Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mwari anoteerera minyengetero yose here?

Mwari anoteerera vanhu vemarudzi ose. (Pisarema 145:18, 19) Shoko rake, Bhaibheri rinotikurudzira kutaura naye kana paine chero chiri kutinetsa. (VaFiripi 4:6, 7) Asi pane mimwe minyengetero isingafarirwi naMwari. Somuenzaniso kuita minyengetero yokungodzokorora nomusoro hakufarirwi naMwari.—Verenga Mateu 6:7.

Jehovha haafaririwo minyengetero yevanhu vasingateereri mitemo yake vachitoziva havo. (Zvirevo 28:9) Somuenzaniso, munguva dzinotaurwa muBhaibheri, Mwari akaramba kuteerera minyengetero yevaIsraeri vaiva nemhosva dzekuponda. Zviri pachena kuti pane zvatinotofanira kuita kuti Mwari atinzwe.—Verenga Isaya 1:15.

Tinofanira kuitei kuti Mwari atinzwe?

Hazviite kuti tinyengetere kuna Mwari kana tisina kutenda. (Jakobho 1:5, 6) Tinofanira kunyatsova nechivimbo chakasimba chokuti ariko uye kuti ane hanya nesu. Tinogona kusimbisa kutenda kwedu kuburikidza nokudzidza Bhaibheri, nokuti ndiro rine uchapupu nevimbiso zvinoita kuti tive nekutenda kwechokwadi.—Verenga VaHebheru 11:1, 6.

Tinofanira kunyengetera nemwoyo wose tichizvininipisa. Kunyange Jesu Mwanakomana waMwari aizvininipisa paainyengetera. (Ruka 22:41, 42) Saka pane kuti tiudze Mwari zvokuita, tinofanira kuverenga Bhaibheri tonzwisisa zvaanoda kuti tiite. Tikadaro tinenge tava kukwanisa kunyengetera maererano nezvinodiwa naMwari.—Verenga 1 Johani 5:14.