Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | PAUNOFIRWA NEMUNHU WAUNODA

Vakafa Vachararamazve!

Vakafa Vachararamazve!

Gail ambotaurwa nezvake, haana chokwadi kuti marwadzo ekufirwa nemurume wake Rob achazombopera. Kunyange zvakadaro ari kutarisira kuzomuonazve munyika itsva yakavimbiswa naMwari. Anoti: “Ndinonyanya kufarira Zvakazarurwa 21:3, 4.” Inoti: “Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”

Gail anoti: “Rugwaro urwu rwunotsanangura muchidimbu tariro yatiinayo. Ndinonzwira tsitsi vakafirwa nehama dzavo asi vasingazivi nezvetariro iyi yekuti vanogona kuzodzionazve.” Sezvo Gail achitenda kuti vakafa vachamuka, anoparidza mashoko akanaka kwemaawa 70 pamwedzi, achiudza vavakidzani vake vimbiso yaMwari yekuti mune ramangwana “rufu haruchazovipo.”

Jobho aiva nechivimbo chekuti aizoraramazve

Unogona kuti, ‘Izvi hazvimbofi zvakaitika!’ Asi chimbofunga nezvemurume ainzi Jobho. Akanga achirwara zvisingaite. (Jobho 2:7) Jobho aishuva kuti dai afa hake, asi aitenda kuti kunyange akafa, aigona kuzomutswa naMwari kuti araramezve panyika. Akanyatsotaura nechivimbo achiti: “Haiwa, kudai maizondivanza henyu muSheori . . . Muchashevedza, uye ini ndichakupindurai. Nokuti muchasuwa basa remaoko enyu.” (Jobho 14:13, 15) Jobho aiva nechivimbo chekuti Mwari wake aizomusuwa uye aizova nechido chekumumutsa.

Munguva pfupi iri kuuya Mwari achamutsa Jobho nevamwe vakawanda vakafa, paachaita kuti pasi rino rive paradhiso. (Ruka 23:42, 43) Izvi zvinotsigirwa naMabasa 24:15, iyo inoti: “Kuchava nokumuka.” Jesu anotivimbisa kuti: “Musashamiswa neizvi, nokuti awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake vobuda.” (Johani 5:28, 29) Izvi ndizvo zvichaitika kuna Jobho. Achamuka aine tarisiro yekuvazve ‘nesimba rouduku hwake,’ uye kurarama nokusingaperi nyama yake iri “itsva kupfuura paaiva muduku.” (Jobho 33:24, 25) Izvi zvichaitikawo kune vose vanotenda ngoni dzaMwari dzekumutsa vakafa kuti vazoraramazve panyika.

Kana wakafirwa nemumwe munhu wepedyo, zvataurwa pamusoro apa zvingasapedza hazvo kurwadziwa kwako zvachose. Asi kana ukanyatsofunga zvinovimbiswa naMwari muBhaibheri, unogona kuva netariro uye simba rekuti urambe uchitsungirira.​—1 VaTesaronika 4:13.

Unoda here kuziva zvimwe zvaungaita kana uchishungurudzika? Une mibvunzo here yakadai sokuti, “Nei Mwari achibvumira uipi nokutambura?” Enda panzvimbo yedu yekubudisira mashoko paIndaneti, jw.org, kuti uone mhinduro dzinonyaradza dzinobva muBhaibheri.