Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 Dzidza Kubva muShoko raMwari

Zvingaita Here Kuti Urarame Nokusingaperi?

Zvingaita Here Kuti Urarame Nokusingaperi?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo yaungava nayo uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Nei tichinzwa sokuti upenyu hwedu hupfupi?

Dzimwe hamba dzinorarama kwemakore 150,[1] uye mimwe miti kwemakore 3000.[2] Asi upenyu hwevanhu hupfupi chaizvo. Kunyange zvakadaro, upenyu hwedu hunogona kunakidza chaizvo kupfuura hwehamba kana kuti hwomuti. Jehovha Mwari akasika vanhu vachikwanisa kunakidzwa nemimhanzi, mitambo, kudya, kudzidza, nzendo, uye kuonana nevanhu. Mwari akatisika tiine chido chokurarama nokusingaperi.—Verenga Muparidzi 3:11.

2. Ichokwadi here kuti tinogona kurarama nokusingaperi?

Jehovha anorarama nokusingaperi. Haafi. Ndiye akatipa upenyu, saka anogona kupawo vanhu upenyu husingaperi. (Pisarema 36:9; Habhakuki 1:12) Uyezve, akavimbisa kupa vaya vanomuteerera upenyu husingaperi. Achaita kuti vanhu vasakwegura.—Verenga Jobho 33:24, 25; Isaya 25:8; 33:24.

Jesu akaratidza nemabasa ake esimba kuti tinogona kuvimba nevimbiso yaMwari yokuti tichararama nokusingaperi tiine utano hwakanaka. Akarapa zvirwere zvakawanda uye akatomutsa vakafa.—Verenga Ruka 7:11-15, 18, 19, 22.

 3. Vanhu vachararama upenyu husingaperi rini?

Mwari anoda kuti tirarame nokusingaperi muparadhiso pasi pano panenge pasisina udzvinyiriri nokurwisana. Anoda kuti tinzwe tisina chokutya. (Pisarema 37:9, 29; Isaya 65:21, 22) Nyika paichaitwa Paradhiso, mamiriyoni akafa achamutswa. Pavanhu vanenge vamutswa, vaya vanosarudza kunamata Mwari uye kumuteerera vachararama nokusingaperi.—Verenga Ruka 23:42, 43; Johani 5:28, 29.

4. Tingawana sei upenyu husingaperi?

Kuziva Mwari kushandira zviripo

Mwari chete ndiye anogona kutipa upenyu husingaperi. Saka zvakanaka kuti timuzive izvo zvichaita kuti tiswedere pedyo naye. Bhaibheri rinofananidza kuwana zivo yaMwari nokudya. (Mateu 4:4) Zvokudya zvinonaka, asi kuzviwana uye kuzvibika kunotoda kushanda nesimba. Saizvozvowo kuwana zivo yaMwari kunoda kushanda nesimba. Asi pane chinhu chingabatsira kupfuura kuswedera pedyo naMwari wowana upenyu husingaperi here?—Verenga Ruka 13:23, 24; Johani 6:27; 17:3.