Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RAMBAI MAKAMUKA!

Bhaibheri Rinotii Nezvekupfurwa Kwevanhu Muzvikoro?

Bhaibheri Rinotii Nezvekupfurwa Kwevanhu Muzvikoro?

 Musi wa24 May 2022, mune kamwe kataundi kadiki kanonzi Uvalde, muTexas, kuU.S.A. makaitika zvinhu zvinorwadza zvikuru. Maererano nepepanhau rinonzi The New York Times, “mumwe mukomana aiva nepfuti akauraya vana vechikoro 19 nevadzidzisi vaviri . . . vepaRobb Elementary School.”

 Zvinosuwisa kuti zvinhu zvinotyisa zvakadaro zviri kugara zvichiitika. Pepanhau rinonzi USA Today rakati muUnited States chete, “gore rakapera pane kupfurwa kwevanhu kwakaitika pazvikoro kunosvika 249. Kubvira mugore ra1970, hapana rimwe gore rakaitika kupfurwa kwevanhu kwakawanda kudai.”

 Nei zvinhu izvi zvakaipa zvichiitika? Chii chingatibatsira patinosangana nezvinhu zvakadai? Pane tariro here yekuti kurwisana kuchapera? Bhaibheri rinotipa mhinduro dzacho.

Nei vanhu vari kuwedzera kuda zvekurwisana?

 Vanhu vakawanda vanonetseka kuti, ‘Nei Mwari asingaiti kuti zvinhu zvakadai sekupfurwa kwevanhu pazvikoro zvisaitika?’ Kuti unzwe zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi, verenga nyaya yakanzi “Sei Zvakaipa Zvichiitika Kuvanhu Vakanaka?

Chii chingatibatsira patinosangana nezvinhu zvakadai?

  •   “Zvinhu zvese zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti tive netariro inobva . . . pakunyaradza kunobva muMagwaro.”—VaRoma 15:4.

 Mazano eBhaibheri anogona kukubatsira kutsungirira zviri kuitika munyika ino yakazara kurwisana. Kuti uwane mamwe mashoko, ona magazini yeMukai! yaOctober 2012 yakanzi “Kurwiswa Kuchapera Here?

 Kuti uwane mazano ekuti vabereki vangabatsira sei vana vavo pavanonzwa kana kuona zvinhu zvinotyisa zvinobuda munhau, verenga nyaya yakanzi “Batsirai Vana Venyu Kuti Vasakanganiswa Nezvinhu Zvinotyisa Zvinobuda Munhau.”

Kurwisana kuchazombopera here?

  •   “Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa.”—Pisarema 72:14.

  •   “Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave mapanga ekuchekerera miti. Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, uye havazodzidzi kurwa zvakare.”—Mika 4:3.

 Mwari achaita zvinhu zvisingakwanisi kuitwa nevanhu. Umambo hwake hwekudenga huchaparadza zvombo zvese, hwobvisa vanhu vanoda zvekurwisana. Kuti unzwe zvakawanda zvichaitwa neUmambo hwaMwari, verenga nyaya yakanzi, “Umambo hwaMwari Huchaita Kuti Pave ‘Nerugare Rukuru.’