Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Ndakadzidza Kuremekedza Vanhukadzi Uye Kuzviremekedza

Ndakadzidza Kuremekedza Vanhukadzi Uye Kuzviremekedza
  • GORE ROKUBEREKWA: 1960

  • NYIKA: FRANCE

  • NHOROONDO YOUPENYU: AIRWISANA NEVANHU, AINGE AKAPINDWA MUROPA NEZVINODHAKA UYE AINGE ASINGAREMEKEDZI VANHUKADZI

MARARAMIRO ANDAIITA:

Ndakaberekerwa muguta reMulhouse, riri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva muFrance, iro rinogara vanhu vanoenda kumabasa uye rinozivikanwa nenyaya yekurwisana. Ndichiri kuyeuka kuti pandaikura ndaiona mhuri dzekwataigara dzichipopotedzana. Mumhuri medu vakadzi vaitarisirwa pasi uye varume vaiwanzoita zvinhu zvavo vasingaudzi vakadzi. Ndakadzidziswa kuti basa remukadzi kushanda mukicheni, uye kuita mabasa anobatsira murume nevana.

Zvinhu zvakanga zvakandiomera pandaikura. Ndava nemakore 10, baba vangu vakafa nekunwisa doro. Pashure pemakore mashanu, mukoma wangu akazviuraya. Gore iroro ndakaona mumwe munhu achiurayiwa nemhaka yekusawirirana kwaiitika mumhuri medu uye ndakarohwa nehana. Vemumhuri medu vakandidzidzisa kushandisa mapanga nepfuti uye kurwisa kana paine zvanetsa. Semunhu wechidiki akanga avhiringika, ndakatanga kuzvidhirowa matattoo muviri wese uye kunwa doro.

Pandakazosvitsa makore 16, ndakanga ndava kutonwa mabhodhoro edoro 10 kusvika ku15 pazuva, uye pasina nguva ndakanga ndava kushandisa zvinodhaka. Kuti ndiwane mari, ndaitengesa simbi dzakanga dzisingachashandi uye ndakazopedzisira ndava kuba. Pandakazosvika makore 17, ndakanga ndatombovharirwa mujeri. Ndakapinda mudare redzimhosva ka18 nemhosva dzekuba uye kurwisana nevanhu.

Ndichangoti pfuurei makore 20 ndakatowedzera zvakaipa zvandaiita. Pazuva ndaisvuta midzanga inosvika 20 yembanje uye ndaishandisa heroin nezvimwe zvinodhaka zvisingabvumirwi nemutemo. Ndaimbopfuura mwero pakushandisa zvinodhaka izvi zvekuti zvakambopotsa zvandiuraya, kanopfuura kaviri. Ndakatanga kutengesa zvinodhaka saka ndaigara ndiine mapanga nepfuti. Rimwe zuva ndakaedza kupfura mumwe murume asi bara racho rakasvika richinobhamba pasimbi yebhandi raakanga akasunga uye harina kumuuraya! Amai vangu vakazofa ndava nemakore 24 uye ndakabva ndawedzera kuita hasha. Vanhu vaifamba netsoka pavaindiona ndichiuya vaitotsauka vachienda mhiri kwemugwagwa nekutya. Pamazuva ekupera kwevhiki ndaiwanzonge ndiri kukamba yemapurisa kana kuti ndiri muchipatara ndichisonwa mastitch nenyaya yekurwisana nevanhu kwandaiita.

Ndakaroora ndava nemakore 28. Sezvamatoonawo neunhu hwangu uhwu hapana pandaizoremekedza mudzimai. Ndaimutuka uye ndaimurova. Takanga tisingaiti zvinhu pamwe chete. Ndaifunga kuti hapana chinopfuura kumupa zvishongo zvakawanda zvandaiba. Mudzimai wangu akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Izvi ndakanga ndisingazvitarisiri. Musi waakatanga kudzidza ndiwo waakabva arega kusvuta, kuramba mari yandaiba uye akandidzorera zvishongo zvandainge ndamupa. Izvi zvakakwidza hasha dzangu. Ndaimushora nekudzidza Bhaibheri kwaaiita uye ndaimbomufuridzira utsi hwefodya kumeso. Ndaitaura zvakaipa nezvake munharaunda yedu yose.

Mumwe musi huri usiku pandakanga ndakaparara nekudhakwa, ndakapisa imba yedu. Mudzimai wangu ndiye akatozonunura ini nemwanasikana wedu ane makore 5 kuti tisatsvira mumba. Doro parakapera ndakatanga kuzvitongesa. Nechomumwoyo ndainzwa sokuti handifi ndakaregererwa naMwari. Ndinoyeuka ndichinzwa mupristi achiti vakaipa vachanotsva kuhero. Kunyange chiremba wangu wepfungwa akandiudza kuti: “Hapasisina chako iwewe! Hauchazomboregererwi.”

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Pashure pekunge imba yatsva, takanogara nevabereki vemudzimai wangu. Zvapupu pazvakauya kuzoona mudzimai wangu, ndakabvunza kuti, “Mwari anogona kundiregerera zvivi zvangu zvose here?” Vakandiratidza 1 VaKorinde 6:9-11 muBhaibheri. Ipapo panotaura nezvemaitiro asingadiwi naMwari, asi panozotiwo: “Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita.” Mashoko iwayo akaita kuti ndione kuti ndaikwanisa kuchinja. Zvapupu zvacho zvakandiratidza 1 Johani 4:8 kuti ndinyatsoona kuti Mwari anondida. Izvi zvakaita kuti ndivakumbire kuti vandidzidzise Bhaibheri kaviri pavhiki uye ndakabva ndatanga kupinda misangano yavo yechiKristu. Ndaigara ndichinyengetera kuna Jehovha.

Mumwedzi mumwe chete, ndakasarudza kusiya madhiragi uye doro. Yakanga iri hondo chaiyo kuti ndizvisiye! Ndakatanga kurota zvinhu zvinotyisa, kutemwa nemusoro, kungobatwa nechiveve nezvimwewo zvinokonzerwa nekusiya zvinodhaka. Asi panguva iyoyo, ndainzwa kuti Jehovha ainge akandibata ruoko achindisimbisa. Ndainzwa sezvakaita muapostora Pauro. Achitaura nezverubatsiro rwaaiwana kuna Mwari, Pauro akanyora kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Nekufamba kwenguva ndakazokwanisa kusiya fodya.​—2 VaKorinde 7:1.

Bhaibheri rakandibatsira kugadzirisa mararamiro angu uye rakatibatsira kuti tigarisane zvakanaka semhuri. Ndakachinja mabatiro andaiita mudzimai wangu. Ndakatanga kumuremekedza zvekuti ndakanga ndava kutoshandisa mashoko akadai seekuti “ndinokumbirawo” uye “waita basa.” Ndakatanga kurera mwanasikana wedu zvakanaka sababa. Pashure pekudzidza Bhaibheri kwegore, ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa, sezvakanga zvaitwa nemudzimai wangu.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Ndine chokwadi chekuti Bhaibheri rakandiponesa. Kunyange hama dzangu dzisiri Zvapupu dzakaonawo kuti ndingadai ndakafa nekushandisa zvinodhaka kana kuti nekurwisana nevanhu.

Pandakatevedzera zvinonzi neBhaibheri ndizvo zvinofanira kuitwa nemurume uye nababa, upenyu hwemhuri yangu hwakanyatsochinja. (VaEfeso 5:25; 6:4) Takatanga kuita zvinhu pamwe chete semhuri. Panzvimbo pokuti ndiswedze mudzimai wangu ari mukicheni, iye zvino ndava kutomubatsira pabasa rake rokudzidzisa vanhu Bhaibheri raanoita kwemaawa 70 pamwedzi. Mudzimai wangu anonditsigirawo pabasa rangu randinoita semumwe wevakuru muungano.

Rudo netsitsi dzaJehovha Mwari zvakandibatsira kuti ndichinje upenyu hwangu. Ndinoda chaizvo kutaura nezvaMwari kuvanhu vanoonekwa sevasingakwanisi kuchinja mararamiro avo, nokuti ndiwo maonerwo andaiitwa nevakawanda. Ndinoziva kuti Bhaibheri rine simba rekubatsira chero ani zvake kuti ararame upenyu hwakachena uye hune chinangwa. Bhaibheri rakandidzidzisa kuti ndide uye ndiremekedze varume zvese nevakadzi uye rakandibatsirawo kuti ndizviremekedze.