Enda pane zvauri kuda

Mufundisi Anowana Mhinduro

Mufundisi Anowana Mhinduro

 Rimwe zuva Eliso, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akanga achidzidzisa mumwe mukadzi Bhaibheri. Mukadzi uyu waaidzidzisa akabva asvikirwa nevaenzi asingatarisiri. Paakavhura dhoo akaona paine mufundisi nemudzimai wake. Eliso akanga ambonzwa kuti mavhiki maviri akanga apfuura, mwanakomana wemufundisi uyu akanga ashaya.

 Eliso paakavabata maoko, mufundisi wacho nemudzimai wake vakatanga kuchema zvisingaiti. Nehasha mufundisi wacho akabva ati: “Handinzwisisi kuti nei Mwari akabvumira kuti ndisangane nemuedzo wakadai! Angabva atora mwana wangu mumwe chete here? Ndava nemakore 28 ndichishandira Mwari, ndichiita zvinhu zvakawanda zvakanaka. Iyi ndiyo nzira yake yekunditenda nayo iyi! Sei Mwari auraya mwana wangu?”

 Eliso akatsanangurira murume nemukadzi uyu kuti Mwari akanga asina kutora mwanakomana wavo. Akakurukurawo navo nyaya dzakadai serudzikinuro, rumuko, uye kuti nei Mwari achibvumira kuti zvakaipa zviitike. Mufundisi wacho nemudzimai wake vakaudza Eliso kuti akanga avapindura chaizvo zvavakanga vachinyengeterera.

 Vhiki rakatevera mufundisi uyu nemudzimai wake vakadzoka ndokudzidzawo Bhaibheri pamwe chete nemukadzi uya. Eliso aidzidzisa chitsauko chakanzi “Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa,” mubhuku rakanzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Vaviri ava vainakidzwa nekupindurawo muchidzidzo chacho.

 Vese vakazopinda gungano guru reZvapupu zvaJehovha rakaitirwa kuTbilisi, Georgia. Vakabaiwa mwoyo nerudo rukuru nekubatana zvavakaona ipapo, izvo zvavakanga vaedza kudzidzisa nhengo dzechechi yavo kwemakore, asi vasingabudiriri.