Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | VAKAFA VACHARARAMAZVE HERE?

Vakafa Vachamuka Here?

Vakafa Vachamuka Here?

Vakafa vangararamazve here?

MHINDURO YEBHAIBHERI: “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake [Jesu], vobuda.”Johani 5:28, 29.

Nemashoko aya, Jesu aitaura nezvenguva yemberi muUmambo hwake, pachamutswa vaya vari mumakuva. Fernando, ambotaurwa munyaya yapfuura, anoti: “Ndakashamiswa pandakaverenga kekutanga rugwaro rwaJohani 5:28, 29. Izvi zvakaita kuti nditange kufunga nezveramangwana ndiine tariro.”

Murume akatendeka akararama kare ainzi Jobho aiva netariro yekuti kana akafa, Mwari aizomumutsa. Jobho akabvunza kuti: “Kana murume . . . akafa, angararamazve here?” Akabva apindura mubvunzo uyu nechivimbo achiti: “Ndichamirira mazuva ose ebasa rangu rokumanikidzirwa [nguva yaanenge ari muguva], kusvikira kusunungurwa kwangu kwauya. Muchashevedza, uye ini ndichakupindurai.”—Jobho 14:14, 15.

Kumutswa kwakaitwa Razaro kunotipa tariro yeramangwana

Marita hanzvadzi yaRazaro, aiziva nezverumuko. Razaro paakafa, Jesu akaudza Marita kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Akabva apindura kuti: “Ndinoziva kuti achamuka pakumuka pazuva rokupedzisira.” Jesu akabva amuudza kuti: “Ndini kumuka noupenyu. Anotenda mandiri, kunyange akazofa, achava mupenyu.” (Johani 11:23-25) Jesu akabva amutsa Razaro! Nyaya iyi inofadza uye inongova nzwisa yezvinhu zvikuru zvichaitika mune ramangwana. Chimbofunga hako vanhu vachimutswa seizvi munyika yose!

Pane vamwe vachamutswa kuti vararame kudenga here?

MHINDURO YEBHAIBHERI: Shoko raMwari rinotiudza kuti kumutswa kwaJesu kwakasiyana nekwevanhu 8 vanotaurwa muBhaibheri. Vanhu 8 ava vakamutswa vakatangazve kurarama panyika. Asi Bhaibheri richitaura nezverumuko rwaJesu rinoti: “Jesu Kristu . . . akaenda kudenga uye iye zvino ari kuruoko rworudyi rwaMwari.” (1 Petro 3:21, 22) Jesu ndiye ega aizomutswa kuti ararame upenyu hwekudenga here? Jesu ainge audza vaapostora vake kuti: “Kana ndikaenda, ndikakugadzirirai nzvimbo, ndichadzokazve uye ndichakugamuchirai kumba kwandinenge ndiri, kuti pandinenge ndiri imi muvepowo.”—Johani 14:3.

Kristu akaenda kudenga uye akanogadzirira vamwe vevadzidzi vake nzvimbo. Nhamba yevose vanomutsirwa kuenda kudenga ichazosvika 144 000. (Zvakazarurwa 14:1, 3) Asi vateveri ivavo vepedyo vaJesu vachanoitei ikoko?

Vanenge vaine basa rakakura! Magwaro anotiudza kuti: “Munhu ane mugove pakumuka kwokutanga anofara uye mutsvene; rufu rwechipiri haruna simba pana ivava, asi vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.” (Zvakazarurwa 20:6) Vanhu vanomutsirwa kudenga vachatonga nyika semadzimambo nevapristi naKristu.

Ndevapi vamwe vachazomutswa?

MHINDURO YEBHAIBHERI: Magwaro akafemerwa ane mashoko aya akataurwa nemuapostora Pauro ekuti: “Ndine tariro kuna Mwari, tariro iyo varume ava vanayowo, kuti kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”Mabasa 24:15.

Shoko raMwari rinoita kuti tive nechokwadi chekuti mabhiriyoni evakafa achamutswa

Ndevapi vamwe vachange vari muboka rakanzi naPauro vanhu “vakarurama”? Chimbofunga muenzaniso uyu. Murume akatendeka Dhanieri paakanga ava pedyo nekufa, akaudzwa kuti: “Uchazorora, asi uchazomukira mugove wako pachapera mazuva acho.” (Dhanieri 12:13) Dhanieri achamutswa kuti ararame kupi? “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Uye Jesu akataura kuti: “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateu 5:5) Dhanieri nevamwe varume nevakadzi vainge vakatendeka vachamutswa vaine mukana wekuzorarama nekusingaperi.

Ndevapi vamwe vachange vari muboka rakanzi naPauro vanhu “vasina kururama”? Aireva mabhiriyoni evanhu vakamborarama vakazofa, uye vakawanda vavo havana kumbobvira vawana mukana wekunzwisisa chokwadi cheBhaibheri uye kurarama maererano nacho. Pavachamutswa, vachakwanisa kusvika pakunyatsoziva Jehovha * naJesu. (Johani 17:3) Vose vanosarudza kushumira Mwari vane tarisiro yekuzorarama nekusingaperi saJehovha.

Vose vanosarudza kushumira Mwari vane tarisiro yekuzorarama nekusingaperi vaine utano, vachifara

Upenyu huchange hwakaita sei panyika?

MHINDURO YEBHAIBHERI: Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” (Zvakazarurwa 21:4) “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo.”—Isaya 65:21.

Imbofungidzira uchigara munyika iyoyo nehama dzako dzinenge dzamutswa! Asi mubvunzo unoramba uripo ndewekuti: Ungava sei nechokwadi chekuti vakafa vachamutswa?

^ ndima 15 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.