Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kudzivirira Kodzero Dzekunamata dzeZvapupu zvaJehovha kuLatin America

Kudzivirira Kodzero Dzekunamata dzeZvapupu zvaJehovha kuLatin America

1 MAY 2021

 Pamazana emamiriyoni evanhu vanogara kuLatin America pane mamiriyoni anokoshesa mitauro yavo netsika dzavo. Vakawanda vavo ihama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu, idzo dzinokoshesa tsika dzavo. Kuitira kuti vakwanise kubatsira vanhu kudzidza chokwadi cheBhaibheri, vanoshandura nekupa vanhu mabhuku mumitauro inopfuura 130 yekuLatin America. a Asi vamwe vavo vakapikiswa nekuti vakasarudza kushumira Jehovha uye vakaramba kuita tsika dzinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri idzo dzakakurumbira munzvimbo dzavanogara. Mari yenyu yezvipo iri kushandiswa sei pakuvabatsira?

Vakabatsirwa Kudzokera Kumisha Yavo

 KuMexico, hama nehanzvadzi dzedu dzerudzi rwechiHuichol dzinogara kumakomo eJalisco State dzakaramba kubatanidzwa mutsika dzechitendero dzinopesana neBhaibheri. b Izvi zvakatsamwisa vamwe vemunharaunda. Musi wa4 December 2017, mhomho yevanhu yakarwisa zvimwe Zvapupu nevamwe vavaiva navo. Mhomho yacho yakavadzinga munharaunda yavaigara, ikapaza dzimba dzavo, vakabva vati vachauraya wese anenge aedza kudzoka.

 Zvapupu zvemumataundi ari pedyo zvakagamuchira hama nehanzvadzi dzedu idzi vachibva vatanga kugara navo. Asi zvii zvaigona kuitwa kuti vadzokere kumisha yavo? Imwe hama inonzi Agustín yakati, “Takanga tisina mari yekuti titsvage gweta, uye taisaziva kuti toendepi kuti tiwane rubatsiro panyaya dzemitemo.”

 Sezvo izvi zvaikanganisa rusununguko rwekunamata rwehama dzedu, bazi rekuCentral America rakabva rakurumidza kuona zvekuita. Vakatanga nekukumbira vakuru vakuru vemunharaunda yacho kuti vaongorore nyaya iyi. Vakabva vazopiwa mvumo neKomiti Yevanoronga yeDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha, kuti vashande neDhipatimendi reMitemo riri kumahofisi makuru uye vakwidze nyaya yacho kumatare kuti vamiririre hama nehanzvadzi dzedu dzerudzi rwechiHuichol. Nyaya yacho yakazopedzisira yasvika kuDare Repamusorosoro rekuMexico.

 Magweta emunyika dzakasiyana-siyana akanyatsogadzirira nyaya yacho kuti vazoitsanangura mudare. Pakugadzirira kwavaiita, vaida kunoratidza dare kuti sezvo munhu wese achifanira kuremekedza tsika dzemunharaunda, zviremera zvemunharaunda zvinofanirawo kuremekedza uye kudzivirira kodzero dzemunhu wese anogaramo. Munhu wese ane kodzero dzake pasinei nekuti anogara kupi.

 Musi wa8 July 2020, Dare Repamusorosoro rakapa mutongo waitsigira Zvapupu zvaJehovha. Rakapa mutongo wekuti vese vakanga vadzingwa vanofanira kubvumirwa kudzoka kumisha yavo. Agustín, ambotaurwa nezvake, anotaura kutenda kwaanoita iye pamwe nevamwewo achiti: “Tinotenda chaizvo uye tinofara nezvatakaitirwa nehama dzedu. Dai vasina kutibatsira, hapana zvatingadai takakwanisa kuita.”

‘Kuita Zvinhu Zvikuru, Kuvanhu Vashoma’

 KuEcuador kune nzvimbo inonzi San Juan de Ilumán uye kunogara hama dzedu dzerudzi rwechiOtavalo. Naivowo vakapikiswa zvisingaiti. Muna 2014, zviremera zvemunzvimbo iyi zvakavapa mvumo yekuvaka Imba yeUmambo uye basa rakabva ratotangwa. Asi mumwe mufundisi akaunganidza mhomho yevanhu 100, vakabva vauya kuzomisa basa rekuvaka zvechisimba. Vanhu vemunhararunda yacho vakabva varambidza Zvapupu zvaJehovha kuungana vachinamata.

 Dhipatimendi remitemo repabazi reEcuador uye rekumahofisi makuru akabatana achimirira kodzero yekunamata yeungano iyi. Hama dzedu dzakaendesa nyaya yacho kumatare. Izvi zvakaita kuti vanhu vemunharaunda varege kupikisa kwavaiita uye vakabvumira ungano kuti itangezve misangano uye kupedzisa kuvaka Imba yeUmambo. Kuti vadzivirire kodzero dzehama mune ramangwana, magweta edu akakumbira kuti matare epamusoro ape mutongo panyaya iyi inokosha: Vanhu vemunharaunda vanofanira kuremekedza kodzero dzevanhu here?

 Musi wa16 July 2020, nyaya yacho yakatongwa neConstitutional Court of Ecuador, dare repamusorosoro remunyika yacho. Hama dzinoshanda semagweta dzekuEcuador dzakamiririra ungano yacho. Uyewo, hama dzedu 4 dzinoshanda semagweta munyika dzakawanda dzakataura nezvenyaya yacho mudare. Nemhaka yeCOVID-19, vakataura vachishandisa indaneti vari munyika dzakasiyana-siyana vachionana pamavhidhiyo. Aka ndiko kekutanga kuti paite dare rinobvumira vanhu vanomiririra Zvapupu zvaJehovha pasi rese kuti vataure nenzira iyi. c Magweta aya akataura nezvekutsigira kunoita masangano makuru emitemo kodzero dzevanhu. Vakati vanhu vemunharaunda havangorasikirwi nekodzero dzavo pamusana pekungoti vanogara pakati pevanhu vane tsika dzavanokoshesa.

Magweta achirwira kodzero dzehama dzedu vachishandisa indaneti vachionana pamavhidhiyo

 Hama dzedu dzichakamirira kunzwa mutongo uchapiwa neConstitutional Court. Asi pari zvino vanotenda chaizvo rubatsiro rwakapiwa. César, uyo anoshumira semukuru muungano yeIlumán Quichua, anoti: “NdiJehovha nesangano rake chete, anokwanisa kuita zvinhu zvakakura kudai achiitira vanhu vashoma sesu.”

 Magweta ese akashanda panyaya idzi aiva Zvapupu zvaJehovha uye akazvipira kushandisa ruzivo rwavo asingabhadharisi. Asi kugadzirira nyaya idzi uye kuzodzikwidza kumatare kunoda nguva nemari. Magweta edu nedzimwe hama vakaita maawa anopfuura 380 vachigadzirira kupinda mudare, uye mamwe maawa 240 vachishandura mapepa aida kupinda mudare kuMexico. Magweta anenge 40 pasi rese akaita mazana emaawa achishanda panyaya yekuEcuador. Takakwanisa sei kubhadhara zvaidiwa pakudzivirira hama dzedu? Pakashandiswa mari yezvipo yamunopa muchishandisa nzira dzakasiyana-siyana dziri pakanzi donate.dan124.com. Tinotenda chaizvo rupo rwenyu.

a Zvapupu zvaJehovha zvinoshandura mabhuku mumitauro yekuLatin America uye mumitauro yemasaini inotaurwa ikoko.

b Vanhu verudzi rwechiHuichol vanonziwo vaWixáritar, uye mutauro wavo unowanzonzi Wixárika.

c Dare rakabvumira hama dzedu kuti dzipe mashoko neumboo zvinozobatsira vatongi kuti vakwanise kunyatsoongorora nyaya iyi.