Enda pane zvauri kuda

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Vakawana ‘Parera Rinokosha Kwazvo’

Vakawana ‘Parera Rinokosha Kwazvo’

 Jesu akadzidzisa kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchagadzirisa matambudziko ese ane vanhu. (Mateu 6:10) Pana Mateu 13:44-46, akataura mifananidzo miviri inotevera achida kuratidza kukosha kweUmambo hwaMwari:

  •   Murume anenge ari musango obva asanganidzana nepfuma yakavanzwa.

  •   Murume aifamba achitengesa achitsvaga maparera akanaka achibva awana parera rimwe chete raikosha kwazvo.

 Vese vari vaviri vakafara vachibva vatengesa zvese zvavakanga vainazvo kuitira kuti vatenge chinhu chinokosha chavakanga vawana. Varume ava vanomiririra vanhu vanokoshesa chaizvo Umambo zvekuti vanoita zvese zvavanogona kuti vawane makomborero achaunzwa neUmambo hwaMwari. (Ruka 18:29, 30) Muvhidhiyo iyi, tarisa uone vanhu vaviri vakaita zvakafanana nezvakaitwa nevarume vakataurwa mumufananidzo waJesu.