Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutambura—NdiMwari Ari Kutiranga Here?

Kutambura—NdiMwari Ari Kutiranga Here?

LUZIA ANOFAMBA ACHIKAMHINA. Paaiva mudiki, akabatwa nechirwere chemhetamakumbo (polio). Ava nemakore 16, mumwe mukadzi waaishandira akamuudza kuti, “Mwari akakuranga nechirwere ichi nekuti waiva nemusikanzwa uye wainetsa amai vako.” Patova nemakore kubva pakaudzwa Luzia mashoko aya, asi achiri kuyeuka kurwadza kwaiita mashoko iwayo.

MUSIKANA ANONZI DAMARIS PAAKAUDZWA KUTI AIVA NEKENZA YEMUUROPI, baba vake vakamubvunza kuti: “Chii chawakaita chakakonzera kuti ubatwe nechirwere ichi? Ndinofunga kuti pane chimwe chinhu chakaipa chawakaita. Ndosaka Mwari ari kukuranga.” Damaris akarwadziwa chaizvo nemashoko aya.

Kubvira kare, vanhu vaingofunga kuti kurwara chirango chinobva kuna Mwari. Bhuku rinonzi Manners and Customs of Bible Lands rinoti vanhu vakawanda vakararama panguva yaJesu vaifunga kuti “munhu airwara nekuda kwechivi chaanenge aita, kana kuti chinenge chaitwa nehama dzake.” Makore ekuma500 C.E.-1500 C.E., “vamwe vanhu vaifunga kuti Mwari aiunza zvirwere senzira yekuvaranga,” rinodaro bhuku rinonzi Medieval Medicine and the Plague. Saka mamiriyoni evanhu vekuEurope paakafa nechimwe chirwere mumakore ekuma1300 C.E., ndiMwari airanga vanhu vakaipa here kana kuti hwaingova utachiona hwakauraya vanhu ivavo, sezvakazoonekwa nevaongorori? Vamwe vanogona kuva nemubvunzo wekuti, Mwari anoranga vanhu nekuvarwarisa here? *

FUNGA IZVI: Kana kuri kuti zvirwere uye kutambura chirango chinobva kuna Mwari, Mwanakomana wake Jesu akarapirei vanhu vairwara? Kuita izvozvo kwaisazova kushora kutonga kwaMwari here? (Mateu 4:23, 24) Jesu aisazomboita zvaipesana nezvaidiwa naMwari. Akati: “Ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza” uye, ‘ndinoita zvandinenge ndarayirwa naBaba vangu.’​—Johani 8:29; 14:31.

Zvinotaurwa neBhaibheri zvakajeka. Jehovha ndiMwari “asina kusaruramisira.” (Dheuteronomio 32:4) Semuenzaniso, Mwari haangambokonzeri njodzi yendege achiuraya vanhu vakawanda vasina mhosva achiitira kuti arange mumwe munhu anenge ari mundege yacho! Abrahamu paaitaura nezvekururama kwaMwari, akati Mwari ‘haazomboparadzi vakarurama pamwe chete nevakaipa.’ Akawedzera kuti Mwari ‘haangambofungi zvakadaro.’ (Genesisi 18:23, 25) Bhaibheri rinotaurawo kuti “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa”; haamboiti “zvisina kururama.”​—Jobho 34:10-12.

ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI NEZVEKUTAMBURA

Kutambura kwatinoita hakusi kurangwa naMwari nekuda kwechivi chatinenge taita. Jesu pachake akataura zvakajeka panyaya iyi iye nevadzidzi vake pavakaona mumwe murume ainge akazvarwa ari bofu. “Vadzidzi vake vakamubvunza kuti: ‘Rabhi, ndiani akatadza, munhu uyu kana vabereki vake, zvokuti akaberekwa ari bofu?’ Jesu akapindura kuti: ‘Munhu uyu haasi iye akatadza kana kuti vabereki vake, asi zvakaitwa kuti mabasa aMwari aratidzwe pachena paari.’”​—Johani 9:1-3.

Nezvaifungwa nevanhu makore iwayo, vadzidzi vaJesu vanofanira kunge vakashamiswa chaizvo Jesu paakataura kuti murume wacho nevabereki vake vainge vasina chivi chavakaita chakakonzera upofu. Jesu akatorapa murume wacho uye izvi zvakafumura nhema dzekuti kutambura ishamhu yaMwari. (Johani 9:6, 7) Vaya vari kutambura neurwere mazuva ano vanogona kunyaradzwa nekuziva kuti Mwari haasiriye akakonzera urwere hwavo.

Kana kuri kuti zvirwere uye kutambura chirango chinobva kuna Mwari, Mwanakomana wake Jesu akarapirei vanhu vairwara?

Magwaro anotivimbisa kuti

  • “Hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” (JAKOBHO 1:13) “Zvinhu zvakaipa” zvava nemazana emakore zvichitambudza vanhu, zvakadai sekurwara, marwadzo uye rufu zvichabviswa munguva pfupi iri kutevera.

  • Jesu Kristu “akarapa vose vakanga vachinetseka.” (MATEU 8:16) Paakaporesa vanhu vese vakauya kwaari, Mwanakomana waMwari akaratidza zvichaitwa neUmambo hwaMwari pasi rese.

  • “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”​—ZVAKAZARURWA 21:3-5.

NDIANI ARI KUKONZERA KUTAMBURA?

Saka ndiani ari kuita kuti vanhu vatambure kudai? Vanhu vava nemakore vachinetseka nemubvunzo iwoyo. Kana Mwari asiriye anokonzera kutambura, ndiani ari kukonzera? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya inotevera.

^ Kunyange zvazvo pane dzimwe nguva Mwari akamboranga vamwe vanhu nekuda kwezvivi zvavakaita, Bhaibheri haritauri kuti pari zvino ari kushandisa zvinhu zvakadai seurwere kana matambudziko kuti arange vanhu nekuda kwezvivi zvavo.