Enda pane zvauri kuda

Kana Ndikadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, Ndinofanira Kuzova Mumwe Wavo Here?

Kana Ndikadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, Ndinofanira Kuzova Mumwe Wavo Here?

 Unozvisarudzira wega. Kune mamiriyoni evanhu vari kudzidziswa Bhaibheri, asi vasingazovi Zvapupu zvaJehovha. a Chinangwa chedu ndechekukubatsira kunzwisisa Bhaibheri. Iwe ndiwe unozozvionera wega kuti woita sei nezvaunenge wadzidza. Munhu anozvisarudzira ega kushumira Jehovha.—Joshua 24:15.

Ndinogona here kudzidza ndichishandisa Bhaibheri rangu?

 Ehe. Isu tinofarira hedu kushandisa Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene uye kana uchirida, tinogona kukupa. Asi hatina dambudziko nazvo kana ukada hako kushandisa Bhaibheri rako. Unokwanisa kudzidza mashoko anopa tariro uye anoponesa ari muBhaibheri, pasinei nekuti washandisa ripi.

Nei muchidzidza nevanhu asi ivo vasingazouyi kuchechi kwenyu?

  •   Chinoita kuti tidaro ndechekuti tinoda Jehovha Mwari, uyo anoda kuti vaKristu vadzidzisewo vamwe zvavanenge vadzidza. (Mateu 22:37, 38; 28:19, 20) Hakuna chikomborero chingaenzana nekuva “vashandi pamwe chete naMwari” tichibatsira vamwe vanhu kuti vadzidze Shoko rake.—1 VaKorinde 3:6-9.

  •   Chimwewo ndechekuti tinoda vavakidzani vedu. (Mateu 22:39) Tinofara zvikuru kuvaudzawo zvinhu zvakanaka zvatakadzidza.—Mabasa 20:35.

a Muna2023, mwedzi wega wega taiitisa zvidzidzo zveBhaibheri 7 281 212 uye zvidzidzo zvakawanda zvacho tichizviita neboka revanhu vakati kuti panguva imwe chete. Asi vanhu 269 517 chete ndivo vakazobhabhatidzwa kuti vave Zvapupu zvaJehovha.