga zvichishayika pabasa, saka supavhaiza wangu akandiudza kuti ndinyepe, asi ndakaramba. Mbavha dzainge dzaba padzakazobatwa, munhu wandaishandira akanditenda nokuti ndakanga ndakatendeseka. Tiri kurarama nevanhu vasina kutendeseka saka zvinotoda ushingi kuti munhu arambe akatendeseka. Uye kutendeseka kuchaita kuti vanhu vatiremekedze uye vavimbe nesu.”—Kaori, Japan.

Kutendeseka kwakanakira pakuti kunoita kuti munhu ave nehana yakachena, rugare rwepfungwa uye azviremekedze. Hauoniwo sekudaro here?

^ ndima 18 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.