Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Vanhu vaishandisa zvinyoreso neingi zvakaita sei munguva dzinotaurwa muBhaibheri?

Zvinyoreso zvetsanga zvokuIjipiti, munenge munguva yevaapostora vaJesu

Pakupedzisa imwe yetsamba dzake nhatu dziri muBhaibheri, muapostora Johani akanyora kuti: “Ndaiva nezvinhu zvizhinji zvokukunyorera, asi handidi kuramba ndichikunyorera neingi nepeni.” Kana mashoko echiGiriki aakashandisa akashandurwa sezvaari, anoratidza kuti Johani akanga asisadi kuramba achinyora ‘neingi tema netsanga.’—3 Johani 13, The Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures.

Chinyoreso chaishandiswa nevanyori chaigadzirwa netsanga yakaoma. Tsanga yacho yaichekwa kune rimwe divi zvokuti yaisara yakapinza, yobva yatsemurwa zvishoma kwakapinza kwacho. Munyori aigona kurodza kamuromo kacho achikakwesha nedombo. Tsanga yacho yainge yakafanana nechinyoreso chemazuva ano chinodirwa ingi kana yapera uye chine kamuromo kesimbi (fountain pen).

Ingi dzakawanda dzaigadzirwa nechin’ai chaisanganiswa neguruu remuti iro raiita kuti zvibatane. Ingi yacho yaitengeswa yakaoma uye yaizosanganiswa nemvura isati yashandiswa. Ingi yacho yakanga isinganwiriri kana ikanyorwa pamupumburu wenhokwe kana dehwe. Saka zvaiva nyore kuti munyori adzime paainge akanganisa achishandisa chipanji chakanyorova icho chinogona kunge chaiva chimwe chezvinhu zvaaigara achishandisa. Izvi zvinojekesa zvingava zvaifungwa nevanyori veBhaibheri pavakataura nezvekudzimwa kwemazita kana kuti kubviswa mubhuku raMwari roupenyu.—Eksodho 32:32, 33; Zvakazarurwa 3:5.

Muapostora Pauro aigadzira matende akaita sei?

Zvaishandiswa pakusona anenge makore 1 900 apfuura

Mabasa 18:3 inoti muapostora Pauro aiita basa rokugadzira matende. Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, vagadziri vematende vairuka mvere dzembudzi nedzengamera kuti vagadzire tumicheka. Vaibva vabatanidza tumicheka twacho votusona kuita matende ayo aizoshandiswa nevanhu vaiva parwendo. Zvisinei, matende akawanda epanguva iyoyo aigadzirwa nematehwe. Mamwe acho aigadzirwa nerineni iyo yaigadzirwa mutaundi rokumusha kwaPauro rainzi Taso. Pauro anofanira kunge aigadzira matende achishandisa zvimwe zvezvinhu izvi kana kuti zvose zvazvo. Asi paaishanda naAkwira, Pauro anofanira kunge aigadzira mucheka werineni waishandiswa semumvuri muzvivanze zvomukati zvedzimba.

Pauro anofanira kunge akadzidza basa iri achiri muduku. Mipumburu yenhokwe yokuIjipiti inoratidza kuti panguva yaitonga Roma, vechiduku vaiva muIjipiti vaitanga kudzidziswa mabasa emaoko vaine makore 13. Kana Pauro aiva nemakore 13 paakatanga kugadzira matende, zvinoreva kuti paakasvitsa makore 15 kana 16, anofanira kunge akanga ava nounyanzvi hwokucheka micheka yaaishandisa achiisona zvakasiyana-siyana achishandisa zvokusonesa zvakasiyana-siyana. Bhuku rinonzi The Social Context of Paul’s Ministry rinoti: “Pauro anofanira kunge akapiwa maturusi okushandisa paakapedza kudzidziswa basa.” Bhuku iri rinotiwo: “Sezvo basa iri raingoda mapanga nezvokusonesa chete, munhu aigona kuriita ari chero kwaaiva.” Saka Pauro aigona kuita basa iri somumishinari kuti awane chokurarama nacho.

WEB:OnSiteAdTitleWaizviziva Here?​—⁠November 2012