Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Zvingoro Zviri Kupa “Uchapupu Kumarudzi Ese”

Zvingoro Zviri Kupa “Uchapupu Kumarudzi Ese”

1 APRIL 2023

 Tava nemakore anodarika 10 tichiparidza tichishandisa zvingoro zvemabhuku. Pasi rese vanhu vanoona zvingoro izvi, uye vanoziva kuti ndezvevanaani. Zvingoro izvi zvinoyevedza uyewo zviri nyore kushandisa. Unogona kubvumirana nezvakataurwa neimwe hanzvadzi yekuPoland inonzi naAsenata. Akati: “Zvingoro zvacho hazvina kugadzirwa nenzira inoshamisira asi zvinoyevedza. Zviri nyore kushandisa uye kufambisa.”

 Wakambozvibvunza here kuti zvingoro izvi zvakagadzirwa sei?

Kuronga Kuzvigadzira

 Muna 2001, Dare Rinotungamirira rakapa hama nehanzvadzi dzekuFrance mvumo yekuti dziedze nzira dzakasiyana-siyana dzekuparidza paruzhinji, kusanganisira kushandisa zvingoro. Vakagadzira zvingoro zvakasiyana-siyana. Semuenzaniso vakatora zvingoro sezviya zvinoshandiswa kana munhu achitenga zvinhu muchitoro vakazvigadziridza kuti varatidze vanhu mabhuku uyewo vachengetere mabhuku acho imomo. Nekufamba kwenguva, bazi rekuFrance rakazosarudza imwe mhando yechingoro, iyo yakazoshandiswa nevaparidzi kwemakore akawanda.

Zvingoro zvemabhuku zvekutanga, France, 2005

 Hama dzekuFrance dzakafara nekubudirira kwadzakaita pakuparidza munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda. Saka muna 2011, Dare Rinotungamirira, rakabvumira kuti pashandiswe zvingoro nematafura pakuparidza munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda muNew York City, U.S.A., kuti vaone kuti urongwa hwacho hwaizobudirira zvakadini. Pasina nguva, mapiyona akabatanidzwa paurongwa uhwu akaona kuti zvingoro zvine zvakawanda zvazvakanakira. Semuenzaniso, zviri nyore kufamba nazvo. Mapiyona acho akataura zvaaifunga kuti zvaigona kuvandudzwa pamagadzirirwo ezvingoro zvacho. Zvingoro zvekutanga zvaiva zvemapuranga uye zvainge zvakagadzirwa nemaoko. Zvingoro izvi zvairema saka zvakanga zvakaoma kukwidza nekudzika nazvo pamasitepisi. Saka vakazvigadziridza kuti zvisanyanya kurema, asi zvisinawo kunyanya kureruka zvekuti zvaizotakurwa nemhepo. Zvakabva zvaiswawo mavhiri akati kurei kuitira kuti zvisanyanya kunetsa kufambisa mumigwagwa isina kunaka. Vakaisawo pazvingoro zvacho kabhokisi kadiki kekuchengetera mamwe mabhuku.

 Urongwa hwacho hwakabudirira! Saka muna 2012, Dare Rinotungamirira rakapa mvumo yekuti zvingoro zvishandiswe pasi rese. Pakaitwa urongwa hwekuti imwe kambani igadzire zvakawanda ichishandisa zvinhu zvisingaremi asi zvakasimba.

 Nekufamba kwakanga kuchiita makore, pane zvimwe zvinhu zvidiki zvakavandudzwa pazvingoro izvi. Semuenzaniso muna 2015, zvingoro zvakatanga kugadzirwa zviine kavha ine purasitiki kumberi yekupfekedza chingoro chacho kana kwava kunaya. Imwe hanzvadzi inonzi Dina inogara kuGeorgia yakafarira chazvo kavha iyi. Akati: “Zvava kuita sekuti chingoro chava neraincoat yacho inobatsira kuti mabhuku asanaiwa.” Muna 2017, zvikwangwani zvinokwezva vaverengi zvinobata nemagnet zvakatanga kuwanika mune mimwe mitauro. Imwe hama yekuPoland inonzi Tomasz yakati: “Zvaititorera nguva kuti tichinje zvikwangwani zvainamirwa neguruu. Zvikwangwani zvitsva izvi zvakagadzirisa dambudziko racho.” Muna 2019, pane zvimwe zvakagadziridzwa pane zvaishandiswa kugadzira zvingoro uyewo pamagadzirirwo azvo kuitira kuti zvigare kwenguva refu.

Kugadzirwa Kwezvingoro Zvemabhuku

 Zvingoro zvese zvinogadzirwa nekambani imwe chete uye zvinobva zvatumirwa kune dzimwe nyika pasi rese. Iye zvino, chingoro chimwe chete chinoita US$43, tisingabatanidzi mari yekuchitumira nezvimwewo zvinoda kubhadharwa. Kusvika pari zvino, mari inopfuura US$16 miriyoni yakashandiswa pakutenga zvingoro, uye zvingoro zvinopfuura 420 000 zvakatumirwa kuungano dziri pasi rese.

 Kuti mari dzezvipo dzishandiswe zvakanaka, zvingoro zvinotengwa zvakawanda panguva imwe chete. Uyewo, ungano dzava kukwanisa kukumbira kutengerwa zvinenge zvafa pazvingoro, vogadzirisa zvinenge zvichida kugadzirwa pane kutenga zvingoro zvitsva.

Kushandisa Zvingoro Pakuparidza

 Vaparidzi pasi rese vafarira kuparidza nezvingoro. Imwe hanzvadzi yekuGhana inonzi Martina yakati: “Patinenge tichiita ushumiri hwedu, kazhinji tisu tinotanga kutaura nevanhu. Chandinofarira pakuparidza nezvingoro ndechekuti vanhu ndivo vanotanga kutaura nesu. Kunyange vanenge vachingopfuurawo zvavo vanogona kutowana uchapupu.”

 Mune imwe nyika iri muAfrica, mumwe murume akasvika pachingoro ndokubva atora mabhuku mumutauro wake. Akazodzoka vhiki rakatevera akati: “Ndakapedza kuverenga mabhuku ese andakatora. Mashoko arimo anokosha chaizvo. Ndichanoudzawo mhuri yangu iri kumusha.” Kumusha kwacho kwaiva kure nemakiromita 500. Mwedzi miviri yakazotevera akadzoka akati: “Vanhu vekumusha kwedu vakaverenga mabhuku acho ese uye vakafarira zvavakaverenga. Vanoda kuva Zvapupu zvaJehovha. Asi vane mibvunzo. Semuenzaniso, vava kuziva kuti kana vachida kubhabhatidzwa vanofanira kunyudzwa mumvura. Asi kumusha kwedu hatina rwizi rwuri pedyo. Saka tinofanira kuuya kuno here kuti tibhabhatidzwe?” Vaparidzi vacho vakaita kuti murume uyu akurukure nemumwe piyona anotaura mutauro wake. Kubvira ipapo murume iyeye napiyona wacho vari kunakidzwa nekukurukura kwavari kugara vachiita.

 Zvinofadza kuona zvingoro zvemabhuku zvichishandiswa pakuparidza mashoko akanaka “munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese.” (Mateu 24:14) Mari inoshandiswa kuti zvigadzirwe inobvepi? Inobva pamari yezvipo inopiwa kubasa remunyika yese, uye yakawanda yacho iri kupiwa pachishandiswa chikamu chakanzi donate.dan124.com. Tinokutendai chaizvo nerupo rwenyu.