Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Fara Nomudzimai Wouduku Hwako”

“Fara Nomudzimai Wouduku Hwako”

“Fara Nomudzimai Wouduku Hwako”

“Fara nomudzimai wouduku hwako . . . Mwanakomana wangu, nei iwe uchifanira kufadzwa nomukadzi mutorwa?”—ZVIREVO 5:18, 20.

1, 2. Nei zvinganzi rudo rwomurume nomudzimai wake rwakakomborerwa?

BHAIBHERI rinotaura zvakajeka nezvenyaya dzepabonde. Pana Zvirevo 5:18, 19, tinoverenga kuti: “Tsime rako ngarikomborerwe, uye fara nomudzimai wouduku hwako, iyo nondo hadzi yakanaka nembudzi yomumakomo inofadza kwazvo. Mazamu ake ngaakugutse nguva dzose. Fadzwa norudo rwake nguva dzose.”

2 Pano shoko rokuti “tsime” rinoreva chinoita kuti munhu agutsikane mune zvepabonde. Rakakomborerwa pakuti rudo rwomurume nomukadzi uye kufara kwavanoita chipo chinobva kuna Mwari. Zvisinei, izvi zvinofanira kungoitwa nevakaroorana chete. Saka Mambo Soromoni weIsraeri yekare, munyori webhuku raZvirevo, anobvunza mubvunzo usingadi hawo mhinduro wokuti: “Mwanakomana wangu, nei iwe uchifanira kufadzwa nomukadzi mutorwa kana kuti kumbundira chipfuva chomukadzi wokumwe?”—Zvirevo 5:20.

3. (a) Zvii zvinosuruvarisa zvinoitika mumhuri dzakawanda? (b) Mwari anoona sei upombwe?

3 Pazuva romuchato wavo, murume nomukadzi vanoita mhiko yakasimba yokuti vachadanana uye vacharamba vakatendeka kune mumwe nomumwe. Kunyange zvakadaro, mhuri dzakawanda dzinoparadzwa noupombwe. Kutaura zvazviri, pashure pokunge aongorora vanhu vanosvika 25, mumwe mutsvakurudzi akagumisa kuti “25 muzana yemadzimai uye 44 muzana yevarume vakamboita upombwe.” Muapostora Pauro akati: “Musatsauswa. Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa kuita zvinhu zvisiri zvomusikirwo, kana varume vanorara nevarume . . . havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (1 VaKorinde 6:9, 10) Izvi zvakajeka. Upombwe chivi chakakomba mukuona kwaMwari, uye vanamati vechokwadi havafaniri kuita gumbo mumba gumbo kunze. Chii chichatibatsira kuita kuti ‘kuroorana kurambe kuchikudzwa, uye mubhedha wevakaroorana urambe usina kusvibiswa’?—VaHebheru 13:4.

Ngwarira Kuva Nomwoyo Unonyengera

4. MuKristu akaroora angadanana nomumwe munhu waasina kuroorana naye akavarairwa munzira dzipi?

4 Munyika yanhasi ine tsika dzakashata, vanhu vakawanda “vane maziso akazara noupombwe uye havakwanisi kurega chivi.” (2 Petro 2:14) Vanoita gumbo mumba gumbo kunze nemaune. Mune dzimwe nyika vakadzi vakawanda vanoshanda, uye kushanda vakasangana nevarume kwakakonzera kuti vanhu vadanane zvisina kukodzera kumabasa. Zvadaro, Indaneti yakaitawo kuti zvive nyore kuti kunyange vaya vanonyara zvikuru vatange kutodanana paIndaneti. Vanhu vakawanda vakaroora vanowira mumisungo yakadaro vakavarairwa.

5, 6. Mumwe mukadzi muKristu akapinda sei mumusungo une ngozi, uye tinodzidzei pane izvi?

5 Chimbofunga kuti muKristu watichadana kuti Mary akapinda sei mumamiriro ezvinhu akapotsa aita kuti aite unzenza. Murume wake, uyo asiri Chapupu chaJehovha, akanga asinganyanyi kuratidza mhuri yake rudo. Mary anoyeuka imwe nguva makore akapfuura paakaonana nomumwe murume aishanda nomurume wake. Murume uyu aiva munyoro, uye kwapera nguva yakati, akatoratidza kufarira zvaidavirwa muchitendero chaMary. “Aiita zvakanaka zvikuru, akanga akasiyana chaizvo nomurume wangu,” anodaro Mary. Pasina nguva, Mary nomunhu aishanda nomurume wake vakanga vava kudanana. “Handina kuita upombwe,” akadaro, “uye murume wacho anofarira Bhaibheri. Zvimwe ndingamubatsira.”

6 Asati aita upombwe, Mary akapengenuka. (VaGaratiya 5:19-21; VaEfeso 4:19) Hana yake yakatanga kushanda, uye akaruramisa zvinhu. Zvakaitika kuna Mary zvinoratidza kuti “mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo.” (Jeremiya 17:9) Bhaibheri rinotirayira kuti: “Pazvinhu zvose zvinofanira kuchengetedzwa, chengetedza mwoyo wako.” (Zvirevo 4:23) Tingazviita sei?

‘Munhu Ane Njere Anovanda’

7. Paunenge uchibatsira mumwe munhu ane matambudziko omumhuri, uchadzivirirwa nokutevera zano ripi romuMagwaro?

7 “Anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (1 VaKorinde 10:12) Uye Zvirevo 22:3 inoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” Pane kunyanya kuzvivimba uchifunga kuti, ‘Hapana chinoitika kwandiri,’ kuchenjera kufunga kuti mamiriro ezvinhu akati angangokonzera sei matambudziko. Somuenzaniso, kana uri murume usabvuma kuti mukadzi akaroorwa angoudza iwe chete nezvematambudziko akaoma aari kusangana nawo mumhuri yake. (Zvirevo 11:14) Udza munhu wacho kuti zvakanyanya kunaka kuti akurukure matambudziko emhuri nowaakaroorana naye kana kuti nomuKristu akasimba pakunamata anoda kuti mhuri yake ibudirire, kana ari murume, okurukura nomurumewo, mukadzi nomukadziwo kana kuti kukurukura nevakuru. (Tito 2:3, 4) Vakuru vari muungano dzeZvapupu zvaJehovha vanoratidza muenzaniso wakanaka munyaya iyi. Kana mukuru achida kuti ataure nehanzvadzi yechiKristu zvinhu zvakavanzika, anoita izvozvo vari panoonekwa nevanhu—sepaImba yoUmambo.

8. Chii chaunofanira kunyanya kungwarira paunenge uri kubasa?

8 Kubasa nokumwewo, ngwarira mamiriro ezvinhu angaita kuti mugume madanana. Somuenzaniso, kupedza nguva yakawanda pashure pebasa uchishanda nomumwe murume kana mukadzi kungaita kuti upinde mumuedzo. Somurume akaroora kana kuti mukadzi akaroorwa, unofanira kujekesa nezvaunotaura uye kuzvibata kwako kuti hautombodi kudanana nomumwe munhu. Somunhu akazvipira kuna Mwari, zvechokwadi haungadi kuti vanhu vanyanye kufunga nezvako nokutamba kworudo kana kuti nokupfeka uye kushambidzika zvisina mwero. (1 Timoti 4:8; 6:11; 1 Petro 3:3, 4) Kugara uine mapikicha omumwe wako neevana kubasa kwako kuchakuyeuchidza iwe nevamwe nezvokukosha kwemhuri yako. Tsunga kusambokurudzira—kana kuti kunyange kubvuma—zvingaedza kuitwa nomumwe munhu kuti mudanane.—Jobho 31:1.

“Fadzwa Noupenyu Nomudzimai Waunoda”

9. Zviitiko zvipi zvinotevedzana zvingaita kuti ushamwari hutsva hukwezve?

9 Kuchengetedza mwoyo hakungorevi kunzvenga mamiriro ezvinhu ane ngozi. Kunzwa uchida mumwe munhu wausina kuroorana naye kungava chiratidzo chokuti murume nomudzimai havasi kuitirana zvavanofanira kuita. Pamwe mudzimai ari kuramba asingaratidzwi hanya kana kuti murume ari kuramba achitsoropodzwa. Kamwe kamwe mumwe munhu—wokubasa kana kuti kunyange womuungano yechiKristu—anoita seane unhu chaihwoihwo husina mumwe wako. Pasina nguva munotanga ushamwari hwakasimba, uye ushamwari hutsva uhwu hungave huchikwezva zvisingadzivisiki. Uku kutevedzana kwezviitiko kusinganyatsooneki kunosimbisa chokwadi chemashoko eBhaibheri anoti: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake.”—Jakobho 1:14.

10. Varume nevakadzi vangasimbisa sei ukama hwavo?

10 Pane kutsvaka kuti vanhu vavasina kuroorana navo vagutse zvido zvavo—rungava rudo, ushamwari, kana kuti kutsigirwa mudambudziko rakaoma—varume nemadzimai vanofanira kushanda nesimba kuti vasimbise rudo rwavo ivo pachavo. Saka nepamunogona napo, pedzai nguva muri pamwe chete, uye swederai pedyo nomumwe nomumwe. Fungai kuti chii chakaita kuti mudanane. Edza kufungazve kuda kwawaiita munhu wawakazoroorana naye. Chimbofunga kunakidzwa kwamaiita pamaiva pamwe chete. Nyengetera kuna Mwari nezvenyaya yacho. Munyori wepisarema Dhavhidhi akateterera Jehovha achiti: “Sikai mwoyo wakachena mandiri, haiwa Mwari, muise mafungiro matsva mandiri, akasimba.” (Pisarema 51:10) Tsunga ‘kufadzwa noupenyu nomudzimai waunoda mazuva ose oupenyu hwako uhwo Mwari akakupa pasi pezuva.’—Muparidzi 9:9.

11. Zivo, uchenjeri, uye ungwaru zvinosimbisa sei mhuri?

11 Kukosha kwezivo, uchenjeri uye kunzwisisa hazvifaniri kuregeredzwa pakusimbisa mhuri. Zvirevo 24:3, 4 inoti: “Imba inovakwa nouchenjeri, uye inosimbiswa kwazvo noungwaru. Dzimba dzomukati dzichazara nezvinhu zvose zvinokosha uye zvinofadza nokuda kwokuva nezivo.” Unhu hwakadai sorudo, kuvimbika, kutya Mwari, uye kutenda ndezvimwe zvinhu zvinokosha zvinonzi zvinozadza mhuri inofara. Kuti uve nounhu uhwu zvinoda kuva nezivo yaMwari. Saka vakaroorana vanofanira kuva vadzidzi veBhaibheri vanoshingaira. Uye uchenjeri noungwaru zvinokosha zvakadini? Kuti ukurire matambudziko ezuva nezuva zvinoda uchenjeri, mano okushandisa zivo yomuMagwaro. Munhu ane ungwaru anokwanisa kunzwisisa pfungwa nemanzwiro zvomumwe wake. (Zvirevo 20:5) Achishandisa Soromoni, Jehovha anoti, “Mwanakomana wangu, haiwa, teerera uchenjeri hwangu. Rerekera nzeve dzako kuungwaru hwangu.”—Zvirevo 5:1.

Kana Paine “Dambudziko”

12. Nei zvisingashamisi kuti vakaroorana vanosangana nematambudziko?

12 Hapana vanhu vasingakanganisirani mumhuri. Bhaibheri rinototi varume nemadzimai vachava “nedambudziko munyama yavo.” (1 VaKorinde 7:28) Kuzvidya mwoyo, kurwara, kutambudzwa uye zvimwe zvinhu zvingaita kuti mumhuri muve nematambudziko. Zvisinei, kana matambudziko akamuka, munofanira kutsvaka nzira dzokuagadzirisa nadzo pamwe chete somurume nomudzimai vakavimbika vanotsvaka kufadza Jehovha.

13. Murume nomudzimai vangazviongorora muzvinhu zvipi?

13 Zvakadini kana vakaroorana vaine dambudziko pamusana pezvavanoitirana? Ibasa chairo kutsvaka nzira yokugadzirisa nayo. Somuenzaniso, zvimwe vakatanga tsika yokutaurirana magaramwoyo mumhuri yavo uye iye zvino ndozvavava kungoita. (Zvirevo 12:18) Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, izvi zvingava nemigumisiro yakaipa. Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Zviri nani kugara murenje pane kugara nomudzimai anokakavara uchinetseka.” (Zvirevo 21:19) Kana uri mudzimai ari mumhuri yakadaro, zvibvunze kuti, ‘Maitiro angu anoita kuti murume wangu aomerwe nokupedza nguva aineni here?’ Bhaibheri rinoudza varume kuti: “Rambai muchida madzimai enyu uye musaatsamwira kwazvo.” (VaKorose 3:19) Kana uri murume, zvibvunze kuti, ‘Maitiro angu akapora-pora here, zvichiisa mudzimai wangu pamuedzo wokutsvaka kunyaradzwa nevamwewo vanhu?’ Kutaura zvazviri, hapana kuzvipembedza pakuita unzenza. Asi, kuziva kuti dambudziko rakadaro rinogona kuitika chikonzero chakanaka chokuti mukurukure matambudziko makasununguka.

14, 15. Nei kutsvaka kubatsirwa nomumwe munhu wausina kuroorana naye kusingagadzirisi zvinetso mumhuri?

14 Kutsvaka kunyaradzwa nomumwe munhu wausina kuroorana naye hakugadzirisi zvinetso mumhuri. Ukama hwakadaro hungagumira kupi? Hungaita kuti muve nemhuri itsva uye iri nani here? Vamwe vangafunga kudaro. Vanoti, ‘Chokwadi unhu uhwu ndihwo chaihwo hwandinoda kuti mumwe wangu ave nahwo.’ Asi kufunga kwakadaro kwakaipa, nokuti munhu wose anosiya waakaroorana naye—kana kuti anokukurudzira kuti usiye wako—anozvidza zvakasimba utsvene hwokuroorana. Hazvina musoro kutarisira kuti ukama ihwohwo huzova mhuri iri nani.

15 Mary, ambotaurwa, akafungisisa migumisiro yezvaaiita, kusanganisira kuti iye kana kuti mumwe munhu aigona kuzotadza kufarirwa naMwari. (VaGaratiya 6:7) Anoti, “Pandakatanga kuongorora manzwiro angu pamusoro pomunhu aishanda nomurume wangu, ndakaziva kuti ndakanga ndiri kuvhara chero mukana upi zvawo waigona kumuka wokuti munhu uyu asvike pakuziva chokwadi. Kuita zvakaipa kunogona kukanganisa zvikuru munhu wose anobatanidzwa kwogumbura vamwe!”—2 VaKorinde 6:3.

Chikonzero Chikuru Chokuramba Wakatendeseka

16. Ndeipi mimwe migumisiro yokuva netsika dzisina kuchena?

16 Bhaibheri rinonyevera kuti: “Miromo yomukadzi mutorwa inoramba ichidonha zvinotapira sezvinoita zinga rouchi, uye mukanwa make munotsvedzerera kupfuura mafuta. Asi mugumisiro wake unovava sezvinoita muti unovava; wakapinza sebakatwa rinocheka nekwose.” (Zvirevo 5:3, 4) Tsika dzisina kuchena dzinogona kuguma zvinorwadza uye dzinogona kutouraya. Zvinosanganisira hana inonetseka, zvirwere zvinopomeranwa pabonde, uye kushungurudzwa kwomurume kana mukadzi akatendeka. Zvechokwadi ichi chikonzero chakanaka chokusatanga zvinhu zvingakonzera kuita gumbo mumba gumbo kunze.

17. Chikonzero chipi chikuru chokuramba wakatendeseka mumhuri?

17 Chikonzero chikuru nei kuita gumbo mumba gumbo kunze kwakaipa ndechokuti Jehovha, Muvambi wokuroorana uye Mupi wemasimba okuita zvepabonde, anoshora kusatendeseka. Achishandisa muprofita Maraki, Anoti: “Ndichaswedera pedyo nemi kuti ndikutongei, ndichava chapupu chinokurumidza chinorwisana . . . nemhombwe.” (Maraki 3:5) Maererano nezvinoonekwa naJehovha, Zvirevo 5:21 inoti: “Nzira dzomunhu dziri pamberi pemaziso aJehovha, uye iye anofunga nezvemakwara ake ose.” Chokwadi, “zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13) Saka, chikonzero chikuru chokuramba wakatendeseka mumhuri kuziva kuti, pasinei nokuti kusatendeseka kwacho kungaita sokwakavanzika uye kungaita sokuti hakukukanganisi kana kukanganisa vamwe, kusachena chero kupi zvako mune zvepabonde kunokanganisa ukama hwedu naJehovha.

18, 19. Tinodzidzei pane zvakaitika kuna Josefa nomudzimai waPotifari?

18 Muenzaniso waJosefa, mwanakomana womusoro wemhuri Jakobho, unoratidza kuti chido chokuramba munhu aine rugare naMwari chinoitawo kuti arambe akatendeseka mumhuri. Anzwirwa nyasha naPotifari, jinda redare raFarao, Josefa akasvika pakuva nenzvimbo yaifarirwa mumhuri yaPotifari. Josefa aivawo “nechimiro chakanaka nechitarisiko chakanaka,” chinhu chakacherechedzwa nomudzimai waPotifari. Zuva nezuva, aiedza kunyengedza Josefa, asi zvaaiita zvakanga zvisingabudiriri. Chii chakaita kuti Josefa arambe zvose zvaiitwa nomukadzi uyu? Bhaibheri rinotiudza kuti: “Airamba uye aiti kumudzimai watenzi wake: ‘Tarirai tenzi wangu . . . haana kana chaakandirambidza kunze kwenyu, nokuti muri mudzimai wake. Naizvozvo ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa kwazvo, nditadzire Mwari?’”—Genesisi 39:1-12.

19 Josefa uyo akanga asina kuroora akaramba aine tsika dzakachena nokuramba kurara nomudzimai womumwe murume. “Inwa mvura yomumugodhi wako chaiwo,” inodaro Zvirevo 5:15 kuvarume vakaroora, “nemvura inoyerera yetsime rako chairo.” Ngwarira kusavarairwa woguma waita gumbo mumba gumbo kunze. Edza kusimbisa rudo mumhuri mako, uye edza kugadzirisa matambudziko ose okuroorana aungave nawo. Nepaunogona napo, “fara nomudzimai wouduku hwako.”—Zvirevo 5:18.

Wadzidzei?

• MuKristu angapinda sei mumusungo wokudanana nomumwe munhu iye akavarairwa?

• Zvinhu zvipi zvingabatsira mumwe munhu kuti asadanana nomunhu waasina kuroorana naye?

• Pavanenge vaine matambudziko, vaviri vakaroorana vanofanira kuitei?

• Chikonzero chipi chikuru chokuramba wakatendeseka mumhuri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Zvinosuruvarisa kuti vanhu vanogona kuguma vadanana zvisina kukodzera kumabasa

[Mufananidzo uri papeji 28]

‘Dzimba dzomukati dzichazara nezvinhu zvinofadza nokuda kwokuva nezivo’