Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 Mazano Okuti Mhuri Ifare

Zvamungaita Kana Mune Chikwereti

Zvamungaita Kana Mune Chikwereti

Giannis * anoti: “Bhizimisi rangu rakabhuroka panguva yainetsa zvoupfumi kuGreece, saka takanga tisisakwanisi kubhadhara zvimwe zvaidiwa nguva dzose pamba uye zvikwereti zvedu. Zvaindidya mwoyo zvokuti ndaitadza kurara.”

Katerina anoti: “Taida chaizvo imba yedu yataigara yatakanga tavaka uye zvaindirwadza kufunga kuti takanga tava kurasikirwa nayo. Ini naGiannis taigara tichipopotedzana nenyaya yokuti tobhadhara sei zvikwereti zvedu.”

CHIKWERETI chinogona kuita kuti mhuri isawirirana kana kuti iparare. Somuenzaniso, mumwe mutsvakurudzi anonzi Jeffrey Dew akaona kuti vakaroorana vane zvikwereti havanyanyi kupedza nguva yakawanda vari vose, vanogara vachingorwisana uye havafari. Vanhu vanopedza nguva yakawanda vachinetsana nenyaya dzezvikwereti nemari kupfuura zvavanoita pane dzimwewo nyaya. Kunetsana kwacho kunoitawo kuti vanhu vagare vachitukana nokurovana uye vagume vava kunetsana nedzimwewo nyaya. Saka hazvishamisi kuti muUnited States, kusawirirana panyaya dzemari ndiko kunonyanya kuita kuti vanhu varambane.

Zvikwereti zvakakura zvinokanganisawo utano hwomunhu, zvichikonzera zvirwere zvakadai sokushaya hope, kutemwa nomusoro, kurwadzirwa nomudumbu, chirwere chemwoyo uye chokushungurudzika chinonzi depression. Mumwe mukadzi anonzi Marta anoti: “Murume wangu Luís aizvidya mwoyo chaizvo nechikwereti chedu zvokuti aingoswera akarara. Akanga asisina zvaaikwanisa kuita.” Vamwe vanokurirwa nokushungurudzika kwacho. Somuenzaniso, nhepfenyuro yeBBC yakati mumwe mukadzi wokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweIndia akazviuraya mushure mokunge atadza kubha- dhara zvikwereti zvaisvika US$840. Akanga akwereta  mari yacho kuti abhadharire vana vake vaida kurapwa.

Ungaita sei kana mhuri yako iine chikwereti? Ngatimbokurukurai matambudziko anowanzosangana nevakaroorana vanenge vaine chikwereti uye mazano eBhaibheri angakubatsira kuagadzirisa.

DAMBUDZIKO ROKUTANGA: Tinonakurirana nyoka mhenyu.

Lukasz anoti: “Ndakatanga kupa mudzimai wangu mhosva ndichiti aitambisa mari, iyewo achiti mari yedu ingadai yaikwana dai ndaishanda gore rose.” Murume nomudzimai vangaita sei kuti vasanetsana nemhaka yezvikwereti?

Zvamungaita kuti mubudirire: Shandai pamwe chete kuti mubhadhare chikwereti chacho.

Kushatirirwa mumwe wako hakuna zvakunobatsira, kunyange kana ariye akaita kuti chikwereti chacho chivepo. Iyi ndiyo nguva yakanyatsokodzera yokuita zvinotaurwa muBhaibheri pana VaEfeso 4:31 iyo inoti: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose.”

Musarwisana, asi rwisai chikwereti. Mumwe murume anonzi Stephanos akarondedzera mashandiro aaiita pamwe nomudzimai wake achiti: “Taiona chikwereti chedu somuvengi wedu tose.” Kushanda pamwe chete kwakadaro kunoenderana naZvirevo 13:10 iyo inoti: “Munhu anokonzera kukakavara nokuda kwokuzvikudza, asi vaya vanorangana vane uchenjeri.” Pane kuzvikudza woedza kugadzirisa dambudziko racho woga, tauriranai muchibudirana pachena nezvedambudziko racho remari, morigadzirisa pamwe chete.

Vana venyu vanogonawo kukubatsirai. Vamwe baba vanonzi Edgardo vokuArgentina vanorondedzera zvakaitika kumhuri yavo vachiti: “Mwanakomana wangu aida bhasikoro idzva, asi takamutsanangurira kuti sei takanga tisingakwanisi kumutengera. Takamupa raimbova rasekuru vake uye ainakidzwa chaizvo nokurichovha. Ndakadzidza kuti zvinokosha kushanda pamwe chete semhuri.”

EDZAI IZVI: Rongai nguva yokutaurirana nezvechikwereti chenyu makadzikama. Bvumai pamungave makakanganisa. Asi pane kuramba muchingotaura nezvezvakatoitika, edzai kubvumirana pazvinhu zvichakubatsirai pakuronga nyaya dzemari mune ramangwana.—Pisarema 37:21; Ruka 12:15.

DAMBUDZIKO RECHIPIRI: Zvinoita sokuti tiri kutadza kubhadhara chikwereti.

“Bhizimisi rangu rakaita kuti ndipedzisire ndava nechikwereti chakakura uye kuoma kwezvoupfumi kwakaitika muArgentina kwakaita kuti zvitonyanya kuoma,” anodaro Enrique. “Panguva iyoyo mudzimai wangu aifanira kuvhiyiwa. Ndaiona sokuti ndaizoramba ndiri munhu wechikwereti, ndichiita sokunge ndabatwa mumambure edandemutande.” Mumwe murume wokuBrazil anonzi Roberto akarasikirwa nemari yake yose mubhizimisi raaiita uye akanga ava nechikwereti kumabhengi 12. Anoti: “Ndainyara chaizvo kuonana neshamwari dzangu. Ndaizviona semunhu akundikana.”

Mungaita sei kana chikwereti chenyu chichiita kuti munetseke, muzvipe mhosva uye munyare?

Zvamungaita kuti mubudirire: Onai kuti mari yenyu iri kufamba sei.

 *

1. Zivai kuti bhajeti yenyu iri kufamba sei. Kwemavhiki maviri kana kuti mwedzi wose kana zvichiita, nyorai pasi mari yose yamuri kuwana neyamuri kushandisa. Nyoraiwo mari yamungaisa padivi mwedzi woga woga yezvinhu zvamusingagari muchibhadhara zvakadai semitero, inishuwarenzi kana kuti zvokupfeka.

2. Wedzerai mari yamunowana. Munogona kuita mabasa okuwedzera akadai sokudzidzisa vana vechikoro uri kumba, kutsvairira vanhu misha yavo, kushanda mugadheni, kurima miriwo, kuruka musoro, kugeza motokari, uye kufudza mombe nezvimwewo. Mashoko enyevero: Ngwarirai kuti basa renyu risavhiringidza zvinhu zvinonyanya kukosha zvakadai sepurogiramu yenyu yokunamata.

Tsvakai nzira dzinobatsira dzokupedza nadzo chikwereti semhuri

3. Deredzai mari yamunoshandisa. Musangotenga chinhu nokuti chiri pasero asi nokuti muri kuda kuchishandisa. (Zvirevo 21:5) Enrique ambotaurwa anoti: “Zvakanaka kusangomhanyira kutenga chimwe chinhu nokuti zvinokupa nguva yokuti uone kuti uchachishandisa here kana kuti unongochidawo hako.” Ona mamwe mazano anotevera.

  •   Pokugara: Kana zvichiita, tamirai muimba isingadhuri rendi. Musatambisa magetsi nemvura kuitira kuti musazobhadhara mari yakawanda.
  • Zvokudya: Takurai mbuva pane kungogara muchitenga zvokudya zvakabikwa kare. Pamunotenga zvamuchabika kumba, tengai kusingadhuri. “Ndinochengetedza mari kana ndikatenga michero nemiriwo pamisika panguva yavanenge vava kuda kuvhara,” anodaro Joelma, wokuBrazil.
  • Chifambiso: Tengesai motokari dzamusingashandisi, mochengetedza yamunayo pane kungomhanyira kutenga dzichangoburwa. Shandisai zvifambiso zvevoruzhinji kana kutoita zvokufamba kana zvichiita.

Kana mukaderedza mari yamunoshandisa, zvichaita kuti musare neimwe yokushandisa pane zvimwe zvinhu.

4. Ongororai chikwereti chenyu moona zvokuita. Chokutanga, onai kuti pachikwereti choga choga pane marii yechimbadzo uye kuti imarii yamunochajwa kana mukanonoka kana kutadza kubhadhara. Nyatsoongororai zvakanyorwa pamapepa emari yamunenge makwereta nokuti vamwe vanokweretesa vanoita zvechitsotsi. Somuenzaniso, vamwe vanoita zvokukweretesa vokuUnited States vakataura kuti chimbadzo chavo chaiva 24 muzana asi icho chiri 400 muzana.

Chechipiri, rongai zvikwereti zvamuchatanga kubhadhara. Munogona kutanga nokubhadhara chikwereti chine mari yechimbadzo yakawanda. Munogonawo kutanga nokupedzisa kubhadhara zvikwereti zviduku nokuti izvozvo zvinoita kuti mugamuchire bhiri rezvinhu zvishoma panopera mwedzi, zvoitawo kuti muve nechivimbo chokuti muri kubudirira. Kana muine zvikwereti zvine chimbadzo chakakura, zvingabatsira kana mukakwereta imwe mari ine chimbadzo chishoma kuti mubhadhare zvikwereti zvamagara munazvo.

Chokupedzisira, kana musingakwanisi kubhadhara chikwereti, edzai kutaurirana dzimwe nzira dzokubhadhara nadzo nevacho vamakakwereta. Munogona kukumbira kuwedzerwa mazuva okubhadhara kana kuti kudzikisirwa chimbadzo. Vamwe vakweretesi vanogona kutokuderedzerai zvikwereti kana mukavabhadhara chikwereti chiduku chose. Taurai chokwadi uye ivai noruremekedzo pamunenge muchitsanangura mamiriro ehomwe yenyu. (VaKorose 4:6; VaHebheru 13:18) Nyoreranai pasi zvamunenge mawirirana. Kana mukakumbira kokutanga zvikaramba, rambai muchingoedza.—Zvirevo 6:1-5.

Asiwo munofanira kuona zvinhu sezvazviri pamunenge muchironga mashandisiro amunoita mari. Kunyange mukaronga zvinonwisa mvura sei, pane zvinhu zvamusingagoni kudzivisa zvinogona kuita kuti zvinhu zviende musango, nokuti kazhinji mari “inomera mapapiro seegondo yobhururuka ichienda kumatenga.”—Zvirevo 23:4, 5.

EDZAI IZVI: Kana mangoronga bhajeti, tauriranai zvamungaita kuti muchengetedze mari kana kuti kuwedzera yamunowana. Pamunoona mumwe nomumwe wenyu achirwisa zvakasimba, zvinokubatsirai kuti mushandire pamwe pakurwisa chikwereti.

  DAMBUDZIKO RECHITATU: Tava kungonyanya kufunga nezvechikwereti.

Kurwisana nechikwereti kunogona kuita kuti musafunga zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu. Mumwe murume anonzi Georgios anoti: “Dambudziko guru raiva rokuti hapana chimwe chataifunga kunze kwezvikwereti. Takanga tava kuisa zvinhu zvinokosha padivi.”

Zvamungaita kuti mubudirire: Ivai nemaonero akanaka panyaya dzemari.

Pasinei nokuti muri kuedza nepose pamunogona napo, mungapedza makore akawanda muchingobhadhara chikwereti. Panguva iyi, munogona kugadzirisa maonero enyu. Pane kunyanya kufunga nezvemari kana kuishaya kwatingava tichiita, zvakanaka kuti titeerere zano reBhaibheri rokuti: “Kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Timoti 6:8

Kugutsikana kunoita kuti muwane mufaro usingawaniki pakuva nepfuma

Kugutsikana nemari yamunayo kunoita kuti “muve nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.” (VaFiripi 1:10) “Zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe” zvinosanganisira ushamwari hwenyu naMwari uye nevemumhuri menyu. Georgios ambotaurwa anoti: “Hatisati tapedza kubhadhara zvikwereti zvedu asi handizvo zvatichiri kunyanya kufunga muupenyu hwedu. Ini nomudzimai wangu tava kufara nokuti tiri kuwana nguva yakawanda tichiita zvinhu zvokunamata, nevana vedu uye somurume nomudzimai.”

EDZAI IZVI: Nyorai pasi zvinhu zvinokosha kwamuri zvisingagoni kutengwa nemari. Zvadaro rongai kuti mungawedzera sei nguva nesimba ramunopedza muchiita chimwe nechimwe chezvinhu izvozvo.

Zvikwereti zvinoita kuti munhu azvidye mwoyo uye kuzvibhadhara kunoda kuzvipira, asi munenge muchishandira zviripo. Mumwe murume anonzi Andrzej wokuPoland anoti: “Pandakaziva kuti mudzimai wangu akanga asainira mumwe mukadzi waaishanda naye kuti apiwe chikwereti chakakura, mukadzi wacho achibva atiza asina kuchibhadhara, zvinhu hazvina kuzombomira zvakanaka mumba medu.” Paanofunga zvaakaita nomudzimai wake, Andrzej anoti: “Takatowedzera kubatana, kwete nokuti taiva nedambudziko asi nokuti takaita maonerapamwe kuti tirigadzirise.”

^ ndima 3 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

^ ndima 17 Kana uchida mamwe mazano, ona Awake! yaSeptember 2011 ine musoro unoti: “How to Manage Money,” kana kuti nyaya inoti “Zvaungaita Kuti Urarame Zvinoenderana Nehomwe Yako” iri muNharireyomurindi yaJune 1, 2011, dzakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

  • Ndingaita sei kuti mhuri yangu ikwanise kubhadhara chikwereti?
  • Tingaita sei kuti tisagara tichifunga nezvechikwereti uye kuti chisakanganisa ukama hwangu newandakaroorana naye?