Enda pane zvauri kuda

Kutenda Uye Kunamata

Zvechitendero

Ndinokwanisa Kuva Shamwari yaMwari Ndisina Chechi Yandinopinda Here?

Ona zvinhu 3 zvinokubatsira kuti uve neushamwari naMwari uye zvinhu 4 zvinofungwa nevamwe nezvenyaya iyi.

Zvine Basa Here Kuti Munhu Ave Nechechi Yaanopinda?

Zvinoita here kuti munhu angonamata Mwari ari oga asingaendi kuchechi?

Nei Kuine Machechi Akawanda?

Jesu ndozvaaida here kuti kuve nemachechi akawanda?

Ndingaziva Sei Chechi Yechokwadi?

Bhaibheri rinotaura zvinhu 9 zvinoratidza kuti chechi yechokwadi ndeipi.

Ndiani Anopesana naKristu?

Ari kuuya here, kana kuti atoripo?

Zvinorevei Kuva Mutsvene?

Vanhu vane chivi vanogona kuva vatsvene here?

Munyengetero

Mwari Anondinzwa Here Kana Ndikanyengetera?

Mwari ane hanya nematambudziko edu here?

Sei Ndichifanira Kunyengetera? Mwari Achandinzwa Here?

Zvauchaita ndizvo zvichatema kuti munyengetero wako uchanzwiwa here kana kuti kwete.

Chii Chandinganyengetera Nezvacho?

Ona kuti sei tisingafaniri kufunga kuti Mwari haanei nezviri kunetsa munhu mumwe nemumwe.

Sei Uchifanira Kunyengetera Nomuzita raJesu?

Ona kuti kunyengetera nomuzita raJesu kunoratidza sei kuti munhu unokudza Baba, uye sei kuita izvozvo kuchiratidza kukudza Jesu.

Ndinofanira Kunyengetera Kuvasande Here?

Ona kuti Bhaibheri rinoti tinofanira kunyengetera kunaani.

Nei Mwari Asinganzwi Mimwe Minyengetero?

Ona kuti minyengetero yakaita sei isingapindurwi naMwari uye kuti vanhu vaasingateereri.

Kuponeswa

Kungotenda Muna Jesu Ndiko Kwega Kunodiwa Kuti Munhu Aponeswe Here?

Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vaitenda muna Jesu asi vasingazoponeswi. Nemhaka yei?

Chii Chinonzi Ruponeso?

Ndeipi nzira yeruponeso? Uye munhu anomboponeswa pachii?

Jesu Anoponesa Sei?

Nei tichida kuti Jesu ateterere nekuda kwedu? Kutenda muna Jesu ndiko chete here kunoita kuti tiponeswe?

Jesu Akafirei?

Kana rufu rwake ruchitibatsira, runonyatsotibatsira sei?

Chibayiro chaJesu ‘Chinodzikinura Sei Vazhinji’?

Rudzikinuro runoita sei kuti tinunurwe pachivi?

Chii Chinonzi Kubhabhatidzwa?

Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vakawanda vakabhabhatidzwa vachiita zvekunyudzwa mumvura kuratidza zvinorehwa nekubhabhatidzwa uye kukosha kwakunoita.

Chii Chinonzi Kuberekwazve?

Unofanira kutanga waberekwazve here kuti uzova muKristu?

Chivi Uye Kuregererwa

Chivi Chekutanga Chaiva Chii?

Adhamu naEvha havana kuteerera Mwari uye vakapfuudza chivi kuvana vavo.

Chii Chinonzi Chivi?

Pane zvivi zvakakura kupfuura zvimwe here?

Kukanganwira Kuita Sei?

Bhaibheri rine mazano 5 anokubatsira kuti uregerere mumwe munhu.

Mwari Achandikanganwira Here?

Verenga unzwe kuti Bhaibheri rinoti munhu anofanira kuita sei kuti Mwari amukanganwire.

Bhaibheri Rinogona Kunyaradza Vaya Vari Kuzvipa Mhosva Here?

Kunyanya kuzvipa mhosva kunogona kukushayisa mufaro, asi pane zvinhu zvitatu zvaunogona kuita zvinogona kukubatsira.

Pane “Zvivi Zvinomwe Zvakaipisisa” Here?

Pfungwa iyi yakabvepi? Uye chivi chinounza rufu chakasiyana papi nechivi chisingakonzeri rufu?

Chii Chinonzi Chivi Chisingaregererwi?

Ungaziva sei kana wakaita chivi chisingaregererwi?

Zvinomborevei Kuti “Ziso Rinotsiviwa Neziso”?

Murayiro wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” unokurudzira kuti vanhu varange zvisiri pamutemo vanhu vanenge vapara mhosva here?

Bhaibheri Rinoti Chii Nezvedoro? Pane Chakaipa Here Nekurinwa?

Bhaibheri rinototaura zvakanakira waini nedoro.

Kusvuta Kwakaipa Here?

Mubvunzo uyu ungapindurwa sei iro Bhaibheri risingatauri nezvekusvuta?

Mwari Anoti Kudii Panyaya Yekubheja?

Bhaibheri harina parinonyatsotaura nezvekubheja, saka tingaziva sei kuti Mwari anoti kudii panyaya iyi?

Manamatiro Ezvitendero

Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Chegumi?

Unogona kushamiswa nemusiyano wezvinotaurwa neBhaibheri nezvinofunga vamwe kuti ndizvo zvarinotaura.

Tinofanira Kunamata Zvifananidzo Here?

Mwari ane basa nazvo here kuti washandisa zvifananidzo kana zvidhori pakumunamata?

VaKristu Vanofanira Kuchengeta Sabata Here?

Kana vasingarichengeti, nei Bhaibheri richiti Sabata isungano isingaperi?

Bhaibheri Rinotii Nezvekutaura Nendimi?

VaKristu vechokwadi vanozivikanwa nekutaura nendimi here?

Bhaibheri Rinotii Nezvekutsanya?

Zvii zvaiita kuti vamwe vanotaurwa muBhaibheri vatsanye? VaKristu vanofanira kutsanya here?

Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupa?

Kupa kunofadza Mwari kwakaita sei?

Chii Chinonzi Mitemo Gumi yaMwari?

Ndivanaani vakaipiwa? VaKristu vanofanira kuichengeta here?