Enda pane zvauri kuda

Kosi yeBhaibheri Inoitiswa neZvapupu zvaJehovha Yakaita Sei?

Kosi yeBhaibheri Inoitiswa neZvapupu zvaJehovha Yakaita Sei?

 Zvidzidzo zveBhaibheri zvinoitwa sei?

 Pane munhu anenge achikudzidzisa kuti uzive zvinotaurwa neBhaibheri. Munenge muchidzidza nyaya imwe chete panguva. Munenge muchishandisa bhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! uye zvishoma nezvishoma uchaona zvinodzidziswa neBhaibheri uye kuti zvinokubatsira sei muupenyu. Kana uchida kunzwa zvakawanda ona vhidhiyo iyi.

 Zvidzidzo zvacho zvinobhadharwa here?

 Aiwa. Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera zvakataurwa naJesu kuvadzidzi vake paakati: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.“ (Mateu 10:8) Uyewo, hapana mari yaunobhadhara kuti upiwe Bhaibheri uye bhuku ratinoshandisa pakudzidza nevanhu rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara!

 Kosi yacho inotora nguva yakareba sei?

 Kosi yacho yese ine zvidzidzo 60. Iwe ndiwe unosarudza kuti unoda kudzidza zvakawanda sei. Asi vakawanda vanofarira kuita chidzidzo chimwe chete kana kuti kupfuura pavhiki.

 Ndinoitanga sei?

  1.  1. Zadza fomu riri pano pajw.org. Tichangoshandisa mashoko aunenge watitumira kuti tikutsvagire munhu wekudzidza naye Bhaibheri sekukumbira kwawaita.

  2.  2. Munhu anokudzidzisa achataura newe. Munhu anokudzidzisa achakutsanangurira zvakaita zvidzidzo zvacho uye kana uine mibvunzo achakupindura.

  3.  3. Iwe nemudzidzisi wako mucharonga kuti muchadzidza sei. Munogona kuronga kuti munoda kudzidzira kupi, modzidzira pafoni here, kana kuti moita zvekunyorerana tsamba. Kakawanda kacho chidzidzo chinowanzoitwa mu1 hour asi kana uchida unogona kudzidza kwenguva pfupi kana kuti yakareba zvichibva pakuti zvaunoda ndezvipi.

 Ndinogona kumboita zvidzidzo zvishoma here kuti ndione kana ndichida kuzoramba ndichienderera mberi?

 Ehe zvinoita. Kuti udaro, zadza fomu riri pano pajw.org. Kana munhu anokudzidzisa akakubata, muudze kuti unoda kumboita zvidzidzo zvishoma kuti uone kana uchida kuzoramba uchienderera mberi. Achashandisa bhuku diki rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! Bhuku racho rine zvidzidzo 3 uye richakubatsira kuti uone kana uchida kuzoenderera mberi nezvidzidzo mubhuku hombe.

 Kana ndikabvuma kudzidza Bhaibheri, ndichamanikidzwa kuti ndibve ndatova mumwe weZvapupu zvaJehovha here?

 Aiwa. Zvapupu zvaJehovha zvinoda kudzidzisa vanhu Bhaibheri asi hatimanikidzi vanhu kuti vapinde chitendero chedu. Chatinongoita kuratidza munhu zvinodzidziswa neBhaibheri munhu ozvisarudzira kuti anoda kuita zvipi.—1 Petro 3:15.

 Ndinogona kushandisa Bhaibheri rangu here?

 Ehe wakasununguka kushandisa Bhaibheri raunoda. Isu tinofarira kushandisa Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva nekuti rinoshandisa mashoko ari nyore kunzwisisa uye rakarurama asi tinoziva kuti vamwe vane maBhaibheri avanofarira kushandisa uye hatina dambudziko nazvo.

 Kana ndichida kuti vamwe vanhu vavepowo pachidzidzo zvinoita here?

 Ehe zvinoita. Unogona kuudza mhuri yako kana shamwari dzako kuti vavepowo.

 Ko kana ndakambodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kare, ndinogona kudzidza zvakare here?

 Ehe zvinoita. Uchatowedzera kunakidzwa nekuti bhuku ratava kushandisa iye zvino rakasiyana nekure neaishandiswa kare. Iri rava kuenderana nezviri kuitika mazuva ano. Rine mavhidhiyo nemapikicha akawanda uye tinodzidza tichiita zvekukurukura kusiyana nezvataiita kare.

 Pane dzimwe nzira dzekuti ndidzidze Bhaibheri here pasina zvemunhu anenge achindidzidzisa?

 Ehe iripo. Kudzidza uchibatsirwa nemumwe munhu kunobatsira chaizvo asi vamwe vanofarira kumbotanga nekudzidza vari vega. Peji rakanzi Zvekushandisa Pakudzidza Bhaibheri rine zvinhu zvakasiyana-siyana zvinogona kukubatsira pakudzidza Bhaibheri. Zvimwe zvinogona kukubatsira ndeizvi:

  •   Zvidzidzo zveBhaibheri zvepaIndaneti. Zvidzidzo izvi zvinokubatsira kupindura mimwe yemibvunzo inokosha yakadai sekuti: Mwari ndiani? Nei vanhu vachitambura uye pachiitika zvinhu zvakaipa? Mwari achaita kuti kutambura kupere here?

  •   Mavhidhiyo eBhaibheri. Mavhidhiyo aya mapfupi uye anotsanangura dzidziso dzinokosha dziri muBhaibheri.

  •   Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa. Nyaya idzi dzinopindura mibvunzo yakawanda ine chekuita neBhaibheri.

  •   Kutsanangurwa Kwemavhesi. Tarisa uone tsanangudzo dzemavhesi anonyanya kuzivikanwa nevanhu.