Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | HONDO YAKACHINJA NYIKA YOSE

Ndiani Anokonzera Hondo Uye Kutambura?

Ndiani Anokonzera Hondo Uye Kutambura?

Hondo Yenyika I yakaguma musi wa11 November, 1918. Mabhizimisi akavhara, uye vanhu vakatamba mumigwagwa vachifara. Asi mufaro wacho hauna kugara kwenguva refu. Rimwe dambudziko raitouraya kukunda pfuti rakatevera nguva pfupi pashure pehondo yenyika.

Masoja aiva kuFrance akabatwa nedenda rinouraya rinonzi Spanish flu muna June 1918. Pasina nguva refu, zvakaoneka kuti denda racho raiuraya. Somuenzaniso, mumwedzi mishomanana, rakauraya masoja ekuAmerica aiva kuFrance akawanda kupfuura akanga aurayiwa nevavengi. Uye masoja akanga abata chirwere chacho akaenda nacho kunyika dzawo, zvikaita kuti chipararire munyika yose nokukurumidza.

Kwakavawo nenzara uye kutambudzika mune zveupfumi mumakore akazotevera pashure pehondo. Nyika dzakawanda dzokuEurope dzaiva nenzara pakapera hondo muna 1918. Pakazosvika 1923, mari yokuGermany yakanga isisabatsiri. Pashure pemakore matanhatu, upfumi hwenyika yose hwakadzikira. Uye muna 1939, hondo yenyika yechipiri yakatanga uye zvaiita sokuti yaiva hondo yenyika yokutanga yakanga ichipfuurira. Chii chaimbokonzera matambudziko aya akatevedzana?

CHIRATIDZO CHEMAZUVA OKUPEDZISIRA

Uprofita hwemuBhaibheri hunotibatsira kuona zvakakonzera zvimwe zviitiko zvatinonzwa munhoroondo, kunyanya Hondo Yenyika I. Jesu Kristu akafanotaura nezvenguva apo ‘rudzi rwaizomukira rudzi’ uye munyika yose maizova nekushomeka kwezvokudya nematenda. (Mateu 24:3, 7; Ruka 21:10, 11) Akaudza vadzidzi vake kuti matambudziko akadaro aizoumba chiratidzo chemazuva okupedzisira. Tinowana mashoko akawanda mubhuku raZvakazarurwa iro rinoratidza kuti matambudziko epanyika anokonzerwa nehondo yakaitika kudenga.—Ona bhokisi rakanzi,  “Hondo Panyika Uye Hondo Kudenga.”

Bhuku racho rinotsanangura nezvevatasvi vemabhiza vana. Vatasvi vemabhiza vatatu vanoratidza matambudziko akangofanana neakanga afanotaurwa naJesu anoti, hondo, nzara, uye matenda. (Ona bhokisi rakanzi,  “Vatasvi Vemabhiza Vana Vari Kufamba Zvechokwadi Here?”) Zviri pachena kuti hondo yenyika yokutanga yakaita kuti pave nenguva yekutambudzika ichiri kungoenderera. Uye Bhaibheri rinoratidza kuti Satani ndiye akatanga zvose izvi. (1 Johani 5:19) Simba rake richazombogumiswa here?

Bhuku raZvakazarurwa rinotivimbisa kuti Satani angosarirwa ‘nenguva pfupi.’ (Zvakazarurwa 12:12) Ndokusaka akatsamwa zvikuru uye achionesa vanhu nhamo panyika. Asi matambudziko atiri kuona anoratidza kuti Satani apererwa nenguva.

KUPUTSA MABASA ADHIYABHOROSI

Hondo Yenyika I yakachinja nyika zvechokwadi. Yakaita kuti pave nehondo yenyika yose, kuchinjwa kwehurumende dzakawanda, uye yakaita kuti vanhu vasavimba nevatungamiriri vavo. Inonyatsoratidzawo kuti zvechokwadi Satani akadzingwa kudenga. (Zvakazarurwa 12:9) Uye mutongi wenyika uyu asingaoneki akabva aita semutongi ane utsinye anoziva kuti haasisina nguva. Nguva yake paichapera, matambudziko ose akakonzerwa neHondo Yenyika I achabva aguma.

Tichifunga nezveuprofita huri muBhaibheri, unogona kuva nechivimbo chekuti nokukurumidza Jesu Kristu, Mambo wedu wokudenga ‘achaputsa mabasa aDhiyabhorosi.’ (1 Johani 3:8) Vanhu vanosvika mamiriyoni akawanda vanotonyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye. Unohunyengetererawo here? Umambo ihwohwo huchaita kuti vanhu vakatendeka vaone kuda kwaMwari kuchiitwa panyika, kwete kwaSatani. (Mateu 6:9, 10) Umambo hwaMwari pahuchange hwava kutonga, hapazovizve nehondo yenyika yose, kana dzimwewo hondo zvachose! (Pisarema 46:9) Dzidza nezveUmambo ihwohwo, uye rarama uzoona nyika yose ichiva nerugare!—Isaya 9:6, 7.

^ ndima 20 Ona chitsauko 8 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.