Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kuteerera Gungano paRedhiyo

Kuteerera Gungano paRedhiyo

1 AUGUST 2021

 Gungano Remunharaunda ra2020 ndiro raiva gungano rekutanga kurekodhwa uye kubudiswa paindaneti. Asi hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda kuMalawi nekuMozambique vakapinda gungano iri vasingashandisi indaneti. Vakazviita sei?

 Komiti Yevanoronga uye Komiti Yekudzidzisa yeDare Rinotungamirira yakapa mvumo yekuti gungano iri ribudiswe paredhiyo nepaTV kuMalawi nekuMozambique. Nemhaka yei vakabvumirwa kuita izvi? KuMalawi, indaneti inodhura zvisingaiti saka Zvapupu zvakawanda hazvikwanisi kuenda paindaneti. William Chumbi, ari muDare Rebazi kuMalawi akati: “Hapana imwe nzira iyo hama nehanzvadzi dzaikwanisa kuwana zvekudya izvi zvekunamata kunze kwekushandisa redhiyo neTV.” Luka Sibeko, uyo ari muDare Rebazi kuMalawi anotiwo: “Dai gungano iri risina kubudiswa paTV kana paredhiyo, hama dzakawanda dzaizotadza kupinda gungano.” KuMozambique hama dzakawanda hadzikwanisi kutenga mafoni anoenda paindaneti, ndoda kutozoenda paindaneti pacho.

Urongwa Hwakaitwa

 Nemhaka yechirwere cheCOVID-19 misangano yeungano yanga ichitobudiswa pane dzimwe nhepfenyuro dzeredhiyo nepaTV. a Hama dzakaenda kunhepfenyuro idzi vachibva vakumbira kuti vabudisewo gungano.

 KuMalawi, hama dzedu dzakasangana nedambudziko. Kazhinji nhepfenyuro dzinowanzobvumira vanhu kuti vatepfenyure purogiramu dzavo kweawa imwe chete. Vanenge vachityira kuti kana mapurogiramu acho akazorebesa vanhu havazoateereri. Asi hama dzedu dzakatsanangura kuti basa ratinoita rinobatsira veruzhinji. Kunyange zvazvo tiri mulockdown, tiri kupa vanhu mashoko anonyaradza anobva muBhaibheri ayo anovabatsira kuti vave vanhu vane tsika dzakanaka uye vave nemhuri dzinofara. Varidzi venhepfenyuro pavakanzwa izvi vakabvuma kutiwedzera nguva.

 KuMalawi, gungano iri rakabudiswa paTV uyewo paredhiyo, pachishandiswa nhepfenyuro dzinobata munzvimbo dzakawanda. Saka mamiriyoni evanhu aikwanisa kunzwa purogiramu iyi. KuMozambique, gungano iri rakabudiswa paTV uye panhepfenyuro dzeredhiyo 85.

 Munyika dzese dziri mbiri pakashandiswa $28,227 b kubudisa gungano iri paTV uye inosvika $20,000 kuribudisa paredhiyo. Kutepfenyura paredhiyo kwaitangira pa$15 kusvika pa$2,777 zvichienderana nekuti nhepfenyuro yacho inobata munzvimbo dzakawanda sei.

 Hama dzedu dzakashanda nesimba kuti dzishandise mari yezvipo zvakanaka. Semuenzaniso, kuMalawi hama dzakachema-chema kuti vadzikisirwe, uye pamwe pacho vakatodzikisirwa ne30%. Izvi zvakasevha mari inosvika $1,711. KuMozambique, dzimwe nhepfenyuro dzakabvuma kutidzikisira nekuti tinozivikanwa kuti tiri vanhu vakavimbika uye tinobhadhara nenguva.

Mashoko Ekutenda

 Hama dzedu dzinotenda chaizvo kubudiswa kwakaitwa gungano iri paredhiyo nepaTV. Mumwe mukuru wekuMalawi anonzi Patrick, akati: “Tinotenda chaizvo urongwa uhwu hwatakaitirwa neDare Rinotungamirira panguva ino yeCOVID-19.” Mumwewo zvakare wekuMalawi anonzi Isaac, anoti: “Hatina pamwe pataigona kuonera gungano saka tinotenda chaizvo urongwa unhu hwakaitwa nesangano raJehovha hwekuti tikwanise kuteerera gungano paredhiyo. Nemhaka yeurongwa uhwu, ini nemhuri yangu yese takakwanisa kupinda gungano. Zvakanyatsotiratidza kuti Jehovha anoda vanhu vake.”

 Gungano iri ra2020 ndiro raiva gungano rekutanga rakapindwa nemumwe muparidzi kuMozambique. Akati: “Urongwa uhwu hwekuona gungano paTV hwakandiyeuchidza kuti Jehovha ndiMwari wemasimbaose. COVID-19 haina kumutadzisa kutipa zvekudya zvekunamata uye takatozviwana tiri mumba chaimo. Ndakanyatsoona kuti vanhu vaJehovha vanodanana. Ndine chokwadi chekuti chino ndicho chitendero chechokwadi.”

 Mumwe mukuru anonzi Wyson akati: “Ndinoda kutenda chaizvo zvatakaitirwa nemuranda akatendeka munguva ino yeCOVID-19. Urongwa uhwu hwekuti gungano ribudiswe paredhiyo uye paTV hwabatsira vakawanda vedu varombo uye hwaita kuti tikwanise kupinda gungano uye tibatsirwe naro.”

 Gore rino zvakare ra2021, Komiti Yevanoronga uye Komiti Yekudzidzisa yakapa mvumo kuti gungano iri ribudiswe paredhiyo nepaTV mune dzimwe nyika. Mari yekubudisa gungano paredhiyo nepaTV inobvepi? Inobva pamari inopiwa munyika yese, uye yakawanda yacho inopiwa pachishandiswa nzira dziri pakanzi donate.dan124.com. Tinokutendai nemari yezvipo yamuri kupa.

a Gore ra2020 richangotanga Komiti Yevanoronga yakabvumira kuti misangano yeungano ibudiswe paredhiyo nepaTV mune dzimwe nyika nemhaka yechirwere cheCOVID-19. Izvi zviri kubatsira vaya vasingakwanisi kuenda paindaneti kuti vateerere misangano yeungano nemhaka yekuti kwavanogara indaneti inodhura uye network inonetsa. Urongwa uhwu hauna kuitirwa vaya vanokwanisa kuenda paindaneti kuti vapinde neungano dzavo.

b Mari yese iri kutaurwa munyaya ino maUS dollar.