Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

TheCrimsonMonkey/E+ via Getty Images

Umambo hwaMwari Huchaitei Nekukanganiswa Kuri Kuitwa Nharaunda?

Umambo hwaMwari Huchaitei Nekukanganiswa Kuri Kuitwa Nharaunda?

 “Kuchinja kuri kuita mamiriro ekunze kuri kukanganisa zvinhu zvese zvipenyu uye mararamiro azvinofanira kuita. Kuri kukonzera madutu ane simba ayo ari kuparadza dzimba uye zvinhu zvinoraramisa vanhu pasi rese. Mumakungwa mava kuwedzera kupisa izvo zvinogona kuita kuti zvimwe zvinhu zvemo zvitoparara.”—Inger Andersen, mutevedzeri wemunyori wesangano reUnited Nations uye mukuru mukuru wesangano reUN Environment Programme, 25 July 2023.

 Hurumende dzichakwanisa here kubatana kuti dzigadzirise matambudziko aya ari kukanganisa zvinhu pasi rese? Vanokwanisa kupedza matambudziko aya here?

 Bhaibheri rinotaura nezvehurumende inokwanisa kugadzirisa dambudziko rekukanganiswa kuri kuitwa nharaunda. Rinoti “Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo,” kana kuti hurumende. (Dhanieri 2:44) Hurumende iyoyo paichange ichitonga, vanhu havazomboiti zvinhu zvinokuvadza vamwe kana kukanganisa nyika.—Isaya 11:9.