Enda pane zvauri kuda

Ndiani Akatanga Chitendero Chenyu?

Ndiani Akatanga Chitendero Chenyu?

 Sangano reZvapupu zvaJehovha ririko iye zvino ratanga makore okuma1800 ava kunopera. Panguva iyoyo, boka duku revadzidzi veBhaibheri iro raigara pedyo nePittsburgh, Pennsylvania, kuUnited States, rakatanga kuongorora Bhaibheri. Vadzidzi vacho vaienzanisa dzidziso dzaidzidziswa muzvitendero nezvinodzidziswa neBhaibheri. Vakatanga kuita kuti zvavaidzidza zvipirindwe mumabhuku, mapepanhau, uye magazini iyo pari zvino yava kunzi Nharireyomurindi​—Yokuzivisa Umambo hwaJehovha.

 Pavadzidzi ivavo vaiita zvinhu nemwoyo wose paiva nemurume ainzi Charles Taze Russell. Kunyange zvazvo Russell aitungamirira pabasa rokudzidza Bhaibheri panguva iyoyo uye ari mupepeti wokutanga weNharireyomurindi, haana kutanga chitendero chitsva. Chinangwa chaRussell nevamwe Vadzidzi veBhaibheri, semazivikanirwo aiitwa boka iri panguva iyoyo, chaiva chokusimudzira dzidziso dzaJesu Kristu uye kuita zvaiitwa neungano yechiKristu yokutanga-tanga. Sezvo Jesu ari iye akatanga chiKristu, ndiye watinoti akatanga sangano redu.​—VaKorose 1:​18-20.