Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Verenga unzwe zvakataurwa nevamwe nezvekubatsirwa kwavakaitwa neBhaibheri muupenyu hwavo.

Upenyu Hune Chinangwa

Ndakatanga Kufara Muupenyu

Ona kuti Bhaibheri rakabatsira sei mumwe murume akakura achifunga kuti haabatsiri chinhu uye asingafari.

Takatangazve Wanano Yedu Tichibatsirwa naMwari

Bhaibheri rine simba rekubatsira chero ani zvake ane wanano isiri kufamba zvakanaka.

Ndakawana Pfuma Chaiyo

Murume akanga aine mari uye akabudirira akawana sei chimwe chinhu chinokosha kupfuura mari?

Juan Pablo Zermeño: Jehovha Akandipa Upenyu Hune Chinangwa

Zvinhu zvinoshungurudza zvinogona kutikanganisa kwenguva refu. Pasinei nemakurire aakaita, ona kuti Juan Pablo akava sei nechinangwa, rugare uye mufaro muupenyu.

Johny naGideon: Vaimbovengana Asi Vava Kuwirirana

Mune dzimwe nzvimbo, nyaya yerusaruganda yakakura. Tarisa uone kuti varume vaviri vekuSouth Africa vakakunda sei dambudziko iri.

Hatifi Takakanganwa Kukwaziswa Kwatakaitwa paImba yeUmambo

Steve achiri kuyeuka kuti akatambirwa sei musi waakapinda musangano weZvapupu zvaJehovha paImba yeUmambo.

Rudo Rwakavimbika Rwuchakunda Ruvengo Riini?

Zvakaoma kuti munhu abvise rusaruro mumwoyo make. Inzwa kuti muJudha nemumwe murume wekuPalestine vakazvigona sei.

Ndakafarira Chaizvo Mhinduro Dzakajeka Uye Dzine Musoro dzeBhaibheri

Ernest Loedi akawana mhinduro dzemimwe mibvunzo inokosha yeupenyu. Mhinduro dzakajeka dzeBhaibheri dzakaita kuti ave netariro yechokwadi yeramangwana.

Usambofa Wakarasa Tariro Paunenge Uchitambura

Doris ainetseka kuti nei Mwari achibvumira kutambura. Akawana mhinduro kwaaisambofunga kuti angadziwana.

Mibvunzo Mitatu Yakachinja Upenyu Hwangu

Mudzidzisi paakava mudzidzi, mudzidzi akava mudzidzisi, Doris Eldred akawana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yake pamusoro peupenyu.

Ndakanga Ndisingadi Kufa!

Yvonne Quarrie akambobvunza kuti, “Chinangwa chekurarama ndechei?” Mhinduro yaakawana yakachinja upenyu hwake.

Jehovha Akandiitira Zvakawanda

Bhaibheri rakabatsira sei Crystal kuti ave neukama naMwari uye ararame upenyu hune chinangwa, kunyange zvazvo akanga ambobatwa chibharo achiri mudiki?

Handichazvitarisiri Pasi

Verenga unzwe kuti Israel Martínez akakunda sei dambudziko rekuzvitarisira pasi raaiva naro.

Jeson Senajonon: Jehovha Andinzwa

Kuva matsi hakuna kutadzisa Jeson kuva neushamwari naMwari.

Ndakazotanga Kuwirirana naBaba Vangu

Inzwa kuti chii chakaita kuti Renée aite zvemadhiragi nedoro uye kuti akazozvisiya sei.

Iye Zvino Ndinofunga Kuti Ndava Kukwanisa Kubatsirawo Vamwe

Julio Corio akaita tsaona yakaipisisa, akatanga kufunga kuti Mwari haana basa naye. Rugwaro rwaEksodho 3:7 rwakamubatsira kuchinja maonero ake.

Ndairarama Ndichingozvifunga Ini Pachangu

Christof Bauer akazvipira nemwoyo wose kuverenga Bhaibheri pavaiyambuka Atlantic Ocean vari mukachikepe. Chii chaakadzidza?

Ndaida Kurwisa Rusaruro

Rafika akabatana nechimwe chikwata chaida kurwisa rusaruro. Asi akazodzidza kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchabvisa rusaruro hwoita kuti panyika pave nerugare.

“Handichafungi Kuti Ndinofanira Kuchinja Nyika”

Kudzidza Bhaibheri kwakabatsira sei munhu airwira kodzero dzevanhu nemhuka kuti adzidze chichaita kuti magariro evanhu achinje?

Ndakakanda Gidi Pasi

Ona kuti mashoko anonyaradza ari muBhaibheri akabatsira sei Cindy kusiya zvechisimba.

Ndaiti Mwari Haako

Zvakafamba sei kuti mumwe murume akakura achiti Mwari haako uye achiita zvechiCommunist azotanga kufarira Bhaibheri?

Bhaibheri Rinochinja Upenyu​—⁠November 2012

Chii chakaita kuti mumwe musikana aiva nebasa repamusoro, murume aiita zvokubheja nemumwe murume akanga akaora mwoyo vawane mufaro wechokwadi?

Bhaibheri Rinochinja Upenyu—Aiva Nebarika Asi Ava Murume Kwaye

Chii chakaita kuti mumwe aimbova nebarika achinje maonero aaiita wanano?

Dzidziso Dzakachinjwa

“Ndaiva Nemibvunzo Yakawanda Kupfuura Mhinduro”

Chii chakaita kuti Mario, uyo aimbova mufundisi wechechi, abvume kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa chokwadi nezveBhaibheri.

Chokwadi chemuBhaibheri Chakapedza Nyota Yezvandaida Kuziva

Mayli Gündel akarega kutenda muna Mwari pakafa baba vake. Akawana sei chitendero chechokwadi uye rugare rwemupfungwa?

Vaipindura Mibvunzo Yose Vachishandisa Bhaibheri!

Isolina Lamela aiva sisita wechechi yeRoma, ndokuzotanga kurwira kodzero dzevanhu, asi akazoodzwa mwoyo nezvose zviri zviviri. Akazoonana neZvapupu zvaJehovha izvo zvakamubatsira zvichishandisa Bhaibheri kuti ave neupenyu hune chinangwa.

Vakawana ‘Parera Rinokosha Kwazvo’

Mary naBjörn vakawana chokwadi cheUmambo nenzira dzakasiyana. Chokwadi ichi chakachinja sei upenyu hwavo?

Zvechechi Ndakanga Ndisingachadi Kuzvinzwa

Tom aida zvekunamata Mwari, asi zvinoitwa mumachechi zvakaita kuti apedzisire asingachadi kunamata. Kudzidza Bhaibheri kwakamubatsira sei kuchinja mafungiro ake?

“Jehovha Akanga Asina Kundikanganwa”

Mukadzi uyu aiva akanyura mune zvechitendero akazowana mhinduro dzemuMagwaro dzemibvunzo yake nezvekuti nei tichifa uye chinoitika kana munhu afa. Ona kuti chokwadi chakachinja sei upenyu hwake.

“Ndaida Chaizvo Kuva Mupristi”

Kubvira achiri muduku, Roberto Pacheco aida kuva mupristi wechechi yeRoma. Ona kuti chii chakazochinja upenyu hwake.

“Vaida Kuti Ndizvionere Ndoga Zvinodzidziswa neBhaibheri”

Luis Alifonso aida kuva mumishinari wevaMormon. Kudzidza Bhaibheri kwakachinja sei zvinangwa zvake uye upenyu hwake?

Zvinodhaka

“Handichafariri Zvekurwa”

Musi wekutanga pabasa, Michael Kuenzle akabvunzwa kuti, “Unofunga kuti Mwari ndiye anokonzera kutambura kuri munyika here?” Ndiwo mubvunzo wakachinja upenyu hwake.

Upenyu Hwangu Hwakanga Hwava Mumatope

Solomone akatamira kuUnited States, achitsvaga basa. Pane kudaro, akabva atanga kushandisa madhiragi akazopedzisira avharirwa mujeri. Chii chakamubatsira kuti achinje upenyu hwake?

Ndaigara Mumigwagwa

Antonio akatanga kudhakwa zvisingaite uye kushandisa madrugs uye izvi zvakaita kuti aone sekuti upenyu hahuna chinangwa. Chii chakazoita kuti agadzirise maonero ake?

Ndakadzidza Kuremekedza Vanhukadzi Uye Kuzviremekedza

Joseph Ehrenbogen ane zvaakaverenga muBhaibheri zvakamubatsira kuchinja upenyu hwake.

“Ndakatanga Kunyatsofunga Kuti Upenyu Hwangu Hwainge Hwakananga Kupi”

Verenga uone kuti mazano eBhaibheri akabatsira sei mumwe murume kuti achinje unhu hwake uye mafungiro kuitira kuti afadze Mwari.

Ndakatanga Kufinhwa Nemararamiro Andaiita

Dmitry Korshunov aiva chidhakwa chisingaiti, asi akazochinja. Tarisa vhidhiyo iyi uone chakamubatsira kuti achinje zvakadaro.

Bhaibheri Rinochinja Upenyu​—October 2012

Vanhu vaviri vakarega sei zvakaipa, zvaisanganisira kunwa doro nezvimwe zvinodhaka, vachibva vawana mufaro wechokwadi?

“Ndakazowana Rusununguko Chairwo”

Ona kuti Bhaibheri rakabatsira sei mumwe mukomana kuti arege fodya, kushandisa madhiragi uye kudhakwa.

Kuparwa Kwemhosva Uye Kurwisana

“Kupara Mhosva Uye Kuda Mari Kwakaita Kuti Ndirwadziwe Zvakanyanya”

Artan paakabudiswa mujeri, akaona kuti zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pekuda mari ndezvechokwadi.

“Handisisina Utsinye”

Chii chakaita kuti Sébastien Kayira asiye zvekurwa uye arege kushusha?

“Ndaizvicherera Guva”

Chii chakaita kuti munhu aimbova muchikwata chematsotsi kuEl Salvador achinje upenyu hwake?

Maonero Andava Kuita Vanhu Achinja

Sobantu akadzidza chokwadi cheBhaibheri ndokusiya zvekurwa. Iye zvino ava kushanyira vavakidzani vake achivadzidzisa nezvenyika ichange isina vanopara mhosva uye matsotsi.

Ndaiva Nehasha Dzisingaiti

Munhu aimbova muchikwata chematsotsi akanyatsoona kuti Bhaibheri rine simba nekuti rakachinja upenyu hwake. Iye zvino ava neushamwari hwepedyo naMwari.

Ndaigara Ndakagumbuka Uye Ndaida Zvekurwa

Chii chakabatsira mukomana wekuMexico kuti asiye zvekurwa?

Ndipeiwo Gore Rimwe Chete Rerugare Uye Mufaro

Alain Broggio akabayiwa mwoyo nemashoko ari pana 1 Johani 1:9.

Ndaifunga Kuti Ndiri Kunakirwa Neupenyu

Pawel Pyzara aifarira zvekurwa, achiita zvemadhiragi, ukuwo achiita dhigirii rezvemutemo kuti ave nemukurumbira. Upenyu hwake hwakachinja paakarwa nevamwe varume 8.

Upenyu Hwangu Hwaibva Pakuipa Huchienda Pakuipisisa

Stephen McDowell aiva murume wechidiki aiva nehasha dzisingaite, asi shamwari dzake padzakauraya mumwe munhu, ndipo paakachinja upenyu hwake.

Ndakadzidza Kuti Jehovha Ane Ngoni Uye Anoregerera

Kutsotsa vanhu ndihwo hwakanga hwatova upenyu hwaNormand Pelletier. Asi pane imwe vhesi yaakaverenga muBhaibheri yakamuchemedza.

Ndairwa Hondo Yangu Ndega Yekurwisa Udzvinyiriri Uye Chisimba

Antoine Touma aiva nyanzvi yeKung Fu, asi rugwaro rwa1 Timoti 4:8 rwakachinja upenyu hwake.

Hapana Kwandaienda Ndisina Pfuti Yangu

Annunziato Lugarà aiva muchikwata chaiita zvechisimba, asi kushanyira kwaakaita Imba yoUmambo kwakachinja upenyu hwake.

“Vanhu Vakawanda Vaindivenga”

Ona kuti kudzidza Bhaibheri kwakabatsira sei mumwe murume aiita zvechisimba kuti ave munhu ane rugare.

Mitambo, Mimhanzi Uye Kuzvivaraidza

Jason Worilds: Hapana Chaunomborasikirwa Nacho Kana Uchishumira Jehovha

Kana tikararamira kuita zvinodiwa naJehovha tichagara tichifara.

Andrey Nesmachniy: Ndairaramira Kutamba Nhabvu

Akanga aine mukurumbira uye aine mari yakawanda, asi akazowana chinhu chinokosha kupfuura zvese izvi.

Ndaiona Sekuti Ndaiva Nezvese Zvandaida

Stéphane aiva muimbi ane mukurumbira. Aiita seane zvese, asi ainzwa sekuti pane chaakanga asina uye aisagutsikana. Akawana sei mufaro uye chinangwa muupenyu?

Ndakawana Mubayiro Mukuru Kupfuura Yese

Chii chakaita kuti nyanzvi yemutambo wetennis izova mudzidzisi weBhaibheri?

“Ndaifairira Kuita Martial Arts”

Erwin Lamsfus akambobvunza shamwari yake kuti, ‘Wakambozvibvunzawo here kuti nei tichirarama?’ Mhinduro yaakapiwa yakachinja upenyu hwake.

Kuti Ndizokunda, Ndakatombokundikana Kakawanda

Zvii zvakaitwa nemumwe murume kuti akunde dambudziko raaiva naro rekuona zvinonyadzisira uye kuti apedzisire ava nerugare rwepfungwa?

“Ndaiva Neunhu Hwakashata”

Kunyange zvake aibudirira mune zvemimhanzi, Esa aiziva kuti upenyu hwake hwaisava nechinangwa. Ona kuti muimbi uyu wemusambo weheavy-metal akawana sei mufaro wechokwadi.

Kushumira Jehovha Ndiko Kunosimbisa

Vhesi imwe chete yemuBhaibheri yakaita kuti Hércules ave nechivimbo chekuti aikwanisa kuchinja unhu hwaaimbova nahwo hwekukurumidza kugumbuka achihutsiva nehutsva hwakadai sekugadzikana uye rudo.

Hapana Chimwe Chandaida Kupfuura Baseball!

Samuel Hamilton aida baseball zvakanyanya, asi kudzidza Bhaibheri kwakachinja upenyu hwake.

“Vimbiso Yokuti Nyika Ichava Paradhiso Yakachinja Upenyu Hwangu”

Ivars Vigulis aida mukurumbira, mbiri, uye kunakidzwa nemijaho yemidhudhudhu. Chokwadi cheBhaibheri chakachinja sei upenyu hwake?