Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuMexico

Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuMexico

ZVINOFADZA kuona kuti vechiduku vakawanda vari kuita kuti upenyu hwavo husava netwakawanda-wanda kuti vakwanise kuwedzera ushumiri hwechiKristu. (Mat. 6:22) Zvii zvavanofanira kugadzirisa kuti vadaro? Vanosangana nezvipingamupinyi zvipi? Kuti tizive izvozvo, regai tinzwe kune vamwe vari kushumira kuMexico.

“TAIFANIRA KUCHINJA”

Dustin naJassa vokuUnited States vakaroorana muna January 2007. Pasina nguva, vakakwanisa kuzadzisa chido chavaiva nacho kwenguva refu, chokutenga chikepe uye kutogaramo. Chikepe chavo chainge chakasungirirwa pedyo neAstoria, Oregon, U.S.A., taundi rinoyevedza riri pedyo nePacific Ocean rakapoteredzwa nezvikomo zvine miti uye makomo ane misoro inogara yakachena chando. “Kwose kwawaitarira,” anodaro Dustin, “waikangwa mate mukanwa nezvawaiona!” Mhuri iyi yaifunga kuti yairarama upenyu husina twakawanda-wanda, ichivimba naJehovha. Vaifunga kuti, ‘Hatisi here kugara muchikepe chakangoreba mamita 7,9 chete, tisingaendi kubasa mazuva ose, tichipinda neungano yemumwe mutauro, uye pano neapo tichiita upiyona hwebetsero?’ Asi papfuura nguva, vakazoona kuti vaizvinyepera. “Pane kutsigira ungano, nguva yakawanda tainge tichingogadzira chikepe chedu,” anodaro Dustin.  “Takaona kuti kana tainyatsoda kuisa Jehovha pokutanga muupenyu, taifanira kuchinja.”

Jassa anowedzera kuti: “Ndisati ndaroorwa, ndaigara kuMexico, kwandaipinda neungano yeChirungu. Kwainakidza chaizvo, uye ndaida kudzokerako.” Kuti vasimbise chido chokunoshumira kune imwe nyika, Dustin naJassa vakatanga kuverenga pakunamata kwemhuri nyaya dzoupenyu dzehama nehanzvadzi dzakatamira kune dzimwe nyika kwaiva neminda yainge yaibvira kukohwa. (Joh. 4:35) Dustin anoti, “Taida kuwana mufaro wakadaro.” Pavakanzwa neshamwari dzaiva kuMexico kuti boka rainge richangobva kuumbwa raida kubatsirwa, Dustin naJassa vakabva vaziva zvokuita. Vakasiya mabasa avo, vakatengesa chikepe chavo, ndokutamira kuMexico.

“CHINHU CHAKANAKISISA PANE ZVOSE ZVATAKAITA”

Dustin naJassa vakanogara mutaundi reTecomán, riri pedyo nePacific Ocean asi kuri kumaodzanyemba kweAstoria kure nemakiromita 4 345. “Kwataimbova kwaiva nekamhepo kanotonhorera uye makomo anoyevedza, asi kuno kunopisa zvisingaiti uye tinongoona minda yemiremoni yakaita zienda nakuenda,” anodaro Dustin. Pakutanga havana kuwana mabasa. Vaidya mupunga nebhinzi kaviri pazuva, kwemavhiki nemavhiki nokuti vaisava nemari. “Asi zvataidya pazvakanga zvisisaiti,” anodaro Jassa, ‘vataidzidza navo Bhaibheri vakatanga kutipa mango, mabhanana, mapopo uye maremoni akawanda!’ Nokufamba kwenguva, vakapiwa basa nechimwe chikoro chokuTaiwan rokudzidzisa mitauro vachishandisa Indaneti. Mari yavanowana pabasa iroro inokwana pane zvavanoda zvezuva nezuva.

Dustin naJassa vanoti kudii nemararamiro avava kuita? “Kutama kwatakaita ndicho chinhu chakanakisisa pane zvose zvatakaita,” vanodaro. “Ukama hwedu naJehovha hwasimba chaizvo kupfuura zvataifunga uye isu tava kudanana chaizvo. Zuva nezuva tinoita zvakawanda pamwe chete, kuenda muushumiri hwomumunda, kukurukura nezvokubatsira vatinodzidza navo Bhaibheri, kugadzirira misangano. Uyewo hatichazvidyi mwoyo sezvataimboita.” Vanowedzera kuti: “Iye zvino tava kuziva zvataisanyatsonzwisisa, zvinorehwa nevimbiso iri pana Pisarema 34:8 yokuti, ‘Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka.’”

CHII CHINOITA KUTI VASHANDI VANE ZVIURU VAZVIPIRE?

Hama nehanzvadzi dzinopfuura 2 900, dzakaroorana uye dzisina, dzakawanda dzacho dzine makore ari kuma20 uye kuma30 dzakatamira munzvimbo  dzokuMexico kuchiri kudiwa vaparidzi voUmambo vakawanda. Nei Zvapupu zvose izvi zvakasarudza kuita basa iri risiri nyore? Vamwe vavo pavakabvunzwa mubvunzo uyu vakapa zvikonzero zvikuru zvitatu. Ndezvipi?

Leticia naHermilo

Kuratidza kuti vanoda Jehovha uye vanhu. Leticia akabhabhatidzwa aine makore 18. Anoti: “Pandakazvitsaurira kuna Jehovha, ndainzwisisa kuti ndinofanira kumushumira nemwoyo wose uye nesimba rose. Saka kuti ndiratidze kuti ndaida Jehovha nemwoyo wose, ndaida kushandisa nguva yangu yakawanda nesimba mubasa rake.” (Mako 12:30) Hermilo, uyo akazoroora Leticia, aiva nemakore okuma20 paakatamira kwaidiwa vaparidzi voUmambo vakawanda. Anoti: “Ndakaona kuti kubatsira vanhu kuti vazive zvavanoda pakunamata ndiyo nzira yakanaka chaizvo yokuratidza kuti ndinoda muvakidzani.” (Mako 12:31) Saka akatama muguta rainge rakabudirira reMonterrey, maaishanda mubhengi uye aine upenyu hwakanaka, akanogara mutaundi duku.

Essly

Kuti vagare vachinyatsofara. Achangobhabhatidzwa, Leticia akaenda neimwe hanzvadzi yava nemakore ichipayona kutaundi riri kwaro roga kwavakanoparidza kwemwedzi. Leticia anoyeuka kuti: “Ndakashamiswa. Kuona kugamuchira kwaiita vanhu shoko roUmambo rataiparidza kwakaita kuti ndifare chaizvo. Pakapera mwedzi iwoyo, ndakati, ‘Izvi ndizvo zvandinoda kuita muupenyu hwangu!’” Essly, hanzvadzi isina kuroorwa ine makore ari kuma20, akatiwo mafariro aakaona aiita vamwe ndiwo akaita kuti ade kuitawo basa iri. Paaiva kusekondari, aionana neZvapupu zvakawanda zvaishingaira zvaishanda kunodiwa vaparidzi vakawanda. Anoti, “Kuona kufara kwaiita hama nehanzvadzi idzodzo kwaiita kuti ndide kurarama sezvadzaiita.” Hanzvadzi dzakawanda dzakaitawo zvakaitwa naEssly. MuMexico munotova nehanzvadzi dzisina kuroorwa dzinopfuura 680 dzinoshanda kunodiwa vaparidzi vakawanda. Chokwadi uyu muenzaniso wakanaka chaizvo kuvaduku nevakuru!

Kuti vararame upenyu hune chinangwa uye hunogutsa. Ava kupedza chikoro chesekondari, Essly akapiwa bhezari rokuti aende kuyunivhesiti. Vezera rake vakamukurudzira kuti aritambire uye kuti azova noupenyu hwakanaka, aine dhigirii, basa, motokari uye nguva yokushanya. Asi haana kuteerera zano ravo. Essly anoti: “Vakawanda veshamwari dzangu dzechiKristu vakavavarira zvinhu izvi uye ndakaona kuti vainge vasisanyanyi kukoshesa zvinangwa zvokunamata. Ndakaonawo kuti vaivhiringidzika nematambudziko avaisangana nawo sezvavainyura muzvinhu zvenyika ino. Ini ndaida  kunyatsoshandisa uduku hwangu kushumira Jehovha.”

Racquel naPhillip

Essly akaitawo makosi aizomubatsira kuti awane basa rokuti azviriritire achipayona uye akabva atamira kunonyanya kudiwa vaparidzi voUmambo vakawanda. Akatoshingawo kudzidza mitauro yevanhu vechiOtomi uye vechiTlapaneco. Iye zvino, paanofunga zvaakaita mumakore matatu aaiparidza kunzvimbo dziri kwadzo dzoga, anoti: “Kushanda kunodiwa vaparidzi vakawanda kwaita kuti ndigutsikane uye ndive nechinangwa chaicho muupenyu. Chinonyanya kukosha ndechokuti kwaita kuti ukama hwangu naJehovha husimbe.” Phillip nemudzimai wake Racquel, vane makore okuma30 vanobva kuUnited States vanobvumirana nazvo. Vanoti, “Nyika iri kuchinja zvakanyanya zvokuti vakawanda vanonzwa sokuti upenyu hwavo hauna kugadzikana. Asi kushanda kwatichiri kuwana vanhu vakawanda vanoteerera shoko reBhaibheri kunoita kuti tive nechinangwa. Kunoita kuti tigutsikane chaizvo!”

KUKUNDA ZVIPINGAMUPINYI

Verónica

Ichokwadi kuti kushanda kunodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda kunewo matambudziko ako. Rimwe racho nderokuwana mari yokuzviriritira. Pakadaro, unofanira kuita zvinoenderana nekwauri kugara. Verónica, ane makore achipayona anoti: “Kumwe kwandakambopayona, ndaibika uye ndaitengesa zvokudya zvisingadhuri. Kumwewo, ndaitengesa hembe uye ndaigera misoro. Iye zvino ndinoita basa rokuchenesa imba uyewo ndinodzidzisa vabereki kuti vangakurukurirana sei nevana vavo.”

Hazvisi nyore kuti ujairane nemamwe mararamiro uye tsika kunyanya kana uchigara nezvidza zvemo munzvimbo iri kwayo yoga. Ndizvo zvakaitika kuna Phillip naRacquel pavaishanda mundima ine vanhu vanotaura chiNahuatl. “Tsika dzavo dzainge dzakasiyana nekure nedzedu,” anodaro Phillip. Chii chakavabatsira kuti vachinje? “Taiisa pfungwa pazvinhu zvakanaka zvaiitwa nevanhu vechiNahuatl, kubatana kwemhuri dzavo, kuitirana zvinhu nemwoyo wose uye kuitirana mutsa.” Racquel anowedzera kuti: “Takadzidza zvakawanda nokugara ikoko uye nokushanda pamwe chete nehama nehanzvadzi dzomunzvimbo iyoyo.”

KUGADZIRIRA KWAUNGAITA

Kana uchida kunobatsira kundima dziri kwadzo dzoga ungagadzirira sei? Hama nehanzvadzi dzagara nebasa iri dzinoti: Usati watama, tanga kuita kuti upenyu hwako husava netwakawanda-wanda uye dzidza kugutsikana. (VaF. 4:11, 12) Zvii zvimwe zvaungaita? Leticia anoti: “Ndaisabvuma mabasa aizoita kuti ndigare munzvimbo imwe chete kwenguva yakareba. Ndaida kuti nditame chero pandaida ndichienda chero kwandaida.” Hermilo anoti: “Ndakadzidzira kubika, kuwacha nokuaina.” Verónica anoti: “Ndichiri kugara pamba nevabereki uye nevamwe vana, ndaichenesa imba uye ndakadzidza kubika zvokudya zvine utano asi zvisingadhuri. Ndakadzidzawo kuchengetedza mari.”

Amelia naLevi

Levi naAmelia vokuUnited States uye vava nemakore masere vakaroorana vanotaura kubatsirwa kwavakaitwa neminyengetero yainyatsodudza zvavaida kuti vagadzirire kunoshumira kuMexico. Levi anoti: “Takanyora pasi mari yataida kuti tinoshumira tiri kune imwe nyika kwegore uye takanyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire kuwana mari yacho chaiyo.” Pasina mwedzi yakawanda, vakakwanisa kuwana mari yavainge vataura nezvayo mumunyengetero wavo uye vakabva vangotama. Levi anoti: “Jehovha akaita zvatainge tanyatsokumbira saka zvainge zvasarira kwatiri.” Amelia anowedzera kuti: “Taifunga kuti taizogara kwegore chete asi tava nemakore manomwe tiri kuno uye hatisi kufunga zvokudzokera! Kugara kuno kuri kuita kuti tinyatsoona kubatsirwa kwatinoitwa naJehovha. Zuva nezuva tinoona uchapupu hwokuti akanaka.”

Adam naJennifer

Munyengetero wakabatsirawo chaizvo Adam nemudzimai wake Jennifer, vokuUnited States, vari kushumira mundima inotaura Chirungu muMexico. Vanokurudzira kuti: “Usamirire kuti zvinhu zvitange zvanaka. Taurawo nezvechido chako chokunoshumira kune imwe nyika uchinyengetera uye ita zvinoenderana neminyengetero yako. Ita kuti upenyu hwako husava netwakawanda-wanda, nyorera bazi riri munyika yaunoda kunoshumira uye ona kana zvichiita, wobva watama!” * Kana ukadaro, uchava noupenyu hunofadza uye hwakapfuma pakunamata.

^ ndima 21 Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya inoti “‘Ungayambukira kuMakedhoniya’ Here?” iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 2011.