Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kutenda Kuti Kune Utatu Here Kuti Uve muKristu?

Unofanira Kutenda Kuti Kune Utatu Here Kuti Uve muKristu?

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Unofanira Kutenda Kuti Kune Utatu Here Kuti Uve muKristu?

▪ Rimwe bhuku rekuchikoro chesekondari rinonzi World Religions in Denmark, rakabudiswa muna 2007, rakarondedzera Zvapupu zvaJehovha richiti iboka rine vaKristu vashoma vanonyatsotevedzera Bhaibheri. Kutaura zvazviri, Zvapupu zvaJehovha isangano rechiKristu riri panhamba yechitatu pakukura pane ari muDenmark.

Zvisinei, mumwe mufundisi weDanish National Church akatsoropodza chaizvo zvakaitwa nomunyori uyu zvokunyora Zvapupu mubhuku rake. Nei? Mufundisi wacho akati, “Handisati ndaona mufundisi anoona [Zvapupu zvaJehovha] sevaKristu. Zvinoramba kuti kune Utatu, iri dzidziso yakabata chitendero chevaKristu.”

Munyori webhuku racho, muongorori wezvitendero anonzi Annika Hvithama, akati vanhu pavanobvunzwa kuti nei vachiti vaKristu, kashoma kuti vapindure vachiti vanotenda kuti Mwari Utatu. Uyezve, chimwe chikamu chiri mubhuku racho chine musoro unoti “Uri MuKristu Here?” chinoti: “Dzidziso yoUtatu ndeimwe inonetsa zvikuru kunzwisisa muchitendero chechiKristu.” Rinotizve: “Nguva dzose, zvave zvakaoma kutsanangurira vaKristu vasina kudzidza kuti nei Mwari wevaKristu achingori mwari mumwe chete uye asiri vanamwari vatatu.”

Zvinodzidziswa neBhaibheri nezvaMwari naJesu zvakajeka uye zviri nyore. Hazvina kuoma kunzwisisa. Shoko rokuti “Utatu” kana dzidziso yacho hazvitombowaniki muShoko raMwari. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti Jesu Kristu Mwanakomana wedangwe waMwari. (VaKorose 1:15) Rinotiwo Jesu ndiye “murevereri mumwe chete pakati paMwari nevanhu.” (1 Timoti 2:5) NezvaBaba, Bhaibheri rinoti: “Imi, mune zita rokuti Jehovha, Imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”—Pisarema 83:18.

Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti zvinokosha kutenda muna Jesu. (Johani 3:16) Ndosaka zvichikoshesa chaizvo murayiro waJesu wokuti: “Zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.’” (Mateu 4:10) Chokwadi, munhu anoedza kuteerera mirayiro yaJesu anganzi muKristu.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

“Dzidziso yoUtatu ndeimwe inonetsa zvikuru kunzwisisa muchitendero chechiKristu.”