Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Nhau Dzechokwadi Uye Dzinosimbisa Kutenda

Nhau Dzechokwadi Uye Dzinosimbisa Kutenda

1 DECEMBER, 2021

 Zvapupu zvaJehovha zvine hanya nevavanonamata navo. (1 Petro 2:17) Vakawanda vedu tinonzwa sezvinoita hanzvadzi yekuKenya inonzi Tannis. Anoti, “Ndinoda chaizvo kuziva zviri kusangana nehama nehanzvadzi dzangu dziri munyika yese.” Tannis nemamiriyoni ezvimwe Zvapupu vanowana kupi mashoko ezviri kuitika kune vamwe vavo? Kubvira muna 2013, mashoko aya tiri kuawana pachikamu chepajw.org chakanzi Nhau.

 Chikamu ichi chinobudisa nyaya dzechokwadi dzine chekuita neZvapupu zvaJehovha dzakadai sekubudiswa kwemaBhaibheri, mabasa ekuyamura vanenge vawirwa nenjodzi, mabasa ekuvaka, uye zvimwewo zviitiko zvinokosha. Panewo nyaya dzehama nehanzvadzi dziri mumajeri nemhaka yezvadzinotenda uyewo zvakaitika zvinokurudzira zvine chekuita nemishandirapamwe yekuparidza uye vakapinda Chirangaridzo. Ndivanaani vanotsvakurudza nezvenyaya idzi dzinozobudiswa, uye zvii zvinoitwa kuti dzizobudiswa?

Kutsvaga Nhau Dzinozobudiswa Uye Kudzinyora

 Dhipatimendi Rinoona Nezvekubudiswa Kwemashoko (OPI) ndiro rinoona nezvenhau dzinobudiswa pajw.org. Dhipatimendi iri riri kumahofisi makuru uye rinoshanda riri pasi peKomiti Yevanoronga yeDare Rinotungamirira. Pane hama nehanzvadzi dzinopfuura 100 dzinoshanda mudhipatimendi iri uye vakawanda vavo vanoshanda vari kumba vachibatsira pamabasa akadai sekunyora, kutsvakurudza, kudhirowa nekutora mapikicha, uye kushandura. Vamwe vavo vanotaura nevakuru vakuru vehurumende, mapurofesa nevadzidzisi uye vatori venhau. Dhipatimendi reOPI rinoshanda pamwe chete nemaHofisi Anoona Nezvekubudiswa Kwemashoko (PID) anopfuura 80 ari pamahofisi emapazi pasi rese.

 Kuti nhau dzizobudiswa, veOPI nevePID vanoisa musoro pamwe chete. Kana hama dzedu dzikaona nyaya inogona kuzobudiswa, vanotsvakurudza nezvenyaya yacho kuti vawane mashoko echokwadi. Izvi zvinogona kusanganisira kubvunza vanhu vakasiyana-siyana vane ruzivo nezvenyaya yacho. Kana vava nemashoko akakwana, nyaya inobva yatotanga kunyorwa, yoverengwa ichigadziridzwa panenge pasina kumira zvakanaka, yoiswa mifananidzo, yozotumirwa kuKomiti Yevanoronga kuti vaone kana ichiita kubudisa.

Mashoko Ekuonga

 Zvimwe Zvapupu zvinoti kudii nezvechikamu ichi cheNhau chiri pajw.org? Imwe hanzvadzi yekuPhilippines inonzi Cheryl, inoti, “Ndinofarira kutanga zuva rangu nekuverenga nhau dzine chekuita nesangano raJehovha uye vanhu vake.”

 Vaverengi vakawanda vanotaura nezvekusiyana kwakaita nhau dzinobudiswa pajw.org nenhau dzinobudiswa nevamwe vatori venhau. Tatiana wekuKazakhstan, anoti, “Ndinoda chaizvo nhau dziri pajw.org nekuti ndinokwanisa kuvimba nadzo. Ndedzechokwadi uye dzinotaura zvinhu sezvazviri.” Imwe hanzvadzi yekuMexico inonzi Alma, inoti: “Nhau dzepajw.org dzinokurudzira chaizvo, dzakasiyana nedzimwe nhau dzinobudiswa dzinongotaura zvinhu zvakaipa chete.”

 Nhau dziri pajw.org dzinosimbisawo kutenda. Bernard wekuKenya anoti: “Nhau dziri pajw.org dziri kundibatsira kuona hama nehanzvadzi dziri munyika yese sevanhu vemumhuri yangu, pasinei nekuti vari kupi. Ndinogona kutaura mazita avo uye zvavari kusangana nazvo pandinenge ndichinyengetera.” Imwe hanzvadzi yekuKenya inonzi Bybron inoti: “Ndinofara chaizvo pandinoona nyaya inenge ichitaura nezvekubudiswa kweBhaibheri mune mumwe mutauro! Nyaya dzakadaro dzinondiyeuchidza kuti Jehovha haasaruri.”

Chikamu chakanzi Nhau chinotibatsira kuti patinonyengetera tinyatsotaura matambudziko ari kusangana nehama nehanzvadzi dzedu munyika yese

 Kunyange nyaya dzinotaura nezvehama dziri kutambudzwa dzinogonawo kutikurudzira. Imwe hanzvadzi yekuKenya inonzi Jackline yakati: “Kufunga nezveushingi hwavari kuratidza kunosimbisa kutenda kwangu.” Akaenderera mberi achiti: “Ndinowanzoda kuziva kuti chii chiri kuvabatsira kutsungirira. Ndakaona kuti zvinhu zvatakajaira kuita zvakadai sekunyengetera, kuverenga Bhaibheri, uye kuimba nziyo chaiko, ndizvo zviri kuita kuti varambe vakasimba.”

 Imwe hanzvadzi yekuCosta Rica inonzi Beatriz inosimbiswa nenyaya dzinotaura nezvenjodzi dzinongoitika dzega. Anoti: “Nhau idzi dzakandibatsira kuona kuti sangano redu rakarongeka, rine rudo uye rinokurumidza kubatsira hama dzinenge dzawirwa nenjodzi. Izvi zvinoita kuti ndisare ndisina kana mubvunzo kuti iri isangano raJehovha.”

 Tinoonga chaizvo kuti tiri kukurumidza kuziviswa zviri kusangana nehama dzedu pasi rese! Tiri kukwanisa kuita izvi nemhaka yemari yezvipo yamunobvisa. Yakawanda yacho iri kupiwa pachishandiswa chikamu chakanzi donate.dan124.com. Tinokutendai chaizvo nerupo rwenyu.