Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 Dzidza Kubva muShoko raMwari

Chii Chichaitika paZuva Rokutongwa?

Chii Chichaitika paZuva Rokutongwa?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo yaungava nayo uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Chii chinonzi Zuva Rokutongwa?

Sezviri pamufananidzo uri kurudyi, vakawanda vanofunga kuti paZuva Rokutongwa mweya yemabhiriyoni evanhu ichamira pamberi pechigaro chaMwari, votongwa zvinoenderana nezvaiitwa nemunhu wacho, vamwe vachipiwa mubayiro wokurarama kudenga, vamwe vachipiswa mugehena. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti chinangwa cheZuva Rokutongwa ndechokununura vanhu pamatambudziko avo. (Pisarema 96:13) Mwari akasarudza Jesu kuti ave Mutongi achaita kuti matambudziko evanhu apere.—Verenga Isaya 11:1-5; Mabasa 17:31.

2. Zuva Rokutongwa richagadzirisa sei matambudziko evanhu?

Munhu wokutanga Adhamu paakatadzira Mwari nemaune, akaita kuti vana vake vose vave nechivi, vatambure uye vafe. (VaRoma 5:12) Kuti Jesu agadzirise matambudziko aya, achamutsa mabhiriyoni evanhu vakafa. Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti izvi zvichaitika Kristu Jesu paanenge achitonga kwemakore 1 000.—Verenga Zvakazarurwa 20:4, 11, 12.

Vanhu vanenge vamutswa havazotongerwi zvavakaita vasati vafa asi zvavachaita pachavhurwa “mipumburu” inotaurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 20. (VaRoma 6:7) Muapostora Pauro akati pavanhu vachamutswa vopiwa mukana wokudzidza nezvaMwari pachange paine ‘vakarurama nevasina kururama.’—Verenga Mabasa 24:15.

 3. Chii chichaitika paZuva Rokutongwa?

Vanhu vakafa vasina kumbodzidza nezvaJehovha Mwari kuti vamushumire vachapiwa mukana wokuti vachinje vaite zvakanaka. Kana vakachinja, zvinoreva kuti “vachamukira upenyu.” Asiwo vamwe vanenge vamutswa vacharamba kudzidza nezvaJehovha. Ava ndivo “vachamukira kutongwa.”—Verenga Johani 5:28, 29; Isaya 26:10; 65:20.

Pachapera Zuva Rokutongwa iro rakareba makore 1 000, Jehovha achange abvisa chivi pavanhu vanoteerera voita sezvainge zvakaita vanhu pakutanga. (1 VaKorinde 15:24-28) Iyi itarisiro yakanaka chaizvo kune vose vanoteerera. Mumuedzo wokupedzisira, Mwari achabudisa Satani Dhiyabhorosi mugomba rakadzika-dzika raachange akavharirwa kwemakore 1 000. Satani achaedzazve kutsausa vanhu pana Jehovha, asi vaya vachamukunda vachanakidzwa nokurarama nokusingaperi pasi pano.—Verenga Isaya 25:8; Zvakazarurwa 20:7-9.

4. Nderipi rimwe zuva rokutongwa richabatsira vanhu?

Bhaibheri rinoshandisawo mashoko okuti “zuva rokutongwa” richireva zvichaitika pachaguma mamiriro ezvinhu epanguva ino. Zuva iri rokutongwa richangoerekana rauya sezvakaita Mafashamo emuzuva raNoa ayo akatsvaira vanhu vose vakaipa. Asi zvinofadza kuti kuparadzwa “kwevanhu vasingadi Mwari” uko kwava kuda kuitika kuchaita kuti pave nenyika itsva ichange ‘iine kururama.’—Verenga 2 Petro 3:6, 7, 13.