Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinonzi neBhaibheri Zvakanaka Uye Zvarinoti Zvakaipa Zvichiri Kushanda Here?

Zvinonzi neBhaibheri Zvakanaka Uye Zvarinoti Zvakaipa Zvichiri Kushanda Here?

 Vanhu vakawanda, kunyange vaya vanozviti vaKristu, vanofunga kuti zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzebonde uye wanano hazvichashandi. Kuti aenderane nenguva, mamwe machechi akachinja zvaanodzidzisa panyaya yetsika dzinonzi dzakanaka kana kuti dzakaipa. Zvinonzi neBhaibheri zvakanaka uye zvarinoti zvakaipa zvichiri kushanda here? Hongu. Nyaya ino inotsanangura kuti nei tichiti zvichiri kushanda.

Vanhu vanofanira kutungamirirwa nemitemo yaMwari yezvaanoti zvakanaka uye zvakaipa

 Vanhu vakasikwa vachifanira kutungamirirwa neMusiki wavo. Bhaibheri rinoti, “Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Kunyange zvazvo Jehovha a Mwari akatisika tichikwanisa kusarudza, haana kutipa simba rekuti tizvisarudzire kuti zvakaipa uye zvakanaka ndezvipi. Saka anoda kuti tivimbe naye.—Zvirevo 3:5.

 MuBhaibheri, tinowana zvinotaurwa naMwari panyaya yekuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. Ngationei zvikonzero zviviri nei tichifanira kukoshesa zvinotaurwa naMwari.

  •   Mwari ndiye akatisika. (Pisarema 100:3) SeMusiki wedu, Jehovha Mwari anonyatsoziva zvatinoda kuti tive neutano hwakanaka uye tifare. Anozivawo zvinoitika kana tikasateerera mitemo yake inotiudza kuti tinofanira kuzvibata sei. (VaGaratiya 6:7) Uyewo, Jehovha anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka. Ndokusaka Bhaibheri richitaura nezvaMwari richiti, “Iye anokudzidzisa zvinokubatsira, iye anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.”—Isaya 48:17.

  •   Zvido zvedu zvinogona kutitsausa. Vanhu vakawanda vanofunga kuti vanogona kuzvisarudzira kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi, nekungoita zvinodiwa nemwoyo yavo. Asi Bhaibheri rinoti, “mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvese uye wakaipa kwazvo.” (Jeremiya 17:9) Kana mwoyo wedu usingatungamirirwi neuchenjeri hwaMwari, uchaita kuti tiite zvinhu zvatinozodemba.—Zvirevo 28:26; Muparidzi 10:2.

Vatungamiriri vemachechi vanofanira kurega kudzidzisa zvinonzi neBhaibheri zvakanaka uye zvarinoti zvakaipa here?

 Kwete! Bhaibheri rinodzidzisa chokwadi nezvaMwari uye zvaanoda kuti tiite. (1 VaKorinde 6:9-11; VaGaratiya 5:19-23) Anoda kuti vanhu vazive chokwadi ichi. (1 Timoti 2:3, 4) Saka vakuru vemachechi vanofanira kudzidzisa zvinotaurwa neShoko raMwari.—Tito 1:7-9.

 Vanhu vakawanda vasingadi kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzekuzvibata vanoenda kuvatungamiriri vemachechi kuti “vavaudze zvavanoda kunzwa.” (2 Timoti 4:3, mashoko emuzasi) Asi Shoko raMwari rinopa yambiro yekuti, “Vane nhamo vaya vanoti zvakanaka zvakaipa uye zvakaipa zvakanaka.” (Isaya 5:20) Mwari acharanga vatungamiriri vemachechi vasingadzidzisi vanhu chokwadi panyaya yekuti ndezvipi zvinonzi naMwari zvakanaka uye ndezvipi zvaanoti zvakaipa.

Zvinodzidziswa neBhaibheri panyaya dzekuti tinofanira kuzvibata sei zvinokurudzira kuti vanhu vasaremekedze maonero evamwe here?

 Kwete. Vaya vanoda kufadza Mwari vanotevedzera zvaiitwa uye zvaidzidziswa naJesu. Akadzidzisa vateveri vake kuti vasatonga vamwe asi kuti vade uye varemekedze vanhu vese.—Mateu 5:43, 44; 7:1.

 Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vararame vachitevedzera mitemo yaMwari yekuti munhu anofanira kuzvibata sei. Asi akavadzidzisawo kuti vabvume kuti vamwe vanhu vanogona kusarudza kusateerera mitemo iyoyo. (Mateu 10:14) Jesu haana kuudza vateveri vake kuti vashandise zvematongerwo enyika kana zvimwe zvinhu kuti vamanikidze vamwe kuti vateerere mitemo yaMwari.—Johani 17:14, 16; 18:36.

Kuita zvinotaurwa neBhaibheri kunotibatsira sei?

 Vaya vanoedza kutevedzera mitemo yaMwari yezvaanoti zvakanaka uye zvakaipa vanowana makomborero iye zvino uye mune ramangwana. (Pisarema 19:8, 11) Makomborero aya anosanganisira:

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.—Pisarema 83:18.